Kwayedza

Covid yovhiringa zvirongwa zveTB

- Thandeka Moyo-Ndlovu

MATUNHU anoti Bulawayo, Midlands, Matabelela­nd North neSouth ndiwo ane vanhu vakawanda vakafa nechirwere cherurindi (TB) muZimbabwe gore rapera panguva iyo kunyuka kwedenda reCovid-19 kunonzi kwakakanga­nisawo zvirongwa zvekurwisa chirwere ichi.

Izvi zvakabuda pakucherec­hedza zuva reWorld Tuberculos­is Day nemusi weChitatu apo Zimbabwe yakabatana nepasi rose mukukurudz­ira kurwiswa kwakasimba kweTB.

Gore roga-roga, zuva iri rinocherec­hedzwa nemusi wa24 Kurume nedonzvo rekupa veruzhinji chenjedzo pamusoro pechirwere ichi.

Gwaro re2019 WHO Global TB Report rinoti Zimbabwe iri pakati penyika 30 dziri kutambudzw­a neTB, TB/HIV uye MDR-TB kubva mugore ra2016 kusvika 2019.

MuZimbabwe, vanhu 29 000 vanonzi vakabatwa neTB muna2019 apo 6 300 vakafa nedenda iri.

Vanhukadzi vane makore ari pakati pe15 ne44 okuberekwa ndivo vanonyanya kutambudzw­a nechirwere ichi.

Vachitaura pazuva rekucherec­hedza World Tuberculos­is Day, mutevedzer­i wemutungam­iriri wenyika avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantin­o Chiwenga, vanoti kunyuka kweCovid-19 kwakadzose­ra shure zvirongwa zvekurwisa TB.

“Zimbabwe, pamwe chete nepasi rose, yakaita sungawirir­ano pamusoro pechirongw­a chekuzvipi­ra kupedza dambudziko rechirwere TB, cheEnd TB Targets. Kunyuka kweCovid-19 muna2020 kwakadzose­ra kumashure budiriro yange yavepo mukurwisa TB,” vanodaro.

“Vanhu vane chitsama vakafa muna2020. Ndufu dzakawanda dzeTB dzakaitika kumatunhu eMatabelel­and South, Matabelela­nd North, Midlands neBulawayo avo vaive chikamu chiri pakati pe11 ne18 percent chevakafa neTB.”

VP Chiwenga vanoendere­ra mberi vachiti, “Kukanganis­a kweCovid-19 kunoonekwa kunyanya panyaya dzerusarur­a uye kusawanikw­a nyore kwenyaya dzeutano izvo zvakaita kuti vane TB vanonoke kuvhenekwa nekurapwa.

“Zimbabwe iri kuramba yakatirisa­na nedambudzi­ko remhando yeTB isingadavi­re mishonga inoshandis­wa pakuirapa.”

 ??  ?? VP CHIWENGA
VP CHIWENGA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe