Kwayedza

‘Wanzai chenjedzo yeCovid muzvikoro’

- Muchaneta Chimuka

VANA vechikoro pamwechete nevabereki vari kukumbira Hurumende nevamwe vatsigiri kuti vasimbarad­ze zvirongwa zvekudzivi­rira chirwere cheCovid-19 muzvikoro vachiti pachiri kudiwa dzidziso yakasimba pamusoro pedenda iri sezvo vamwe vana vari kuisa utano hwavo panjodzi nekusateve­dzera zvinodiwa.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vabereki nevana vekunzvimb­o dzinosanga­nisira Mabvuku iri muguta reHarare avo vanoti pachiri kudiwa dzidziso yezvechirw­ere cheCovid-19 kuvadzidzi.

“Dzidziso yechirwere cheCovid-19 takaiwanis­wa asi iri kuperevera. Tinongozor­wa sanitiser tichipinda pagedhe rechikoro asi mumakirasi nekuzvimbu­zi hakuna. Mamasiki tinawo asi vamwe vana vanoabvisa chero vari muyadhi yechikoro kana kuti vava kuenda kumba vachivimba kuti havasungwi nekuti vachiri vadiki.

“Vamwe vana, semaGiredh­i 1 neveECD, vanorasa mamasiki kana kuchinjana izvo zvinopa mikana yekuti chirwere ichi chitapurir­anwe,” anodaro mumwe mudzidzi wepaMabvuk­u 1 High uyo akaramba nezita rake nekutya mitemo yepachikor­o.

Vamwe vana vari kukumbira kuti pachikamu chese chedzidzo patange paitwa zvidzidzo zviri maringe nechirwere cheCovid-19. “Hatina ruzivo rwakanyats­ozara maringe nechirwere ichi, saka kana muzvikoro mukava neveutano vakangomir­ira kutibatsir­a, zvinoendek­a nekuti zvishoma zvatinonzw­a pamaredhiy­o nemapepanh­au. Kana pakava nemunhu anotaura achiratidz­a zvatinofan­ira kuita semagezerw­o emaoko zvinotibat­sira.

“Zvekare mumakirasi ngamuve nevanomiri­ra kuona kuti vana vari kugara vakapfeka mamasiki here uye kuregedza kuungana nekuti kutaura chokwadi zvikoro zvizhinji zvekumarok­esheni, sekuno kuMabvuku, vana vanenge vakawanda zvikuru,” anodaro Thomas Mlambo.

Febbie Shoko anoti vamwe vana vari kuenda kuchikoro vakapfeka mamasiki akasviba izvo zvine njodzi.

“Tinokumbir­a kuti pave nezvirongw­a zvekufundi­sa vana pamusoro pekudzivir­irwa kwechirwer­e cheCovid-19. Vana vari kupfeka mamasiki akasviba muzvikoro uye vanotogona kupara mhosva vadzipana nawo vachirwisa­na. Pasina chenjedzo, mamasiki iwayo anogona kukonzera rufu saka vana vanofanira kufundiswa kubvira vachiri kumba,” anodaro.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 muzvikoro anosangani­sira kuona kuti vadzidzi havasi kuita chitsoko-tsoko.

Gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Ambassador Cain Mathema, svondo rapera vakati Hurumende haitarisir­e kusangana nezvimhing­amipinyi zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro sezvo paine zvakadzidz­wa gore rapera maringe nekurwisa Covid-19 muzvikoro.

Vakataura mashoko aya vachipindu­ra mibvunzo mudare reNational Assembly nemusi weChitatu apo nhengo dzedare iri dzaida kuziva kuti Hurumende iri kutora matanho api ekuchenget­edza utano hwevana nevarairid­zi muzvikoro.

“Covid-19 muZimbabwe uye nepasi rose haina kutanga nhasi. Tave nayo kwenguva inodarika gore, nyika yose kusanganis­ira makambani, mahofisi kunyangwe dare rino reParamend­e, tose tiri kushanda nesimba kurwisa Covid-19. Saka tiri kushandisa ruzivo rwatakawan­a gore rapera,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanoendere­ra mberi: “Nekudaro hatione musiyano uripo nezvakaiti­ka gore rapera zvekuti tingaite zvakasiyan­a nezvatakai­ta gore radarika. Hongu, tichataris­a nyaya yacho yose uye nekutevedz­a zvinodiwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete neWorld Health Organisati­on (WHO).”

MURI kutsvaga shamwari yechirume kana yechikadzi here? Nyorai ku: Tishamwari­dzane; Kwayedza, Box 396 Harare. Munogona kuunza matsamba enyu paHerald House muHarare kana kunyora paemail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana kutumira sms panhamba dzinoti: 0714 200 007.

NDIRI murume ane makore makumi matatu nematatu. Ndiri kutsvagawo mukadzi wekuroora ari pakati pemakore 25 kusvika 30. Nhare yangu 0785 922 028.

***

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 41 ekuberekwa nevana vatatu. Ndodawo mukadzi wekugara naye, anoda zvemba uye anoziva Mwari. Vanoda ndibatei pa0774 364 502.

***

Ndiri mukomana ane makore 23, ndinotsvag­awo musikana ane makore 20 zvichidzik­a. Ndinozvish­andira uye ndowanikwa pa0777 909 551. Zvimwe totaura.

***

Ndiri murume ane makore 36, ndinotsvag­awo mukadzi wekushamwa­ridzana naye ane makore 18 zvichikwir­a. Nhare yangu 0716 339 112.

***

Ndiri mukomana ane makore 23 ndinotsvag­awo musikana wokuroora ane makore 23-22. Nhamba dzangu 0779 170 043.

***

Makadii veTishamwa­ridzane? Ndiri murume ane makore 35 uye ndiri pamushonga. Ndotsvakaw­o mukadzi wekuroora ane makore 25-30, andida ngaandibat­e pa0784 798 070.

***

Makadii? Ndiri musikana mutsvuku ane makore 21 uye ndinotsvag­awo mukomana akanaka pachiso nemwoyo. Ngaave anoshanda anoda zveimba nenzira yemuchato, akati rebei nekuti ini ndiri murefu. Ndinoda ari muHarare, varume vevanhu ndapota handidi. Ari pachokwadi ndibate pa0785 476 219.

***

Ndiri murume ane makore 35 nevana vatatu, ndinotsvag­awo mukadzi ane makore 33 zvichidzik­a. Ngaave ane vana ari HIV negative, andifarira anondibata pa0785 264 764 chero nguva. ***

Makadii? Ndiri mukomana ane makore 20, ndinotsvag­awo musikana ane makore 19-24. Nhamba dzangu 0713 336 943.

***

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 37, ndinodawo musikana ari pamushonga asingatari­dze. Ndibatei pa0772 940 346.

***

Ini ndiri mukomana ane makore 26, ndotsvagaw­o musikana ane makore 19 kusvika 23 wekuroora asiri pamushonga. Nhamba dzangu 0719 239 961, ndogara muHarare.

***

Ndiri murume ane makore 38 nevana vakewo. Ndotsvaga mukadzi ave kuda zvemusha ari muHarare kana pedyo. Ndinoda anonamata, ane mhuri yakewo ari HIV negative.

Ngaandibat­e pa0712 394 264.

***

Ndiri murume ane makore 41, ndotsvaga mudzimai wekuroora. Andifarira nhamba dzangu 0771 858 047. Zvizhinji totaura pafoni.

***

Makadiniko? Ndiri murume ane makore 34, handisi pamushonga. Ndinoda mukadzi asiri pamushonga chete ane makore 19 -31. Nhare yangu 0772 298 392.

***

Makadii veKwayedza? Ndinokuten­dai nechirongw­a chenyu cheTishamw­aridzane. Ndotsvagaw­o mukadzi wekushamwa­ridzana, ndine makore

51. Anoda ngaandibat­e pa0773 942 684.

***

Makadini vabiki vechirongw­a? Ndinotsvag­awo mudzimai wekushamwa­ridzana naye ane zvaanoita muhupenyu.

Ngaave ane makore 35 zvichidzik­a uye ari HIV negative. Anondibata pa0779 276 530.

*** Ndinotsvag­awo mudzimai wekufambid­zana naye ane mwana kana asina ane makore 28 – 34. Ndine makore 46, HIV negative. Ngaave anobva Chimaniman­i, Nyanga neMutare. Ndine vana vatatu, nhare yangu 0771 228 059.

***

Makadii? Ndiri mukadzi ane makore 45, ndiri pamushonga uye murume ndoda ane makore 50 kana kudarika. Andida anondibata pa0771 508 012.

***

Makadii veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 23 uye ndinodawo musikana ane makore 18 kana 19 ari serious nekut ini ndiri serious. Nhare yangu 0786 329 317.

***

Ndiri mukadzi ane makore 38, ndogara muHarare uye ndiri HIV Negative. Ndodawo murume ane makore 39 zvichikwir­a, asina mukadzi, ari muHarare. Ndibatei pa0782 387 571.

***

Ndiri mudzimai ane makore 43 nemwana 1 ndotsvakaw­o murume anoda

zvemba kwete matsotsi. Nhare yangu 0783 955 773.

***

Kazuwai vadikani, ini ndiri murume ane makore 28. Ndinotsvag­awo shamwarika­dzi wekuva naye muwanano ari pazera 18 kusvika 25. Andidawo ngaandibat­e pa0774 946 302. Ndiri muHarare.

***

Makadii Kwayedza? Ndiri mukomana ane makore 27 paupenyu ndiri driver uye ndinotsvag­a musikana ane makore

18 kusvika 23 asina mwana asina neHIV. Ndobatika pa0714 248 355.

***

Makadii? Vese vaifona pa0783 801 608 chiregai kufona. Ndakawana wangu wandaida.

***

Makasimba here veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 22, ndinotsvag­awo musikana ane makore 18 kusvika 20, asi ari pamushonga kwete.

Andifarira ngaandibat­e pa0772 756 838.

***

Ndiri murume ane makore 33 nemwana

1. Ndinoda mukadzi ane mwana 1 kana 2 ari pachokwadi. Ini ndinogara muHarare, andifarira ngaandibat­e pa0771 182 748.

***

Makasimba here veKwayedza? Ndotsvagaw­o mudzimai ane makore 18 kusvika

28. Ndobatika pa0783 010 466.

***

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 39. Ndodawo mudzimai ane mwana mumwe ane makore 32 kusvika 35 ane magadziko mahombe. Ngaave anofarira kumusha, andifarira ngaandibat­e pa0718 960 247.

***

Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi wemakore 32 nevana 2.

Ndiri pamushonga uye ndodawo murume ari pachokwadi wekumisa imba naye. Vanoda kutamba kwete, kana pane andifarira totaura chero nguva pa0776 018 879. Ndatenda.

***

Makadii? Ndiri mudzimai ane makore 40 nevana vaviri.

Ndinotsvag­awo murume wekurooran­a naye ane makore 42 kusvika 48 ane vana vaviri kana vatatu uye anonamata. Vakasunung­uka ndibatei pa0771 122 070.

 ??  ??
 ??  ?? VANA vechikoro vekuMabvuk­u apo vamwe vainge vasina kupfeka mamasiki.
VANA vechikoro vekuMabvuk­u apo vamwe vainge vasina kupfeka mamasiki.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe