Kwayedza

‘Ndoda kuenda Cameroon’

- Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi wemaWarrio­rs neNkana FC yekuZambia — Talbert Shumba — anoti akagara mudenga rechinomwe zvichiteve­ra kubudirira kwakaita chikwata chenyika ichi kuenda ku2021 Cameroon Africa Cup of Nations (Afcon) asi ndokuti achiri nebasa guru rekubata kuti agosarudzw­a muchikwata chichaenda kumutambo uyu.

Murwendo rwekurwira kuenda kuAfcon, maWarriors aive muboka reGroup H nezvikwata zvinoti Algeria, Zambia neBotswana.

MaWarriors akapedza ari pechipiri kumashure kweAlgeria.

Muhurukuro neKwayedza, Shumba — uyo akatamba mitambo mitatu yekurwira kuenda kuAfcon — anoti haasi kugona nemufaro mukuru zvi- chitevera kubudirira kwavakaita sechikwata kuenda kuAfcon.

“Basa takabata zvinofadza uye zvinhu zvinodadis­a kuwaniswa mukana wekunomiri­ra nyika yako kumutambo mukuru wakaita seAfcon.

“Iye zvino pave nerwendo rwakakura kumberi nekuti ndave kufanirwa kushanda nesimba kuti ndigosarud­zwa kupinda muchikwata chevatambi 23 vachaenda kumutambo uyu gore rinotevera.

“Saka ndinofanir­wa kushanda nesimba,” anodaro Shumba.

Pari zvino Zimbabwe yakakombor­erwa kuve nevabati vepagedhi vepamusoro vanosangan­isira Martin Mapisa anotambira kuEurope naTatenda Mkuruva uyo anotambira kuUnited States of America.

Kune vamwe vabati vepagedhi zvakare vari kuSouth Africa vakaita saGeorge Chigova naElvis Chipezeze.

Shumba anoti pane basa guru raanofanir­a kubata kuitira kuti agosarudzw­a pamberi pevatambi vazhinji vane tarenda vemuno.

“Iye zvino tine vabati vepagedhi vakawanda vane tarenda saka ini ndiri kutofanirw­a kushanda nesimba kuitira kuti ndigosarud­zwa kuenda kuCameroon,” anodaro Shumba.

Kubudirira kwakaita maWarriors kuenda kuAfcon kwabva kwaita kuti aka kave kechishanu achienda kumutambo uyu.

 ??  ?? TALBERT Shumba
TALBERT Shumba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe