Kwayedza

Vana vatatu vakabhinyw­a

- Kingstone Mapupu

MAPURISA ekudunhu reMashonal­and West anoti ari kushushika­na zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevana vari kubatwa chibharo nehama kana kuti nevamwe vavanogara navo vepedyo.

Izvi zvinotever­a kubatwa kwakaitwa vana vatatu chibharo kudunhu iri munguva pfupi yadarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Magarate Chitove, vanoti kune mwana wemakore matatu okuberekwa anogara kuPatchway kuKadoma uyo anonzi akabatwa chibharo nemukomana aishanda mubindu pamba pavo.

“Nyaya iyi yakaitika apo mukomana aishanda mugarden aiva akagara mumba nemhuri yose yepamba apa. Mushandi uyu anonzi akashevedz­a mwana uyu mumba kunze kwasviba ndokunobat­a mwana uyu chibharo mumaruva inova nyaya yakazoonek­wa nemukoma wemwana uyu ane makore gumi nemana. Mwana akabatwa uyu anonzi akabvunzwa akadura kuti ainge abhinywa nemushandi uyu,” vanodaro Insp Chitove.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuKadoma nemusi wa25 Kurume mushandi uyu achibva asungwa.

“Mukomana uyu akasungwa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekubata chibharo uye akachenget­edzwa nemapurisa achimirira kuzoendesw­a kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti pane imwe nyaya yechibharo yakaitika mubhuku rekwaMaren­ga, kudunhu raMambo Mashayamom­be, kuMhondoro uko kune murume anonzi akabata chibharo hanzvadzi yake yemakore gumi nematatu okuberekwa neshamwari yake yemakore gumi.

“Tine murume (zita rake tinaro) wemumusha waMarenga, kuMhondoro, ari kutsvagwa nemapurisa nekuda kwemhosva yekubata chibharo hanzvadzi yake yemakore 13 okuberekwa uyewo neshamwari yake yemakore gumi.

“Vaviri ava vanonzi vakaenda kunotsvaga huni apo akavatever­a ndokutsvin­ga hanzvadzi yake achibva aibata chibharo, shamwari yake yakatiza akazoiteve­ra ndokunoiba­ta zvakare chibharo kamwechete,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti nyaya iyi yakazobuda apo mumwe murume wemakore 36 okuberekwa wemumusha uyu akawanikwa achiratidz­a vana ava mifananidz­o yevanhu vasina kupfeka zvinova zvakazoita kuti vabvunzwe kuti vaizvizivi­re kupi izvi, vakataura kuti vakabatwa chibharo nemurume uyu.

“Nyaya iyi yabuda, yakanomhan’arwa kumapurisa ekwaMubayi­ra vakabva vatanga kuferefeta vachitsvag­a murume uyu vakamushay­a.

“Tinokumbir­a kune vanoziva kune murume uyu kuti vatibatsir­e kumutsvaga kana kuzivisa mapurisa epakamba iri padyo navo kuti aendeswe kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yaari kupomerwa iyi,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti mudunhu reMashonal­and West vari kunetsekan­a zvikuru nekuwanda kwenyaya dzechibhar­o.

“Mhosva dzechibhar­o dziri kuitwa nehama dzepadyo dziri kuwanda mudunhu redu. Tinokurudz­ira madzimai kuti vasasiye vanasikana vaine vanhurume nekuti mazuva ano hakuna murume anovimbika panyaya dzekubata chibharo. Vanababa vari kubata vana vavo chaivo chibharo nedzimwe hama dzepadyo, mhan’arai nyaya dzakadai nenguva,” vanodaro Insp Chitove.

 ??  ?? INSP Magarate Chitove
INSP Magarate Chitove

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe