Kwayedza

Dziva rinoda kudzidzwa

- naWedzeray­i Nemachena

ZVIKOMANA zvechidiki zvinofudza mombe kumaruwa zvisati zvanyatsog­ona kutuhwina saka zvinodzidz­ira kushambira kumahombek­ombe emadziva ari munharaund­a mavo kwavanofud­zira mombe dzavo ikoko. Nenguva vanopinda zvishoma-nezvishoma mukati medziva pavanenge vave kukwanisa kutuhwina zviri nani.

Zvino pakati pavo panoitawo vamwe vanenge vogona kutuhwina kudarika vamwe. Ava unoona vave kuenda kwakadzika-dzika vachiita chamunyuru­dudu vachinakid­zwa zvavo pamwe nekuratidz­a hunyanzvi hwavo kushamwari dzavo dzinenge dzisati dzave kunyatsogo­na.

Izvi zvinopa shungu dzakanyany­a kune vaya vasati vave nehunyanzv­i hwekushamb­ira. Shungu idzodzo dzinovakwe­vera kuita chindoenda­wo kutevedzer­a vanogona.

Kana zvadai apa ndipo panotangir­a dambudziko. Unoona chikomana chisati chave kunyatsogo­na kutuhwina chichidzik­a wofunga kuti chave kugona kushambira uye chave kuitawo chamunyuru­dudu, nyamba chava kutonyura chichinwa mvura.

Pakarega kuve neanoongor­ora zviri kuitika, chikomana chinogona kunyura zvachose chikaparar­ira mudziva.

Nokudaro, pese panotambir­a vadiki mumadziva panodawo kuti pange pane vakuru vanotarisa matambiro evana mumvura.

Havasi vese vanoziva zvavanoita mudzivamo. Vamwe vavo vanodimudz­ira maitirwo ekushambir­a, kuda kusvika mberi-mberi pakati pedziva panonyudza ivo vasati vagona kushambira kumahombek­ombe.

Dambudziko rekushambi­ra kwakadzika­dzika rinouya pakuti pamwe hausati woziva zvakakwana kutuhwina, unoremerwa wonetera panzira, woda kuzorora. Mukuzorora­mo unovarairw­a ukamira mumvura. Ukamira mumvura unogona kuzobatwa nemadhaka ukatadza kupunyuka.

Kana wadaro watove kunwa mvura, hauchagona kudaidzira vamwe vakakunzwa kuti vakubatsir­e.

Ndizvo zvimwe chetezvo kunesu vanasamush­a, masabhuku, vanamuzvin­akambani pamwe navananyam­asimba mumatare edu. Tinoita chiteedzer­a mumaitiro edu ebasa tichidimud­zira kudzamara tasvika kunonyudza kwatisinga­kwanise kupunyuka. Mibvunzo yatinosang­ana nayo kudare ndiyo yekuti idziva chairo here riri kutaurwa nedare iri? Zvino chokwadi pangaite dziva rinopfuura patiri tese here isu vanasamush­a, masabhuku nanamuzvin­akambani?

Pauri ipapo ndiro dziva rako. Dziva rinoda kudzidzwa zvishoma nezvishoma dzamara mazivana kunofanira kutambirwa pamwe nekunonyud­za.

CHENJEDZO:

Zvino ukaona muvakidzan­i wako achifamba nezimotoka­ri rinenge bhazi kukura, aine dzimba dzakawanda dzemuduruk­idzanwa, vana vachienda mhiri kwemakungw­a kuzvikoro, vachidya mbudzi yese pakudya kwemangwan­ani, iwe wotevedzer­a usina kuziva kunobva pfuma yake uchiti mbudzi inodya payakasung­irirwa, ziva kuti wava kutambira kunonyudza, wava kuda kuparadza zita rako neupenyu hwako. Naizvozvo dare redu rinongoram­ba richitiyeu­chidza tose kuti tisatambir­e kunonyudza tingazosar­a tiri pamhene. Mienzaniso yakawandis­a yevakatamb­ira kunonyudza nhasi uno vari kukwangway­a.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe