Kutora zvinodhaka handiko kuzvigona
SVONDO rino tine nyaya inosuwisa pamwe nekurwadza zvikuru yevechidiki – kusanganisira vachiri kuenda kuchikoro – avo vari kutora zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo izvo zviri kuita kuti varasike njere negwara rakanaka reupenyu.
Vechidiki ava vari kutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro, bronco nembanje.
Kune vamwe vari kusvika pakuramba kuenda kuchikoro nenyaya yekutora zvinodhaka izvi.
Izvi zvinotevera kupedza kwakaita nguva refu zvikoro zvakavharwa gore rapera negore rino senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Vamwe vadzidzi vakabva vatanga kushandisa mukana wavaive vakagara kudzimba uyu kutora zvinodhaka.
Pakazovhurwa zvikoro, vamwe vakabva varamba kudzokera kuchikoro nekuda kwekuti pfungwa dzavo dzakavhiringidzwa nekutora zvinodhaka izvi.
Sekutaura kwevamwe vabereki vevana vane dambudziko rekutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro, vamwe vacho vave kutorasika njere uye vakapata pamba.
Zvimwe zvezvinodhaka izvi zvakaita semutoriro zvinonzi zvinogadzirwa nezvinhu zvinokuvadza zvinosanganisira rakaita seguruva rinowanikwa mukati memagirobho emagetsi (globe).
Kumwe kuda kwacho zvinodhaka kwakadarikidza nekuti munhu ane njere dzakati kwesere haangaise utano neupenyu hwake panjodzi nekunwa zvakadai.
Kune vachidiki vane chitsama vapanduka kuita semhuka chaidzo nekuda kwekutora zvinodhaka.
Kunzvimbo dzakadai seBulawayo kunonzi kuri kuitwa makonzati evechidiki anozivikanwa nekunzi “vuzi parties” apo vanoita pungwe husiku hwose vachidhakwa.
Vamwe, zvikuru vechisikana, vari kupedzisira vapinda munyatwa dzinosanganisira kubatwa chibharo kana kupihwa pamuviri pasina kurongeka zvichibva mukutora zvinodhaka izvi.
Zviri pachena kuti vose vari kuita mabasa ehunzenza aya vanenge varasa gwara rakanaka rinofanirwa kutevedzwa reupenyu.
Zvakakosha kuti vabereki nemasangano evechidiki avape dzidziso yakasimba maringe nekuipa kwekutora zvinodhaka.
Mapurisa zvakare anofanirwa kusimbaradza zvirongwa zvakananga kupedza kubikwa nekugadzirwa kwezvinodhaka zvisiri pemutemo.
Dzimwe dzenzvimbo dzinobikwa nekutengeswa zvinodhaka zvakadai semutoriro dzinozivikanwa nekudaro vari kuita mabasa aya ngavasungwe varangwe nemutemo.
Zvinotoshamisa mazuva ano kuona zvinodhaka zvakaita sebronco nezvimwe zvichitengeswa pachena panzvimbo dzinosanganisira zviteshi zvinokwirirwa mabhazi neveruzhinji muguta reHarare.
Kwete, vanotengesa zvinodhaka zvisingatenderwe havafanirwe kuregedzwa vachiita madiro.
Vamwe vechidiki vanotora zvinodhaka vari kupedzisira vopara mhosva dzinosanganisira kuba, kuponda kana kubata chibharo nekuti vanenge vachipihwa zvivindi mushure mekudhakwa.
Ibasa remunhu wose kurwisa nyaya yekutorwa kwezvinodhaka nekuti idambudziko rinokwanisa kuwira munhu upi zvake apo mwana, hama yake kana mumwe wepedyo anogona kupedzisira akanganiswa upenyu hwake ave kutora zvinodhaka izvi.