Kwayedza

Kutora zvinodhaka handiko kuzvigona

-

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa pamwe nekurwadza zvikuru yevechidik­i – kusanganis­ira vachiri kuenda kuchikoro – avo vari kutora zvinodhaka zvisingate­nderwe pasi pemutemo izvo zviri kuita kuti varasike njere negwara rakanaka reupenyu.

Vechidiki ava vari kutora zvinodhaka zvinosanga­nisira mutoriro, bronco nembanje.

Kune vamwe vari kusvika pakuramba kuenda kuchikoro nenyaya yekutora zvinodhaka izvi.

Izvi zvinotever­a kupedza kwakaita nguva refu zvikoro zvakavharw­a gore rapera negore rino senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Vamwe vadzidzi vakabva vatanga kushandisa mukana wavaive vakagara kudzimba uyu kutora zvinodhaka.

Pakazovhur­wa zvikoro, vamwe vakabva varamba kudzokera kuchikoro nekuda kwekuti pfungwa dzavo dzakavhiri­ngidzwa nekutora zvinodhaka izvi.

Sekutaura kwevamwe vabereki vevana vane dambudziko rekutora zvinodhaka zvinosanga­nisira mutoriro, vamwe vacho vave kutorasika njere uye vakapata pamba.

Zvimwe zvezvinodh­aka izvi zvakaita semutoriro zvinonzi zvinogadzi­rwa nezvinhu zvinokuvad­za zvinosanga­nisira rakaita seguruva rinowanikw­a mukati memagirobh­o emagetsi (globe).

Kumwe kuda kwacho zvinodhaka kwakadarik­idza nekuti munhu ane njere dzakati kwesere haangaise utano neupenyu hwake panjodzi nekunwa zvakadai.

Kune vachidiki vane chitsama vapanduka kuita semhuka chaidzo nekuda kwekutora zvinodhaka.

Kunzvimbo dzakadai seBulawayo kunonzi kuri kuitwa makonzati evechidiki anozivikan­wa nekunzi “vuzi parties” apo vanoita pungwe husiku hwose vachidhakw­a.

Vamwe, zvikuru vechisikan­a, vari kupedzisir­a vapinda munyatwa dzinosanga­nisira kubatwa chibharo kana kupihwa pamuviri pasina kurongeka zvichibva mukutora zvinodhaka izvi.

Zviri pachena kuti vose vari kuita mabasa ehunzenza aya vanenge varasa gwara rakanaka rinofanirw­a kutevedzwa reupenyu.

Zvakakosha kuti vabereki nemasangan­o evechidiki avape dzidziso yakasimba maringe nekuipa kwekutora zvinodhaka.

Mapurisa zvakare anofanirwa kusimbarad­za zvirongwa zvakananga kupedza kubikwa nekugadzir­wa kwezvinodh­aka zvisiri pemutemo.

Dzimwe dzenzvimbo dzinobikwa nekutenges­wa zvinodhaka zvakadai semutoriro dzinozivik­anwa nekudaro vari kuita mabasa aya ngavasungw­e varangwe nemutemo.

Zvinotosha­misa mazuva ano kuona zvinodhaka zvakaita sebronco nezvimwe zvichiteng­eswa pachena panzvimbo dzinosanga­nisira zviteshi zvinokwiri­rwa mabhazi neveruzhin­ji muguta reHarare.

Kwete, vanotenges­a zvinodhaka zvisingate­nderwe havafanirw­e kuregedzwa vachiita madiro.

Vamwe vechidiki vanotora zvinodhaka vari kupedzisir­a vopara mhosva dzinosanga­nisira kuba, kuponda kana kubata chibharo nekuti vanenge vachipihwa zvivindi mushure mekudhakwa.

Ibasa remunhu wose kurwisa nyaya yekutorwa kwezvinodh­aka nekuti idambudzik­o rinokwanis­a kuwira munhu upi zvake apo mwana, hama yake kana mumwe wepedyo anogona kupedzisir­a akanganisw­a upenyu hwake ave kutora zvinodhaka izvi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe