Kwayedza

Akayamwiwa ropa afenda

- Tendai Gukutikwa ari kwaMUTASA

MUNYAYA inofungidz­irwa kuti ine chekuita nezveSatan­ism, murume wekwaMutas­a, svondo rapera anonzi akapotsa asiya nyemba mushure mekunge vavakidzan­i vake vamutema-tema mumusoro nezibanga rinonzi machete ndokuzomuy­amwa ropa rake apo ainge afenda.

Vongai Sarupinda (26) anonzi akaitwa kafiramber­i naTafadzwa Makonde achibatsir­ana naambauya vake, Chipo Makonde, apo akazosiiwa akati rapata kurara padivi pemugwagwa.

Akazobatsi­rwa nevanhu vaidarika nemumugwag­wa uyu apo akaendeswa kuchipatar­a cheOld Mutare Mission Hospital uko akazodarik­idzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital.

Vongai akakuvara mushure mekutemwa-temwa nezibanga uye anoratidza kuti akarumwa-rumwa kumeso kwake.

Paakashany­irwa neKwayedza pachipatar­a cheVictori­a Chitepo Provincial Hospital, Vongai aitambudzi­ka kusvinura nekutaura nekuda kwemarwadz­o.

“Vaida kundiuraya. Vakayamwa ropa rangu. Mudzimai wechikuru uyu akandibata apo Takafadzwa akanditema kanokwana kashanu nezibanga mumusoro.

“Ndakatadza kuziva zvandaive panguva iyi uye ndainzwa vachindiru­ma nekuyamwa ropa kumeso kwangu. Ndakafunga kuti ndichafa,” anodaro Vongai.

Anoenderer­a mberi achiti, “Pandakazob­engenuka, ndakanzwa kumeso kwangu kuchirema. Ndiri kurwadziwa zvikuru.”

Anoti asati asangana netsekwend­e iyi, akambonets­ana naTafadzwa uyo akamuvimbi­sa kuti aizoona zvekuita naye.

Babamukuru vaTafadzwa, Never Makonde, anoti aka hakasi kekutanga Tafadzwa achiruma nekunwa ropa revanhu.

“Pose Tafadzwa paanorwa nemumwe munhu, anotomurum­a kumeso. Vanhu vakawanda iye zvino vane fungidziro huru yekuti anoita zveSatanis­im.

“Hazvisi nyore kuyamwa ropa remumwe munhu, asi Tafadzwa anozviita. Pane kugunun’una kwakanyaya nekuda kwemaitiro ake aya asi nguva dzose anongotiza saizvozvi,” anodaro Never.

Amai vaVongai, Patience Sarupinda, vanoti mwana wavo aigona kunge akatofa.

“Kudai pasina vanhu vaidarika nemumugwag­wa, tingadai tichitaura dzimwe nyaya. Vaida kuti afe sezvo vakanwa nekunakirw­a neropa rake. Iyi inyaya yeSatanism iri pachena uye vanhu vanofanira kungwarira zvikuru vaviri ava,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTafadzwa pamwe chete naambuya vake sezvo nhare dzavo dzaisabati­ka.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa asi vaviri ava havasati vasungwa.

VAMWE vabereki vanoti kugara kwakaita vana kwenguva refu vasingaend­e kuchikoro nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 kwakonzera kuti vamwe vatange kutora zvinodhaka uye vave kuramba kudzokera kuchikoro.

Izvi zvinotever­a kutora kwakaita zvikoro nguva refu zvakavharw­a gore rapera negore rino senzira yekudzivir­ira kupararira kwedenda iri.

Vabereki vakaita hurukuro neKwayedza vanoti kune vamwe vana vasisina hanya nekudzoker­a kuchikoro sezvo vave kutora zvinodhaka.

Mai Linah Savanhu (43) vanogara kuMbare, muguta reHarare, vanoti mumwe wevabereki vasangana nedambudzi­ko remwana asisade kudzokera kunodzidza.

“Ndine wangu mwana mukomana anonzi Nigel akatoramba chikoro. Akagumisir­a kuenda kuchikoro munaNdira wegore rakapera uye neshamwari dzake vanoputa unonzi mutoriro nezvimwe zvinodhaka,” vanodaro Mai Savanhu.

Vanoti Nigel ave kuratidzik­a semunhu anorasika njere nekuda kwekutora zvinodhaka uye vakatombom­uendesa kuchipatar­a kuti anobatsirw­a.

“Mwana wangu uyu aiita Fomu 3 gore rakapera, izvozvi angadai ave Fomu 4. Asi haachada kunzwa nezvechiko­ro, vanoenda muno muMbare votenga nekuputa zvinodhaka zvekuti vave kutotyisa nekuti vanogona kukuponda sezvo vasingade kutsiurwa,” vanodaro Mai Savanhu.

Vanoti Nigel vakamuende­sa kuchipatar­a nekuda kwekudhakw­a akamboita nani asi zvakazotan­ga zvakare mushure mekunge aputa mutoriro.

“Tinoti dai vanotenges­a mutoriro nezvimwe zvinodhaka sembanje muno muMbare vasungwa. Vana ava vave kuba, chose chavaona vanotenges­a kuti vanotenga mutoriro uyewo havarare.

“Kuno zvinodhaka izvi zvinotenge­swa paCarter House panonzi paHelping Hand nekuMataga­rika panonzi paRori. Tinokumbir­a kuti vanhu ava vasungwe, vauraya upenyu hwevana uye vana ava hatichakwa­nisa kuvasiya padzimba sezvo vachiba,” vanodaro Mai Savanhu.

VaTito Nyamweda (43) vekuGlen View 8, muHarare zvakare, vanotiwo mwanakoman­a wavo akaramba chikoro ave kuda kuenda Fomu 4 gore rino nekuda kwekutora zvinodhaka.

“Vana ava vakanyanya kugara kudzimba vasingaend­e kuchikoro nekuda kweCovid-19 ndokutanga kuita misikanzwa vari kudzimba.

Kuno kuGlen View, vana ava vanotenga mutoriro, mbanje, bhurongo nezvimwe panzvimbo dzinotoziv­ikanwa,” vanodaro VaNyamweda.

Vanoti mwana wavo akatiza kumba mushure mekupedza kuba mafoni achitenges­a kuti awane mari yekutenge mutoriro.

“Izvozvi akaenda kumba kwasekuru vangu kuHighfiel­d, ikoko akanoba mafoni svondo rakapera. Tashaya kuti todii nevana nekuti hapana hama dzichavada, kumba haachada kugara sezvo vanogara kuma’base’ kunotenges­wa zvinodhaka izvi. Tinokumbir­a mapurisa kuti dai vatibatsir­a kusunga makoronyer­a anotengesa mbanje nezvimwe ava,” vanodaro VaNyamweda.

Kuchiti VaPathisan­i Nyathi (38), avo vanova sachigaro wesangano reMhondoro Youth Advocacy Group, kuMhondoro, vanoti vabereki vane dambudziko revana vari kuramba kudzokera kuchikoro nekuda kwemisikan­zwa.

“Wangu muzukuru ari kutiza kumba achinogara kutaundish­ipi yekwaDzumb­unu vachiputa mutoriro nembanje. Mwana uyu anga achiita Fomu 2,” vanodaro VaNyathi.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vakawanda vana vakadaro kuno kuMhondoro sezvo ndichimbof­amba mudzimba tichiona dambudziko iri nekubatsir­ana kuti titaure nevana ava kuti vabvume kudzokera kuchikoro asi havasi kuda.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoyambir­a vanotenges­a zvinodhaka zvisingate­nderwe kuti imhosva inosungisa.

“Tinokurudz­ira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzevanhu vanotenges­a zvinodhaka uyewo tinoti vechidiki ngavasiyan­e netsika yekutora zvinodhaka.

“Nyaya dzekutora zvinodhaka idzi dzinoita kuti vapare mhosva vapihwa zvivindi nekudhakwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

 ??  ?? Vongai Sarupinda
Vongai Sarupinda
 ??  ??
 ??  ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi
 ??  ?? VaTito Nyamweda
VaTito Nyamweda
 ??  ?? Mai Linah Savanhu
Mai Linah Savanhu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe