Akayamwiwa ropa afenda
MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nezveSatanism, murume wekwaMutasa, svondo rapera anonzi akapotsa asiya nyemba mushure mekunge vavakidzani vake vamutema-tema mumusoro nezibanga rinonzi machete ndokuzomuyamwa ropa rake apo ainge afenda.
Vongai Sarupinda (26) anonzi akaitwa kafiramberi naTafadzwa Makonde achibatsirana naambauya vake, Chipo Makonde, apo akazosiiwa akati rapata kurara padivi pemugwagwa.
Akazobatsirwa nevanhu vaidarika nemumugwagwa uyu apo akaendeswa kuchipatara cheOld Mutare Mission Hospital uko akazodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital.
Vongai akakuvara mushure mekutemwa-temwa nezibanga uye anoratidza kuti akarumwa-rumwa kumeso kwake.
Paakashanyirwa neKwayedza pachipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, Vongai aitambudzika kusvinura nekutaura nekuda kwemarwadzo.
“Vaida kundiuraya. Vakayamwa ropa rangu. Mudzimai wechikuru uyu akandibata apo Takafadzwa akanditema kanokwana kashanu nezibanga mumusoro.
“Ndakatadza kuziva zvandaive panguva iyi uye ndainzwa vachindiruma nekuyamwa ropa kumeso kwangu. Ndakafunga kuti ndichafa,” anodaro Vongai.
Anoenderera mberi achiti, “Pandakazobengenuka, ndakanzwa kumeso kwangu kuchirema. Ndiri kurwadziwa zvikuru.”
Anoti asati asangana netsekwende iyi, akambonetsana naTafadzwa uyo akamuvimbisa kuti aizoona zvekuita naye.
Babamukuru vaTafadzwa, Never Makonde, anoti aka hakasi kekutanga Tafadzwa achiruma nekunwa ropa revanhu.
“Pose Tafadzwa paanorwa nemumwe munhu, anotomuruma kumeso. Vanhu vakawanda iye zvino vane fungidziro huru yekuti anoita zveSatanisim.
“Hazvisi nyore kuyamwa ropa remumwe munhu, asi Tafadzwa anozviita. Pane kugunun’una kwakanyaya nekuda kwemaitiro ake aya asi nguva dzose anongotiza saizvozvi,” anodaro Never.
Amai vaVongai, Patience Sarupinda, vanoti mwana wavo aigona kunge akatofa.
“Kudai pasina vanhu vaidarika nemumugwagwa, tingadai tichitaura dzimwe nyaya. Vaida kuti afe sezvo vakanwa nekunakirwa neropa rake. Iyi inyaya yeSatanism iri pachena uye vanhu vanofanira kungwarira zvikuru vaviri ava,” vanodaro.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTafadzwa pamwe chete naambuya vake sezvo nhare dzavo dzaisabatika.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa asi vaviri ava havasati vasungwa.
VAMWE vabereki vanoti kugara kwakaita vana kwenguva refu vasingaende kuchikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakonzera kuti vamwe vatange kutora zvinodhaka uye vave kuramba kudzokera kuchikoro.
Izvi zvinotevera kutora kwakaita zvikoro nguva refu zvakavharwa gore rapera negore rino senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.
Vabereki vakaita hurukuro neKwayedza vanoti kune vamwe vana vasisina hanya nekudzokera kuchikoro sezvo vave kutora zvinodhaka.
Mai Linah Savanhu (43) vanogara kuMbare, muguta reHarare, vanoti mumwe wevabereki vasangana nedambudziko remwana asisade kudzokera kunodzidza.
“Ndine wangu mwana mukomana anonzi Nigel akatoramba chikoro. Akagumisira kuenda kuchikoro munaNdira wegore rakapera uye neshamwari dzake vanoputa unonzi mutoriro nezvimwe zvinodhaka,” vanodaro Mai Savanhu.
Vanoti Nigel ave kuratidzika semunhu anorasika njere nekuda kwekutora zvinodhaka uye vakatombomuendesa kuchipatara kuti anobatsirwa.
“Mwana wangu uyu aiita Fomu 3 gore rakapera, izvozvi angadai ave Fomu 4. Asi haachada kunzwa nezvechikoro, vanoenda muno muMbare votenga nekuputa zvinodhaka zvekuti vave kutotyisa nekuti vanogona kukuponda sezvo vasingade kutsiurwa,” vanodaro Mai Savanhu.
Vanoti Nigel vakamuendesa kuchipatara nekuda kwekudhakwa akamboita nani asi zvakazotanga zvakare mushure mekunge aputa mutoriro.
“Tinoti dai vanotengesa mutoriro nezvimwe zvinodhaka sembanje muno muMbare vasungwa. Vana ava vave kuba, chose chavaona vanotengesa kuti vanotenga mutoriro uyewo havarare.
“Kuno zvinodhaka izvi zvinotengeswa paCarter House panonzi paHelping Hand nekuMatagarika panonzi paRori. Tinokumbira kuti vanhu ava vasungwe, vauraya upenyu hwevana uye vana ava hatichakwanisa kuvasiya padzimba sezvo vachiba,” vanodaro Mai Savanhu.
VaTito Nyamweda (43) vekuGlen View 8, muHarare zvakare, vanotiwo mwanakomana wavo akaramba chikoro ave kuda kuenda Fomu 4 gore rino nekuda kwekutora zvinodhaka.
“Vana ava vakanyanya kugara kudzimba vasingaende kuchikoro nekuda kweCovid-19 ndokutanga kuita misikanzwa vari kudzimba.
Kuno kuGlen View, vana ava vanotenga mutoriro, mbanje, bhurongo nezvimwe panzvimbo dzinotozivikanwa,” vanodaro VaNyamweda.
Vanoti mwana wavo akatiza kumba mushure mekupedza kuba mafoni achitengesa kuti awane mari yekutenge mutoriro.
“Izvozvi akaenda kumba kwasekuru vangu kuHighfield, ikoko akanoba mafoni svondo rakapera. Tashaya kuti todii nevana nekuti hapana hama dzichavada, kumba haachada kugara sezvo vanogara kuma’base’ kunotengeswa zvinodhaka izvi. Tinokumbira mapurisa kuti dai vatibatsira kusunga makoronyera anotengesa mbanje nezvimwe ava,” vanodaro VaNyamweda.
Kuchiti VaPathisani Nyathi (38), avo vanova sachigaro wesangano reMhondoro Youth Advocacy Group, kuMhondoro, vanoti vabereki vane dambudziko revana vari kuramba kudzokera kuchikoro nekuda kwemisikanzwa.
“Wangu muzukuru ari kutiza kumba achinogara kutaundishipi yekwaDzumbunu vachiputa mutoriro nembanje. Mwana uyu anga achiita Fomu 2,” vanodaro VaNyathi.
Vanoenderera mberi vachiti, “Vakawanda vana vakadaro kuno kuMhondoro sezvo ndichimbofamba mudzimba tichiona dambudziko iri nekubatsirana kuti titaure nevana ava kuti vabvume kudzokera kuchikoro asi havasi kuda.”
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira vanotengesa zvinodhaka zvisingatenderwe kuti imhosva inosungisa.
“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzevanhu vanotengesa zvinodhaka uyewo tinoti vechidiki ngavasiyane netsika yekutora zvinodhaka.
“Nyaya dzekutora zvinodhaka idzi dzinoita kuti vapare mhosva vapihwa zvivindi nekudhakwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.