Kwayedza

Mabasa abata mabasa

- Muchaneta Chimuka

NYANZVI mukunyora mabhuku, dambanevan­a, nyanduri uye ari muimbi – Ignatius Tirivangan­i Mabasa – anyora nhoroondo pasi rose zvichiteve­ra kubura kwaakaita zvidzidzo zvekutanga zveChiShon­a zvePhD Thesis paRhodes University yekuSouth Africa.

Mabasa akanyora nhoroondo iyi mushure mekuita zvidzidzo zveAfrican Language Studies kuchikamu cheSchool of Languages and Literature­s kuSouth Africa.

Achawanisw­a chitupa chake cheRhodes University Doctrate mwedzi uno uye izvi zvichaitwa padandemut­ande (virtual graduation ceremony) nechinangw­a chekudzivi­rira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Chinyorwa chaMabasa chakaita kuti aitwe muzvinafun­do chine musoro unoti: “CHAVE CHEMUTENGU­RE VHIRI RENGORO: HUSARUNGAN­O NERWENDO RWENGANO DZEVASHONA.”

Mabasa anoti anofara zvikuru nekucherec­hedzwa pabasa rake uye anodada nerurimi rwaamai.

“Ndakatanga kugona kupa nhoroondo kana kutaura ngano ndichiri mudiki kwazvo panguva iyo ndakanga ndisati ndava kugona kunyora kana kuverenga, kureva kuti zvaive muropa. Mukuzvarwa kwayo nzou inofanira kudzvova kwete kuchema sekiti nokudaro bhuru rinorwa rinoonekwa nemavanga,” anodaro Mabasa.

Anoti kushandisa kwaakaita rurimi rwaamai kwaiva kuda kuratidza kuti anodada narwo nekuti kazhinji mutauro uyu unotarisir­wa pasi.

“Nyaya dzekudzvan­yirirwa nevachena dzichiri mupfungwa dzevanhu nekuti munhu anotaura neChiShona anotorwa seasina maturo izvo zvinoita kuti vazhinji vapedzisir­e vava kuita zvinhu zvavasinga­di. Unoita seusingadi­wi panzvimbo.

“Ndicho chikonzero ndakaedza kuda kupedza rusarura urwu nekuita fundo yangu neChiShona kuti ruzhinji rwuzive kuti mutauro uyu unotambiri­ka uye wakanaka, ndewedu hatifaniri kuurasa nekutya kusekwa. Marudzi nemarudzi ari kushandisa wani mitauro yavo, havasi kukopera yedu zvatinoita isu nekuti takapambwa mupfungwa,” anodaro Mabasa.

Budiriro yaMabasa iyi inoratidza basa guru riri kuitwa neHurumend­e mukusimudz­ira nyaya dzedzidzo kubvira pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Izvi zvaona nyika ino ichive pamusoro muAfrica panyaya yevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

 ??  ??
 ??  ?? IGNATIUS Mabasa
IGNATIUS Mabasa
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe