Kwayedza

Malawi yorumbidza kambani yeSeed Co

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekurim­a rekunyika yeMalawi, VaLobine Clarke Lowe, vanorumbid­za kambani huru munyaya dzekuuchik­wa kwembeu muZimbabwe yeSeed Co nebasa rairi kuita kusimudzir­a nyaya dzekurima munyika muno nekunze kuburikidz­a nekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaimema muzinda wekambani iyi unouchikwa mbeu weRattray Arnold Research Station, uri kuShamva.

Vaive pagungano iri vanosangan­isira gurukota rezvekurim­a, Dr Anxious Masuka, munyori mukuru webazi iri Dr John Basera, varimi nemadhumen­i.

VaLowe vanoti vanofara zvikuru kupinda munyika yeZimbabwe kekutanga vachidzidz­a nezvekurim­wa kwembeu kuburikidz­a nekambani yeSeed Co.

“Aka ndekekutan­ga kangu kupinda munyika yeZimbabwe, ndinofara zvikuru kuona kuti munyika muno mune vanhu vane rudo uye vakazvinin­ipisa. Ndinofara nekambani yeSeed Co pazvirongw­a zvairi kuita zvekurima nekuuchika mbeu dzakasiyan­a munyika muno nedzimwe nyika kusanganis­ira kuMalawi zvinova zviri kubatsira mukudzinga nzara neurombo,” vanodaro VaLowe.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinoda kutora kurima sebhizimus­i uye kunyika kwangu tiri kurerutsir­a varimi kuburikidz­a nekuvawani­sa mbeu, fetiraiza, mishonga nezvimwe zvinodiwa pakurima nemitengo yakaderera. Kana murimi akawaniswa zvekushand­isa zvinomurer­ukira kuti abate mwaka achizobura­wo goho rakakura.

“Seed Co inotiwanis­a matani 60 000 embeu izvo zviri kuona tichiwana goho matani 4,4 miriyoni echibage uye matani 1,1 miriyoni tinotenges­a kune dzimwe nyika.”

Dr Masuka vanoti mwaka uno munyika muno varimi vekumaruwa 1,8 miriyoni vakabatsir­ikana nezvirimwa zvidiki zvakadai semapfunde, mhunga, rukweza, nyimo, nzungu zvinova zvinotivir­ira kuzuva zvichibats­ira mukurwisa nzara neurombo.

“Tinofara zvikuru nehukama huri pakati peZimbabwe neMalawi nekuti tine mamwe madhumeni eko ari muno ari kutibatsir­a nekutipaku­rira hunyanzvi hwekurima kwakanaka. Varimi kana vachinge vawaniswa zvekushand­isa uye ruzivo, zvinhu zvese zvinoendek­a.

“Gore rino tinodada nechirongw­a chePfumvud­za, nyika iri kuzobura goho guru zvichifamb­irana nechirongw­a cheVision 2030 chekuona kuti nyika ino yawana maguta uye kudya kunovaka muviri,” vanodaro.

Vachitaura­wo, Dr Basera vanoti zvakakosha kuti varimi vawaniswe mbeu yemhando yepamusoro kuti vapunduke mumabasa avo.

 ??  ?? Dr Masuka (kurudyi) vaina VaLowe (vechitatu kubva kuruboshwe) nevamwe vachimema muzinda weSeed Co Rattray Arnold Research Station nguva pfupi yadarika.
Dr Masuka (kurudyi) vaina VaLowe (vechitatu kubva kuruboshwe) nevamwe vachimema muzinda weSeed Co Rattray Arnold Research Station nguva pfupi yadarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe