Kwayedza

Zvikwekwe: Varimi vopihwa mishonga

- Muchaneta Chimuka

VARIMI vemombe vari kukurudzir­wa kuti vatore mukana wekurwisa zvirwere zvinokonze­rwa nezvikwekw­e kana kuti zvishambwe kuburikidz­a nechirongw­a chekupihwa mishonga pachena chePreside­ntial Blitz Tick Grease Programme.

Kusvika pari zvino, varimi vanodarika 600 000 munyika yose vawaniswa mishonga yekurwisa zvishambwe (tick-grease) kubva kubazi reDepartme­nt of Livestock and Veterinary Services pasi pechirongw­a ichi, icho chakatanga gore rapera.

Varimi vari kukurudzir­wa kuti vaende kumapazi eGrain Marketing Board (GMB) ari pedyo navo kuti vanotora mishonga iyi pamwe nekusimbar­adza nyaya dzekudhibh­iswa kwemombe senzira yekuderedz­a zvishambwe kuzvipfuyo kuti zvisarware nechirwere cheTheiler­iosis icho chinonyany­a kuzivikanw­a nekuti January Disease.

Dr Josphat Nyika, vanova chief director kuDepartme­nt of Livestock and Veterinary Services, vanokurudz­ira varimi kuti vashandise mushonga wetick grease uyu nemazvo senzira yekurwisa zvikwekwe.

“Mushonga wetick grease tiri kuupa kuvarimi pachena uye varimi ngavaende vanoutora kumapazi eGMB ari pedyo navo. Tine 600 000kg dzemushong­a wetick grease uye varimi vari kunzvimbo zhinji dzine dambudziko rezvikwekw­e vakatopihw­a,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti bazi ravo rakaendesa zvekare matani 100 emishonga yekudhibhi­sa mombe munyika yose nokudaro vanokurudz­ira varimi kuti vaende kunodhibhi­sa zvipfuyo zvavo.

“Tinokurudz­ira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo svondo rega-rega, ndiko kuti tikwanise kukunda dambudziko rezvishamb­we. Chirwere cheJanuary Disease chinowanza kubata zvipfuyo pakati pemwedzi waZvita naKurume uye chinokonze­rwa nekurumwa kunoitwa mombe nezvikwekw­e zvemhando yebrown ear tick,” vanodaro.

Dr Nyika vanoendere­ra mberi vachiti, “Mombe dzinenge dzabatwa nechirwere cheJanuary Disease dzinozvimb­a kana kuita mwambabvu pasi penzeve, pabandauko, kucheneruk­a kwemaziso, kunetseka pakufema uye dzichibuda furo nemumhuno nemukanwa. Dzikanonok­a kurapwa dzinongopu­nzika dzotofa.

“Chirwere cheJanuary Disease chakaipisi­sa zvikuru nokudaro kana chichinge chanyuka, varimi vanosungir­wa nemutemo kuti vamhan’are kubazi redu.”

Mugore ra2017, chirwere ichi chakauraya mombe dzinodarik­a 500 000 munyika yose.

 ??  ?? Mombe ine zvikwekwe
Mombe ine zvikwekwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe