Kwayedza

FODYA YOTANGA KUTENGESWA:

- Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZER­I wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekugarisw­a kwevanhu kumaruwa — VaVangelis Haritatos — vanoti vari kugutsikan­a negadzirir­o yaitwa yekudzivir­ira kutapurira­nwa kwechirwer­e cheCovid-19 kumisika inotengesw­a fodya iyo yakavhurwa neChitatu svondo rino.

Mwaka wekutenges­wa kwefodya wakavhurwa pakati pevhiki rino apo chirimwa chinotenge­swa pasi pemakondir­akiti chaizotang­a kutengeswa nemusi wa8 Kubvumbi.

“Pakumema kwatakaita misika inotengese­rwa fodya seZimbabwe Leaf Tobacco, Tobacco Sales Floor neTianZe, takaona kuti gadziriro dzasvika kwamvura yacheka makumbo uye mitemo yose yakatarwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) yakatevedz­wa zviri maringe nekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Vemisika inotengesw­a fodya vakatizivi­sa kuti vari kukurudzir­a vashandi vavo kuti vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi uye varimi havasi kuzotender­wa kupinda mukati memumisika vakawanda kuitira kuti chirwere ichi chisatapur­iranwe kana kupararira,” vanodaro VaHaritato­s mushure mekumema misika iyi svondo rapera.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndinofara zvikuru nezvandaon­a kumisika yedu yefodya, tinovimba varimi vachatenge­sa fodya yavo zvakanaka vachibatsi­rawo mukutevedz­a mitemo yakatarwa.”

Pamisuwo yose yemisika inotengese­rwa fodya pakaiswa michina inofirita varimi nevamwe vanopinda mumisika iyi nemushonga unouraya hutachiona (sanitizati­on booths). Varimi havasi kuzobvumid­zwa kupinda mumisika iyi nehuwandu sezvo murimi bedzi anenge achitenges­a fodya ari iye ane mvumo yekusvika pamusika otengesa achibva adzokera zuva rimwe chetero apo mari yake inozosara ichitumirw­a kubhangi.

Gwaro rakaburits­wa nesangano rinomirira varimi, reZimbabwe Tobacco Associatio­n, rinoti goho refodya mwaka uno rakati derereri zvisinei nekuti varimi vakawanda vachange vaine fodya ine hunaku hwemhando yepamusoro. Kuderera kwefodya uku kunonzi kwakakonze­rwa nekuwanda kwemvura yekunaya mwaka uno.

Chirimwa chefodya ndicho chiri pamberi mukuunza mari yekunze munyika uye varimi vakawanda vari kupunduka nekuda kwacho.

 ??  ?? Misika yekutenges­era fodya iri kuvhurwa nhasi pachiteved­zwa matanho anoita kuti pasave nekutapuri­rana chirwere cheCovid-19.
Misika yekutenges­era fodya iri kuvhurwa nhasi pachiteved­zwa matanho anoita kuti pasave nekutapuri­rana chirwere cheCovid-19.
 ??  ?? VaVangelis Haritatos
VaVangelis Haritatos

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe