Kwayedza

Vatambi vebhora baiwai majekiseni

- Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu uye vatsigiri vemutambo uyu vokurudzir­wa kuti vaende kunobaiwa majekiseni emushonga wekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 segadzirir­o yekutanga kwemitambo iyi iyo iri kutarisirw­a kutanga munguva pfupi inotevera.

Kuridziro iyi yakaitwa neaimbove mutevedzer­i wemutungam­iri weDynamos FC – Esther Tayo Mawere – uyo ari mune zvehutano zvekare achiti zvakakosha kuti vatambi venhabvu vabaiwe mushonga wekudzivir­ira denda iri pamwe nevatsigir­i kana vachida kuzowanisw­a mukana wekuona nhabvu yePremier Soccer League nekufamba kwenguva.

Nhabvu nemimwe mitambo yose zvakapihwa mvumo yekuti zvichidzok­e asi vatambi uye vatungamir­iri vemitambo yakasiyana vanofanirw­a kunotarisw­a denda reCovid-19.

Mitambo yose ichange ichitambwa munhandare isina vatsigiri.

Mawere anoti kunze kwekuti vatambi vangovhene­kwa vaonekwe kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete, zvakakosha kuti vabaiwewo majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi.

“Nhabvu yakadzoswa uye vatambi vanonzi vachange vachitaris­wa kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete. Asi, ini ndinokurud­zira kuti vakasunung­uka ngavabve vaenda kunobaiwa zvekare jekiseni rekudzivir­ira denda iri kuitira kuti chirwere ichi chisambowa­ne mukana wekunyuka.

Vatambi venhabvu vagara vanosangan­a nevanhu vakawanda uye nhabvu painenge ichitambwa ipapo vanenge vachisanga­na vakawanda saka kutobaiwa jekiseni uku kwakatokos­ha nekuti kunobatsir­a kuvachenge­tedza kubva kuchirwere ichi,” anodaro Mawere.

Anoti nhabvu yemuno inonetsa kutambwa pasina vatsigiri nekudaro zvakakosha­wo kuti vatsigiri vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 kuitira nguva inotevera kana vachinge vave kuzotender­wa kuenda kunhandare kunoona mitambo.

“Kurudziro iyi tiri kuipa zvekare kuvatsigir­i venhabvu kuti vakasunung­uka ngavaende kunobaiwa jekiseni.

Hakusi kuti kungobaiwa chete asi zvakatonak­ira hupenyu hwavo sezvo pavanosang­ana nevamwe vanhu denda iri vanogona kutapurira­na asi akabaiwa jekiseni anenge akachenget­edzeka zvake,” anodaro Mawere.

 ??  ?? ESTHER Tayo Mawere (pakati) achibaiwa jekiseni rekudzviri­ra chirwere cheCovid-19
ESTHER Tayo Mawere (pakati) achibaiwa jekiseni rekudzviri­ra chirwere cheCovid-19

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe