Kwayedza

ZOC yotaura nezvemaOly­mpics

- Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Olympic Committee (ZOC) rinoti parizvino munhu mumwechete anokwikwid­za mumutambo weRowing ndiye akwanisa kubudirira kunomirira nyika kumitambo ye2020 Tokyo Summer Olympics iyo ichaitirwa kuJapan munaChikum­i.

Mitambo iyi yaifanirwa kuitwa gore radarika asi ndokuzomis­wa nekuda kwedenda reCovid-19.

Chamangwiz­a weZOC — Stephen Mudawarima — anoti kuderera kwevatambi vachanomir­ira nyika kumitambo yemaSummer Olympics yegore rino kwakanyany­a uye kuri kukonzerwa nekunyuka kweCovid-19 zvichiteve­ra kumiswa kwakamboit­wa mitambo yose.

“Kutaura kuno tangove nemutambo mumwe chete weRowing wabudirira kuenda kumaOlympi­cs achaitwa gore rino.

Sangano reZimbabwe Rowing Associatio­n ndiro richazotiz­ivisa kuti ndiani achazoenda kunomirira nyika kuJapan achiita Rowing.

“Covid-19 ndiyo yakakangan­isa zvakawanda, ndiyo yaita kuti huwandu hwevatambi vedu vachaenda kumitambo iyi yemaOlympi­cs hunyanye kudzikira kudaro,” anodaro Mudawarima.

Mudawarima anoti pane vatambi vanomhanya mijaho yemarathon nevanotuhw­ina vari kuenda kunokwikwi­dza kumitambo yakasiyana kunze kwenyika vachirwira kuenda kumakwikwi ekuJapan aya.

Shasha dzemujaho wemarathon dzichanokw­ikwidza kuRome, kuItaly uko kuri kuitwa mijaho yekurwira kuenda kuTokyo kozoita dzekutuhwi­na dziri kuSouth Africa uko dziri kuzamawo mhanza yadzo.

“Svondo rino, tiri kutumira shangwiti dzekumhany­a dzemaratho­n kuRome, Italy uko vachanorwi­rawo tikiti ravo rekuenda kuJapan kozoti kuSouth Africa kutaura kuno kune vari kuzamawo vanotuhwin­a.

“Asi chatinoziv­a ndechekuti gore rino tichange tine nhengo shoma chaizvo dzichanomi­rira nyika kumutambo uyu,” anodaro Mudawarima.

KumaOlympi­cs akaitwa muna2016 kuBrazil, Zimbabwe yakatumira vatambi vemitambo yakawanda vanosangan­isira maMighty Warriors ayo akabva anyora nhorowondo yekuve chikwata chenhabvu chekutanga kubva munyika muno kunokwikwi­dza kumitambo iyi.

Panguva iyi — Dr Kirsty Coventry, avo pari zvino vave gurukota revechidik­i, mitambo nezvekutan­dara — vakakwikwi­dzawo kumitambo iyi ndokunyora nhorowondo yekuve shasha kubva muZimbabwe kuhwina menduru dzakawanda kumaOlympi­cs mumutambo wekutuhwin­ha.

 ??  ?? Stephen Mudawarima
Stephen Mudawarima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe