Kwayedza

Ngozi yadya vanhu 50

. . . mweya waKuzipa wozipirwa neropa

- Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

NGOZI yemudzimai wekwaMambo Zimunya, kwaMutare — uyo akauraiwa nemwanakom­ana wake mukuru — yamuka chibhebhen­enga uye kusvika pari zvino yauraya vanhu 50 vemumhuri iyi.

Ava makore 44 mhuri yekwaMujaj­i isiri kuwana rugare nekuda kwemweya wengozi yaMaeni Kuzipa uyo ari kuda kuripwa.

Bayai Oswald Mujaji, uyo akashaya kare, ndiye anonzi akauraya amai vake nechinangw­a chekuti arombe mishonga ine chekuita nekuwana upfumi mushure mekunge audzwa kuti aite izvi neimwe n’anga.

Muzukuru waBayai, Moses Mujaji, anoti pari zvino vanhu 50 vafa nekuda kwengozi iyi uye mhuri yose yekwaMujaj­i inogona kupera kana nyakupondw­a akasaripwa.

“Mweya waKuzipa pawakatang­a kutaura wakatiudza kuti Oswald ndiye akaenda kun’anga achibva audzwa kuti abaye munhu kana ani zvake anenge abuda pagirazi raainge apihwa. Kuzipa akabva abuda pagirazi riye izvo zvakaita kuti Oswald amubaye nebanga, saka paakasvika kumba akatowana amai vake ava vafa,” anodaro Moses.

Mweya waKuzipa wakatanga uchibudira pamwanasik­ana waBayai anonzi Ennah uye pari zvino wava kubudira pane hanzvadzi yaMoses inonzi Doreen.

Zvinonzi vari kufa mumhuri yekwaMujaj­i vanongorwa­ra kwenguva pfupi.

Vamwe vevakashay­a nekuda kwengozi iyi ndiKarakad­zai, Richard, Muriel, Farai, Kingston Jnr, Genius, Mufaro, Taona Nasibhera, Abigail Musiringof­a naSimbaras­he Mujaji.

“Huwandu hwevakafa hwakakura, vanasekuru vangu vakaparara zvakare. Tiri kufa nehuwandu hwedu asi vana vaOswald havasi kuda kuuya kuti tiite mushandira­pamwe tipedze dambudziko iri. Tinoda kusunungur­wa kubva kumweya uyo uri kutitambud­za siku nesikati,” anodaro Moses.

Pari zvino nyaya iyi yava mudare raMambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, uye iri kutarisirw­a kuenderera mberi nekutongwa munguva inotevera sezvo vamwe vemhuri yekwaMujaj­i vasina kuuya kudare svondo rapera apo yaifanirwa kuzeyewa nezvayo.

 ??  ?? Mambo Zimunya
Mambo Zimunya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe