Kwayedza

'NDINACHO CHIKOMBA, SAKA?'

- Danisa Masuku ari kuBULAWAYO

MURUME anogara mumusha weTshabala­la, kuBulawayo anoti agere muchoto chaimo nemudzimai wake uyo anomuoneka kuti achambonoo­na zvikomba zvake, kana odzoka kumba ouya nazvo uye iye akasimudza musoro obva adhonorwa kurohwa — ari pamba pake.

Nhlanhla Ndlovu anoti amboshingi­rira nekushungu­rudzwa uku asi nekuda kwekuti zvanyanya, afunga kuzvifumur­a uye akatonopot­era kudare redzimhosv­a achitsvaga kudzivirir­wa kuti asarambe achidashur­wa pamwechete nekutukwa.

Ndlovu akatokwidz­a nyaya yekushungu­rudzwa kwake kudare redzimhosv­a reWestern Commonage Court achiti mudzimai wake Memory Moyo anoti kumutuka uye kumukutsir­ana kumurova nezvikomba zvake izvo anouya nazvo pamba pavo.

Mudzimai wake Moyo haasi kuramba kuti anounza zvikomba pamba asi kuti anoti, “Usaite seusingazi­ve kwandineng­e ndiri . . . inga ndinokuone­ka wani uye boyfriend yangu yacho unotoiziva iwe?”

Moyo unoudza dare pasina kana kunyara kuti, “Ndakangoun­za boyfriend yangu kumba kwedu kamwechete uye murume wangu aivepo uye agara anotomuziv­a. Murume wangu ndakangomu­rova kamwechete mushure mekunge andibvunza kwandainge ndaenda nechikonze­ro chekuti pandakaend­ako ndakasiya ndamuudza kuti ndichambon­oona chikomba changu.”

Asati akwidza nyaya iyi kudare, Ndlovu anoti ange achingokuv­ara chinyarari­re netsika yemudzimai wake yekuuya nezvikomba kumba kwavo iye aripo.

Anoti pose paanotsiud­za mudzimai wake, anobva atanga kumutukiri­ra nekumuzvam­baradza kumurova pamberi pezvikomba izvi.

Sezvinonzi zvaari kuitirwa zvishoma, Ndlovu anotizve mudzimai wake anogaromuy­ambira kuti anoda kumusungis­a izvo zvinoita kuti iyewo abva angogara achikuvari­ra mukati.

Asi nemusi weMuvhuro svondo rapera, murume uyu akazorover­a mwoyo wake kudombo ndokukwidz­a nyaya kumatare achiti anzwa nekushungu­rudzwa naMoyo zvose panyama nemupfungw­a.

“Ndinokumbi­rawo gwaro rinondiche­ngetedza kubva mukushungu­rudzwa nemudzimai wangu Memory Moyo. Ari kundishung­urudza zvose panyama nepamweya.

“Anounza zvikomba zvake kumba kwedu ini ndiripo, ndikangosi­mudza musoro obva andidhonor­a kundirova zvikomba izvi zviripo,” Ndlovu anoudza dare iri.

Ndlovu anoti akangotsiu­dza Moyo bedzi anobva audzwa magaramwoy­o zvose nekuzvindi­kitwa kurohwa.

“Anobva ashatirwa otanga kundirova zvikomba zvake zviripo. Kwava nemwedzi achindidar­o. Ndinotosha­misika kuti anoti anoda kundisungi­sa pasina chikonzero.

“Ndinokumbi­ra kuti dare rino rindinunur­e nekumisa mudzimai wangu kuti asauye nezvikomba zvake kumba kwedu uye asandirove,” anodemba Ndlovu.

Ndipo panobva papindurwa nemudzimai uyu achiti akangounza chikomba ichi kamwechete kumba kwavo murume wake aripo uye “anotoiziva boyfriend yangu yacho. Ndakakurov­era kuti waindibvun­za zvaunoziva.”

 ??  ??
 ??  ?? MEMORY Moyo
MEMORY Moyo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe