Kwayedza

Akadzika munin’ina demo

- Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vakapondwa kunzvimbo dzakasiyan­a kuMberengw­a nekuGokwe, kudunhu reMidlands apo mumwe anonzi akatemwa nedemo nemukomana wake vatadza kunzwisisa­na uye mumwe wacho ndokutemwa zvakare necheya mumusoro ari pabhawa.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu iri vanoti pane murume akapondwa pabhawa reMakandis­e Bottle Store panzvimbo yemabhizim­isi yePoland, kuMberengw­a, kozoti mumwe wemubhuku raSiyamanz­i, kwaMambo Mukoka, kuGokwe.

“Munyaya yekutanga yekuMberen­gwa, mufi ainzi Godfrey Mangena uyo asina kuzivikanw­a makore ake ekuberekwa, wemubhuku raMadhala kudunhu raMambo Mataruse anonzi akarohwa mumusoro necheya yesimbi ndokutsemu­ka bhonzo remusoro. Akazoendes­wa kuchipatar­a cheMatibi uko akashaika achangosvi­ka,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa8 Kubvumbi husiku.

Mangena anonzi akarohwa necheya iyi naLawrence Maphosa (22) anobva mubhuku raTofa kudunhu raMambo Negove, kuMberengw­a, uyo akabva asungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi.

Insp Mahoko vanoti nyaya yechipiri yakaitika kuGokwe kune murume ainzi Sizani Sibelo (30) uyo akafira panzvimbo mushure mekutemwa nedemo nemukoma wake vatadza kunzwanana mukupopote­dzana nenyaya isina kuzivikanw­a.

“Sizani Sibelo (30) wemubhuku raSiyamanz­i, kwaMambo Mukoka, kuGokwe anonzi akatemwa nedemo nemukoma wake, Khangelani Sibelo (40) avo vaigara vose. Anonzi paakaona kuti atema munin’ina wake akafa, akanozvipi­ra kumapurisa nemusi wa7 Kubvumbi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vatauriran­e mukugadzir­isa matambudzi­ko uye votsvaga vayananisi pane kuurayana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe