Kwayedza

Hondo yemutoriro yakora muto

- Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira kune veruzhinji kuti vavabatsir­e nemashoko anoita kuti vakwanise kusunga vanhu nhubu avo vari kuita basa rekutenges­a zvinodhaka zvisingate­nderwe pasi pemutemo zvinosanga­nisira unonzi mutoriro.

Mashoko aya ataurwa nemutaurir­i wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, zvichiteve­ra chirongwa chiri kuitwa chekusunga vanotenges­a zvinodhaka.

Kusvika pari zvino vanhu 143 vasungwa munyika yose nemhosva yekutenges­a zvinodhaka zvisingate­nderwe nemutemo.

“Tasunga vanhu 143 apo mapurisa edu akasvika panotenges­wa zvinodhaka izvi kunzvimbo dzinosanga­nisira Mbare, Glen Norah, Chitungwiz­a, Mabvuku, Epworth, Dzivaresek­wa, Mufakose, South View nekuHighfi­eld.

“Tiri kufambira mberi nekusunga vanhu ava kusvika zvanaka. Saka tinoti kune vane mashoko ngavaunze kumapurisa ari pedyo navo, vanhu ava vasungwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti vanhu vasungwa ava vari kupomerwa kutengesa zvinodhaka zvinosanga­nisira mbanje, makeke anogadzirw­a nembanje, BronCleer (bronco), doro rinorambid­zwa munyika muno semusombod­hiya, blue diamond nemamwe mapiritsi anotsvukis­a ganda revanhu se “diproson”.

“Tiri kufambira mberi nekusunga makoronyer­a aya, tichidawo vakuru vacho vanounza zvinodhaka izvi muno nevavanody­idzana navo vekunze. Mapurisa akawana Crystal Methamphet­amine neEphedrin­e drugs kubva kuna Privilege Munetsi, Oto pills kubva kuna Anastasia Murudzirwa (52). Vamwe vakawanikw­a vaine zvakasiyan­a vanosangan­isira Marjory Moyo, Portia Chekuenda naFaith Sithole (40) wekuMbare,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kune kushandisw­a kwezvinodh­aka kwakadarik­idza munyika muno zvinoda kuti vanhu vaite mushandira­pamwe nemapurisa mukurwisa dambudziko iri.

“Dzimwe dzenyaya idzi dzava kumatare edzimhosva saka tinoda kubatsiran­a neruzhinji nemapurisa kuti tiwane mazita evanhu ava nevanotung­amirira zvikwata izvi aunzwe kumapurisa vasungwe. Chionai zvakuvadza vechidiki vedu vanoda kuzovawo neremangwa­na rakajeka,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kwayedza masvondo maviri adarika yakaburits­a nyaya yevamwe vabereki vemuHarare avo vari kuchema-chema vachiti upenyu hwevana vavo hwaparara nekuda kwekutora kwavari kuita zvinodhaka semutoriro sezvo vasisade kudzokera kuchikoro uye vamwe vave kupata misha.

 ??  ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe