Kwayedza

‘Zvatinakir­a isu vanhukadzi’

- Muchaneta Chimuka

“MAKARE-KARE nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, hakuna madzimai nevanasika­na vaiwaniswa kodzero yekuva neminda kana misha iri mumazita avo. Kana zvitupa chaizvo zvairema kuti madzimai ange achizvitor­a vakazvimir­irira nekuti zvaitoda kuti pave nemurume pamberi.”

Aya mashoko aMai Depinah Nkomo avo vanova mutungamir­iri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust (ZIWFAT).

Vanoendere­ra mberi: “Asi mushure mekuwana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, zvinhu zvakawanda zvakangosa­nduka uye zvizhinji zvacho zvakanakir­a madzimai. Nhasi tava neminda iri mumazita edu uye zvipfuyo zveduwo kunova kusimudzir­wa chaiko.”

Sangano iri rinorwira kodzero dzeminda uye dzekurima dzevanhyuk­adzi.

“Kusimudzir­wa kwemadzima­i kuti vave nekodzero dzeminda kunoita kuti vasambunyi­kidzwe nekuti vanenge vava kuzviwanir­a mari yavo vachiendes­a vana kuchikoro vakasunung­uka,” vanodaro Mai Nkomo.

Vanotenda Hurumende kuburikidz­a nechirongw­a chekugover­wa kweminda icho chakaona madzimai akawanda achiwanisw­a minda iri mumazita avo.

“Tinoramba tichikurud­zira kuti madzimai iwayo akawaniswa minda asazotinya­dzise nokudaro anofanira kushanda nesimba kuti minda iyoyo ive nepundutso muupenyu hwavo. Gore rino tiri kuona madzimai akawanda akarima chibage, fodya, donje nemiriwo. Vamwe vari kuchengeta zvipfuyo zvakadai senguruve nemombe, pakati pezvimwe, vachibatsi­ra mukusimudz­irwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti kuenzanisw­a kwemikana pakati pevanhukad­zi nevanhurum­e munyaya dzekurima kwakakosha.

“Tinokurudz­ira madzimai nevanasika­na kuti varimewo zvirimwa zvidiki semapfunde, nezviyo zvinotivir­ira muzuva kuitira kuti vakwanise kukunda, zvikuru apo mvura inogona kuita shoma zvichikonz­erwa nekusanduk­a kwemamirir­o ekunze,” vanodaro.

Vanokurudz­ira madzimai kuti varambe vachisimuk­ira mumabasa avo nedonzvo rekuti vazove varimi vakuru (commercial farmers) kuti vakwanise kupinza mamwe madzimai mabasa.

“Takawanisw­a dzidziso yezvekurim­a nekutenges­a nesangano reZim Trade mugore ra2013 uye nhengo dzedu dzose dziri kuita zvirongwa zvemikando kuti tikwanise kuchengete­dza mari yekutenga midziyo mikuru.”

Mai Nkomo vakahwinha mibairo mitatu yakatevedz­ana munyaya dzekurima apo vakaita 2nd runner-up mumakwikwi eWomen in Agricultur­e mugore ra2013 uye 2014 apo vakahwapur­a mubairo we2nd runner-up Business Woman of the Year kuchizoti gore rimwe chete iri zvakare apo vakaita 1st runner-up in Agricultur­e Category mumakwikwi aitsigirwa neWECA.

 ??  ?? HUKU dziri kupfuiwa naMai Nkomo
HUKU dziri kupfuiwa naMai Nkomo
 ??  ?? MAI Nkomo vari mumunda wavo wemapfunde
MAI Nkomo vari mumunda wavo wemapfunde
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe