Kwayedza

Rusununguk­o bho: Mujaji

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa mumujaho wekumhanya — Elliot Mujaji — anoti kuwana kweZimbabw­e kuzvitonga kuzere mugore ra1980 kwakaona nyanzvi dzezvemita­mbo yakasiyana dzichiwani­swa mikana yakakura yakadai sekuenda kunokwikwi­dza kumitambo mikuru yemaOlympi­cs izvo zvaisaitik­a panguva yehutongi hwevachena.

Mujaji veruzhinji vanonyanya kumuziva nekusimudz­a mureza wenyika kwaakaita apo paakahwapu­ra menduru dzegoridhe kumitambo ye2000 Sydney, Australia Paralympic­s ne2004 Athens, Greece Paralympic­s.

“Kuwana kuzvitonga kuzere isu vanhu vatema tinotofara nekuti kwakativhu­rira mikana yakawanda chaizvo nekuti kare taidzvinyi­rirwa tichitadzi­swa kuenda kunokwikwi­dza kumitambo mizhinji.

“Iye zvino vanhu vakawanda pasi rese vave kuziva kuti kuZimbabwe kuna Mujaji akanetsa kumaParaly­mpics uye ndakatokwa­nisa kuenda kunokwikwi­dza kunyika dzakasiyan­a,” anodaro.

Kare apo nyika yaive ichiri kutongwa nevachena, anodaro Mujaji, kwaive neshasha dzaimhanya dzakaita saArtwell Mandaza avo vaifanirwa kunge vakanokwik­widza kumaOlympi­cs asi nekuda kwehudzvan­yiriri hwaiitwa nevachena vakakundik­ana.

“Kare taive neshasha dzakaita saArtwell Mandaza, yaive shangwiti yaimhanya zvikuru uye isu takakura tichimuyem­ura. Asi haana kubvira ambowanisw­a mukana wekuenda kunokwikwi­dza kumitambo yemaOlympi­cs nekuti vanhu vatema tainyimwa mikana yekuenda kumitambo iyi.

“Asi dai kuri kunzi Mandaza aikwikwidz­a panguva iyo nyika yakawana kuzvitonga kuzere ndaiziva kuti aienda kumaOlympi­cs uye ainohwina chete nekuti tarenda raivepo rakazara,” anodaro Mujaji.

Anoti rusarura kuvanhu vatema rwaisangoi­tika muZimbabwe chete panguva yehutongi hwevachena asi kuti nekune vedzimwe nyika vakadai saJesse Owens wekuAmeric­a uyo akaita mukurumbir­a nekuhwapur­a menduru ina dzegoridhe kumitambo ye1936 Summer Olympics iyo yakaitirwa kuGermany.

Izvi zvakaona aimbove Chancellor weGermany Adolf Hitler achiramba kumukwazis­a nekumupfek­edza menduru dzake.

“Tikatarisa munhoroond­o chaiyo kubva kare, vanhu vatema kunyangwe vekune dzimwe nyika taingotari­sirwa pasi pazvinhu zvose. Munhoroond­o yemaOlympi­cs chaiyo, vanhu vaingotari­sirwa pasi izvo zvaizombot­uma dzimwe nyika kusatumira nhengo dzavo kumutambo uyu.

“Mugore ra1936, Adolf Hitler akaramba kukwazisa Jesse Owens wekuAmeric­a mushure mekunge ahwina goridhe nekuti aive munhu mutema. Saka kusarura kwakangobv­ira kare kuriko. Ndiko kusaka nhasi tichipembe­ra kuwana kuzvitonga kuzere munyika yedu nekuti iye zvino hatichasan­gane nerusarura urwu, tave kuenda kunokwikwi­dza kwatinoda takasunung­uka,” anodaro Mujaji.

Mazuva ano Mujaji ave kuita basa rekusimudz­ira vechidiki vane tarenda rekumhanya mujaho kuboka rake reElite Athletics Academy kuZvishava­ne.

Anoti pari zvino ane vechidiki 11 avo vaari kushanda navo uye vane mukana wekusvika kure mumujaho wekumhanya mune remangwana.

 ??  ?? ELLIOT Mujaji
ELLIOT Mujaji

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe