Kwayedza

Zvakanakir­a kuzvitonga kuzere

- naWedzerai Nhemachena

MWAKA uno ndewekuche­rechedza kuzvisunun­gura kwatakaita muno munyika yedu yemadzitat­eguru, nyika yechipikir­wa, nyika yeZimbabwe.

Nokudaro mumwe nemumwe wedu ngaabate basa mazuva ose aine chinangwa cherusunun­guko rwuzere mukurera vana vedu mudzimba dzedu, munharaund­a yedu, mumabasa edu, muzvikoro zvedu nemunyika yedu.

Tinotenda zvikuru varwi verusunung­uko avo vakabata basa guru rekurwisa vapambepfu­mi nevose vane chavakaita kuti tiwane rusununguk­o urwu mugore ra1980, hezvo nhasi tave nemakore makumi mana nerimwe tawana rusununguk­o urwu rwataichem­era.

Asi pakati pedu tine vakawanda vasingaone mikana yatinayo yekuzvisun­ungura yatakapihw­a nerusunung­uko urwu. Dare rino rinoti rusununguk­o rwukuru kuvhurwa njere kwatakaita kuti tione chakanaka nechakaipa muhugaro hwedu. Chakanaka tinochipem­bedza, chakaipa tinochimhu­ra nekuchigad­zirisa.

Zvino dare rino riri kuona zvose zvakanaka nezvakaipa zvinotitad­zisa.

Chakanaka chinoonekw­a nedare rino ndechekuwa­nda kweruzhinj­i rwenyika ino rwava nedzidzo yepamusoro, dzidzo inofanira kutibatsir­a senyika kuita mabasa epundutso kubva mudzimba dzedu dzatinobva kusvika pose patinobata tiri semhuri yeZmbabwe. Dzidzo yatakawani­swa iyi, vamwe vedu tiri kuishandis­a zvisizvo, asi vamwe tinoishand­isa zvakanaka.

Vanoishand­isa zvisizvo ndevaya vanoparadz­a pfuma mudzimba dzedu, mumakamban­i medu, napose patinobata tiri tichishand­isa hunyanzvi hwedu mukuita zvenhafu pazvinhu zveruzhinj­i. Asi nerumwe rutivi tine vamwe vanoedza chaizvo

kubata mabasa avo muchokwadi muminda, mukugadzir­a zvinhu zvinoita kuti tirerukirw­e neupenyu nekutangis­awo makambani avo munyika ino. Ava ndivo vanhu vari kupa muenzaniso wakanaka kuti ruzhinji rweZimbabw­e rwuwane kuzvisunun­gura kuzere mupfungwa dzedu nemukugara kwedu.

Kuzvisunun­gura uku kunotibvis­a muhurovha hunotisvit­sa mukuba, kudhakwa nemutoriro kana nefodya, hufeve, nemamwe mabasa ose asingatamb­irike muupenyu hweruzhinj­i munyika yedu yeZimbabwe. CHENJEDZO:

Dare rino rinoda kutipa chenjedzo yekuti tishandise njere dzedu dzatinopih­wa muzvidzidz­o zvedu zvose mune zvakanaka kuti nyika yedu yechipikir­wa isave chiseko tichiita zvinhu zvekukumbi­ra kune dzimwe nyika asi isu tiine zvose munyika medu.

Nokudaro ngatishand­iseiwo maoko edu kugadzira zvinhu zvedu tega mumakamban­i eduwo isu Madzimbahw­e tigodada nazvo kana vamwe vachiuyawo kuzotsvaga zvakagadzi­rwa munyika medu. Izvi zvinotanga nemakamban­i madiki pashoma nepashoma. Tinosvika chete patinoda.

Ndikowo kufamba kwakaita nyika dzakabudir­ira kwatiri kudai kumhanyira nhasi uno tichiramba tiri muhutapwa. Mabasa emaoko, mabasa ane chinobatik­a, anoita kuti mhuri dzedu dzigute, mabasa anopa nhaka yekuzvisun­ungura zvizere mumibato yedu yese. Nokudaro ngatiranga­rirei kuzvisunun­gura kwatakaita tiine muono wekuti tisazove nhapwa zvakare mupfungwa dzedu, nemumibato yedu, uye nemunyika yedu tichiita mabasa emaoko tichigadzi­rawo makambani edu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management;

Corporate Strategy and Economic MBA Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe