Kuponda vana — Chii chiri kuitika?
NYAYA dzekupondwa kwevana dziri kuratidza kuwanda mazuva ano izvo zvinounza mibvunzo yakawanda kusanganisira wekuti chii chaizvo chapinda mumwoyo yevamwe vanhu vasina kana tsitsi nevana ava? Chii chaizvo chiri kuitika? Vamwe vari kupondwa mitumbi yavo ichizowanikwa isina dzimwe nhengo dzemuviri. Nhengo dzemuviri idzi dzinonzi dziri kushandiswa munyaya dzine chekuita nekuchekeresa kana kuti kushandiswa kwemishonga yekuromba sekutsvaga kupfuma. Svondo rapera kune vana vaviri vaive nemakore manonwe ekuberekwa avo vakapondwa vachibva kuchikoro kuNyanga. Mitumbi yevana ava, avo vose vaive nemakore manonwe ekuberekwa uye vachiita Giredhi 1, yakazowanikwa muzuva rakatevera yakakandwa muchimwe chimbuzi chisisashandiswe. Yaive yakatemwa-temwa miviri yose nemitsipa kunyangwe zvazvo pasina nhengo dzakabviswa. Pane varume vaviri vakatosungwa vachipomerwa mhosva yekuvaponda. Mitumbi iyi yakawanikwa chinhambwe chemakiromita mana kubva pachikoro chaidzidza vana ava. Zvinotoshamisa kuti chinangwa chemhondi dzakauraya vana ava chaive chei? Chokwadi kune vamwe vanhu vasina mwoyo wekubereka, kuuraya mwana kunge uri kucheka huku? Mukore uno kuchine vanhu vanofunga kuti kudeura ropa remunhu kunopfumisa? Chii chaifungwa nemhondi idzi apo dzaitema-tema vana ava kusvikira vafa? Zviri pachena kuti vana ava vakafa rufu rwunorwadza zvikuru. Humhondi hwakadai hunokanganisa magariro akasununguka munharaunda nekuti vabereki vanenge vave kutyira upenyu hwevana vavo pamwe chete nehwavo. Vanopara mhosva dzakadai vanofanirwa kurangwa zvakasimba nemutemo. Mhondi hadzifanirwe kutambarara serunyemba dzichiuraya vana nevanhu vakuru pamadiro. Upenyu hwemunhu, mudiki kana mukuru, hunokosha nekudaro hunofanirwa kuchengetedzwa. Nyaya dzekupondwa kwevana dziri kuratidza kuwanda mazuva ano uye dzimwe dzacho dzine chekuita nekuchekeresa. Kune n’anga nemaporofita vari kufurira vanhu kuti kana vakachekeresa, zvikuru vana, vanokwanisa kupfuma. Gore rapera, kune nyaya yemwana wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, uyo akapondwa, mutumbi wake ndokuzonhongwa usina musoro, maoko nemakumbo. Makumbo emwana uyu, Tapiwa Makore Jnr (7) akawanikwa nemapurisa akakandwa muchimbuzi chiri mumusha asi akabvuswa dzimwe nyama. Musoro, maoko nenhengo dzesikarudzi hazvisati zvawanikwa. Kune vanhu vane chitsama, kusanganisira vekumhuri kwemwana uyu, vakatosungwa vachipomerwa mhosva yekumuponda. Mutumbi wemwana uyu wakatozovigwa nguva pfupi yadarika usina dzimwe nhengo dzinosanganisira musoro. Mwana uyu akafa rufu rwunorwadza zvakare sezvo anonzi akatanga adhakiswa nedoro, nhengo dzake dzemuviri ndokuzochekwa-chekwa. Upfumi hauuye nekuchekeresa asi kuti nekurongeka uye kushanda nesimba. N’anga nemaporofita vari kufurira vanhu kuti vaite mabasa ekuchekeresa vanofanirwa kurangwawo zvakaomarara nemutemo. Ibasa remunhu wose kuona kuti upenyu hwevana hwakachengetedzwa. Ibasa remunhu wose kuona kuti upenyu hwevana hwakachengetedzwa. Mwana uyu akafa rufu rwunorwadza zvakare sezvo anonzi akatanga adhakiswa nedoro, nhengo dzake dzemuviri ndokuzochekwa-chekwa. Upfumi hauuye nekuchekeresa asi kuti nekurongeka uye kushanda nesimba. N’anga nemaporofita vari kufurira vanhu kuti vaite mabasa ekuchekeresa vanofanirwa kurangwawo zvakaomarara nemutemo. Ibasa remunhu wose kuona kuti upenyu hwevana hwakachengetedzwa.