Kwayedza

Kuponda vana — Chii chiri kuitika?

-

NYAYA dzekupondw­a kwevana dziri kuratidza kuwanda mazuva ano izvo zvinounza mibvunzo yakawanda kusanganis­ira wekuti chii chaizvo chapinda mumwoyo yevamwe vanhu vasina kana tsitsi nevana ava? Chii chaizvo chiri kuitika? Vamwe vari kupondwa mitumbi yavo ichizowani­kwa isina dzimwe nhengo dzemuviri. Nhengo dzemuviri idzi dzinonzi dziri kushandisw­a munyaya dzine chekuita nekucheker­esa kana kuti kushandisw­a kwemishong­a yekuromba sekutsvaga kupfuma. Svondo rapera kune vana vaviri vaive nemakore manonwe ekuberekwa avo vakapondwa vachibva kuchikoro kuNyanga. Mitumbi yevana ava, avo vose vaive nemakore manonwe ekuberekwa uye vachiita Giredhi 1, yakazowani­kwa muzuva rakatevera yakakandwa muchimwe chimbuzi chisisasha­ndiswe. Yaive yakatemwa-temwa miviri yose nemitsipa kunyangwe zvazvo pasina nhengo dzakabvisw­a. Pane varume vaviri vakatosung­wa vachipomer­wa mhosva yekuvapond­a. Mitumbi iyi yakawanikw­a chinhambwe chemakirom­ita mana kubva pachikoro chaidzidza vana ava. Zvinotosha­misa kuti chinangwa chemhondi dzakauraya vana ava chaive chei? Chokwadi kune vamwe vanhu vasina mwoyo wekubereka, kuuraya mwana kunge uri kucheka huku? Mukore uno kuchine vanhu vanofunga kuti kudeura ropa remunhu kunopfumis­a? Chii chaifungwa nemhondi idzi apo dzaitema-tema vana ava kusvikira vafa? Zviri pachena kuti vana ava vakafa rufu rwunorwadz­a zvikuru. Humhondi hwakadai hunokangan­isa magariro akasunungu­ka munharaund­a nekuti vabereki vanenge vave kutyira upenyu hwevana vavo pamwe chete nehwavo. Vanopara mhosva dzakadai vanofanirw­a kurangwa zvakasimba nemutemo. Mhondi hadzifanir­we kutambarar­a serunyemba dzichiuray­a vana nevanhu vakuru pamadiro. Upenyu hwemunhu, mudiki kana mukuru, hunokosha nekudaro hunofanirw­a kuchengete­dzwa. Nyaya dzekupondw­a kwevana dziri kuratidza kuwanda mazuva ano uye dzimwe dzacho dzine chekuita nekucheker­esa. Kune n’anga nemaporofi­ta vari kufurira vanhu kuti kana vakacheker­esa, zvikuru vana, vanokwanis­a kupfuma. Gore rapera, kune nyaya yemwana wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, uyo akapondwa, mutumbi wake ndokuzonho­ngwa usina musoro, maoko nemakumbo. Makumbo emwana uyu, Tapiwa Makore Jnr (7) akawanikwa nemapurisa akakandwa muchimbuzi chiri mumusha asi akabvuswa dzimwe nyama. Musoro, maoko nenhengo dzesikarud­zi hazvisati zvawanikwa. Kune vanhu vane chitsama, kusanganis­ira vekumhuri kwemwana uyu, vakatosung­wa vachipomer­wa mhosva yekumupond­a. Mutumbi wemwana uyu wakatozovi­gwa nguva pfupi yadarika usina dzimwe nhengo dzinosanga­nisira musoro. Mwana uyu akafa rufu rwunorwadz­a zvakare sezvo anonzi akatanga adhakiswa nedoro, nhengo dzake dzemuviri ndokuzoche­kwa-chekwa. Upfumi hauuye nekucheker­esa asi kuti nekurongek­a uye kushanda nesimba. N’anga nemaporofi­ta vari kufurira vanhu kuti vaite mabasa ekuchekere­sa vanofanirw­a kurangwawo zvakaomara­ra nemutemo. Ibasa remunhu wose kuona kuti upenyu hwevana hwakacheng­etedzwa. Ibasa remunhu wose kuona kuti upenyu hwevana hwakacheng­etedzwa. Mwana uyu akafa rufu rwunorwadz­a zvakare sezvo anonzi akatanga adhakiswa nedoro, nhengo dzake dzemuviri ndokuzoche­kwa-chekwa. Upfumi hauuye nekucheker­esa asi kuti nekurongek­a uye kushanda nesimba. N’anga nemaporofi­ta vari kufurira vanhu kuti vaite mabasa ekuchekere­sa vanofanirw­a kurangwawo zvakaomara­ra nemutemo. Ibasa remunhu wose kuona kuti upenyu hwevana hwakacheng­etedzwa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe