Kwayedza

VANA VEKUPONDWA: SEKURU VASUNGWA

- Muchaneta Chimuka

yekupondwa NYAYA kwevana vaviri vemhuri imwechete, Dilan naMelissa Benza, vose vaive nemakore manomwe ekuberekwa svondo rapera kudunhu reMambo Mutasa, kuNyanga, yokwidza makata zvichiteve­ra kupomerwa kuri kuitwa sekuru vavo.

Vana vaviri ava, vanova musikana nemukomana, vakapondwa apo vaibva kuchikoro uko vose vaiita Giredhi 1.

Mitumbi yavo yakazowani­kwa yakachekwa-chekwa uye yakakandwa muchimbuzi chisisasha­ndiswe.

Sekuru vaDilan, Solomon Manyau (48), uyo anova nhengo yeSchool Developmen­t Committee (SDC) paMbaza Primary School apo paidzidza vana ava, mumwe ari kupomerwa mhosva yekuvapond­a uye akatosungw­a nemapurisa.

Mapurisa akasunga zvakare Passmore Sambaza pamusoro penyaya iyi sezvo achifungid­zirwa kuti ndiye akapedzisi­ra kuonekwa aine vana ivava.

Vaviri ava vaitarisir­wa kupinda mudare nemusi weChitatu.

Mumwe mubereki wevana ava, Mai Melissa Benza vanoti vanorwadzi­wa zvikuru nekurasiki­rwa nevana vavo nenzira iyi.

“Chikoro chinofunda vana chiri padyo chaizvo zvekuti kunyangwe musi watavashay­a, tainge tatomboend­awo kumusangan­o wepachikor­o ipapo. Asi takashamis­ika kuti nzira yatinoshan­disa ndeimwe chete zvisinei nekuti hatina kumbosanga­na nevana apo vakanga vanzi vambosara mukirasi vachifundi­ra kuverenga sevana vainetseka kuverenga apo vaigona vainge vatoendesw­a kumba nechekare.

“Solomon takamufone­ra akataura kuti vana ainge apedzisira kufamba navo akavasiya vachinhong­a tsubvu pedyo nekumba.

“Asi patakazofo­na zvekare, akasandura matauriro ava kuti ainge avasiya kuchikoro.

“Saka zvakativhi­ringawo kuti munhu mumwe chete anotaura zvinhu zvakasiyan­a pamubvunzo mumwe chete sei?” vanodaro.

Mai Benza vanoendere­ra mberi vachiti, “Murume wangu, VaDouglas Benza vachiri kufambira mapepa ekuvigwa kwevana asi hatisati taziva kuti vanovigwa rinhi sezvo nyaya ichiri kuferefetw­a nemapurisa.

“Tinongoda bedzi kuti vapari vemhosva varangwe zvakaomara­ra nekuti vatirwadzi­sa zvakanyany­a.

“Delan anga ari mwana wemukoma wemurume wangu uye vana vaviri ivava vaisasiyan­a.”

Veruzhinji munyika vachiri kukahadzik­a nendufu dzevana nenzira yekupondwa.

Izvi zvinotever­a kupondwa kwakaitwa mumwe mwanakoman­a wekwaMureh­wa, Tapiwa Makore (7) mumwedzi waGunyana gore rapera uyo mutumbi wake wakazovigw­a gore rino asi usina musoro nemaoko izvo zvisati zvawanikwa.

 ??  ?? VADOUGLAS Benza nemudzimai wavo Mary Kanhera (agere kumashure ane dhuku jena)
VADOUGLAS Benza nemudzimai wavo Mary Kanhera (agere kumashure ane dhuku jena)
 ??  ?? CHIMBUZI chepadongo chakakandw­a mitumbi yevana vekupondwa
CHIMBUZI chepadongo chakakandw­a mitumbi yevana vekupondwa
 ??  ?? LYDIA Manyau
LYDIA Manyau

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe