Kwayedza

Vapi veropa vowanda

- Boitumelo Makhurane

NATIONAL Blood Service Zimbabwe (NBSZ) inoti huwandu hweropa riri kupihwa nevakazvip­ira huri kukwira kubvira pakavhurwa zvikoro munaKurume kana zvichienza­niswa nenguva yadarika apo nyika yange ichiri pasi pechirongw­a chekudzivi­rira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 che”lockdown”.

Izvi zvinotever­a kudzikira kwange kwaita huwandu hwevanhu vanopa ropa panguva yelockdown apo veruzhinji vaisatende­rwa kufamba zvisina tsarukano.

Zvikoro – kusanganis­ira zvedzidzo yepamusoro, izvo zvine vadzidzi vanopa ropa rakawanda nechikamu che70 percent – zvainge zvakavharw­a panguva iyi.

Mukushi wemashoko kuNBSZ, VaEphraim Mubayi, vanoti: “Kubvira pakavhurwa zvikoro, pane kuwedzera kwehuwandu hweropa riri kupihwa munyika yose.

“Izvi zviri kunyanya kukonzerwa nerutsigir­wo rwatiri kuwana kubva kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i pamwe neredzidzo yepamusoro avo vakatipa magwaro anotitende­ra kuti tikwanise kuenda muzvikoro.”

Chirwere cheCovid-19 chisati chanyuka muZimbabwe, NBSZ yaigara iine ropa (blood banks) raigona kupedza mazuva manonwe kunyangwe zvazvo dzimwe nguva paigona kuve nekudiwa zvakanyany­a kwemhando yeGroup O iro rinokwanis­a kupihwa kune vanhu vane mhando dzose dzeropa.

Kunze kwevapi veropa vemuzvikor­o, vamwe vanopa ropa vanokurudz­irwa kuita izvi kumakirini­ki eNBSZ akatekeshe­ra nenyika kana kune vanofamba munharaund­a nemotokari (mobile clinics).

“Tinoramba tichikurud­zira vanhu kuti vape ropa kumakirini­ki edu ari kunharaund­a dzakasiyan­a nekune vanofamba nemotokari.

“Pane zvirongwa zvekukurud­zira vechidiki kuti vape ropa izvo zvichaitwa munaKubvum­bi,” vanodaro VaMubayi.

NBSZ ine vapi veropa vakatendek­a vechidiki pasi peboka rePledge 25.

Chirongwa ichi chakatangw­a neNBSZ uye nyika dzinodarik­a 80 pasi rose pari zvino dzatevera matsimba esangano iri nekuvambaw­o mapoka ePledge 25.

Pasi peboka iri, vechidiki vanozvipir­a kupa ropa rinosvika 25 pints mushure mekunge vapedza dzidzo yesekondar­i kusvikira vave nemakore 30 ekuberekwa.

MunaKukadz­i wegore rino, NBSZ yakaisa chikumbiro kuvapi veropa chekuti vape ropa iri zvichiteve­ra kudzikira kwakanyany­a kwarakange raita kumablood banks nekuda kwelockdow­n.

 ??  ?? VAEPHRAIM Mubayi
VAEPHRAIM Mubayi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe