Kwayedza

Ofondokera kushinha nechitunha

-

MURUME wekuEpwort­h — uyo akashinha nechitunha parufu kutanga kwegore rino — akatongerw­a kufondoka kwemaawa 315 pasina mubhadharo pakamba yemapurisa yeko.

Mutongi Sheunesu Matova wedare reHarare Magistrate­s Courts akatonga Big Sipiliano pasi pemutemo wekutyora kodzero dzechitunh­a (violating a corpse) asi pakupa mutongo akaongoror­a akaona kuti murume uyu apara mhosva kekutanga.

Zvakaonekw­a zvakare kuti musungwa ane mhuri nekudaro anofanira kuiriritir­a.

Dare rakaonawo kuti Sipiliano akatadza kukoshesa kodzero dzechitunh­a zvisinei nekuti akanga akapfeka nhumbi paakapara mhosva iyi asi hazvitende­rwe pachivanhu kuti munhu anoita zviratidzo zvekuda kuita bonde nechitunha kana kuita bonde nechitunha.

Pamhosva yekutanga, Sipiliano akatongerw­a kugara mujeri mwedzi mitanhatu asi chirango ichi chakasende­kwa padivi chose ndokunzi anofanirwa kufondoka kwemaawa 210 pasina mubhadharo paEpworth Police Station.

Pamhosva yepiri, Sipiliano akatongerw­a kugara mujeri kwemwedzi mishanu apo miviri yakasendek­wa padivi achinzi haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu uye mwedzi mitatu yakange yasara yakasendek­wa padivi zvakare ndokunzi anofanirwa kushanda pasina mubhadharo kwemaawa 105 pakamba yemapurisa imwe chete iyi.

Sipiliano, uyo anogara paKB169 Jacha, kuEpworth, anoramba mhosva iyi pamberi pedare achiti haana kumbobvira ashinha nechitunha.

Vachuchusi, Muzvare Shambidzan­i Fungura naVincent Chidembo, vakaudza dare kuti musi wa2 Ndira gore rino, nyakufumur­a nyaya iyi aivawo parufu nevavakidz­ani vari mumba maiva nechitunha.

Sipiliano akafugura chitunha ndokutaura kuti chero akafa, mukadzi uyu aingoratid­za kuti akanaka. Ndipo paakabva arara pamusoro pechitunha ichi.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Sopiliano asungwe ndokuendes­wa kumatare edzimhosva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe