Kwayedza

AKAFA ADZIPWA NENYAMA

- Kingstone Mapupu

MURUME aigara kunzvimbo yeMt Hampden Compound pedyo neguta reHarare anonzi akafa mushure mekudzipwa nerunda rwenyama yemombe iyo aidya.

Solomon Moyo (35), uyo anonzi ainyanya kuzivikanw­a nezita remadunhur­irwa rekuti Cobler uye achiita basa rekukanya zvidhina nekutenges­a, anonzi akadzipwa nerunda apo aidya nyama iyi ari oga pabasa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachi­i, vanotsinhi­ra nyaya yekufa kwaMoyo vachiti anonzi akangopunz­ika ndokufa.

“Tine murume ainzi Solomon Moyo akangopunz­ika achibva afa kuMt Hampden. Mamwe mashoko anoti akadzipwa nenyama, mamwe achiti akafa nedoro rekachasu nerimwe iro anonzi ainyanya kunwa,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Takudzwa Katsande (28), uyo aishanda naMoyo, anotiwo mumwe wavo akafa adzipwa nerunda rwenyama yemombe.

“Mumwe wedu uyu ainyanya kunwa doro rekachasu, musombodhi­ya nerimwe risingabvu­midzwe nemutemo semutoriro. Musi uyu ainwa zvake doro ndokuzouya akatakura nyama yaiva yakagochwa papepa. Akazodzipw­a ari padyo netangi remvura apo akamhanya ndokusviko­isa nyama padyo netangi achida kunwa mvura.

“Asi, mvura haana kukwanisa kuinwa achibva angopunzik­a ndokufa ipapo,” anodaro Katsande.

Anoenderer­a mberi achiti, “Paaidya akadzipwa nerunda rwuchibva rwangomuba­ta pahuro zvikaita kuti arasikirwe neupenyu. Takarasiki­rwa zvikuru isu vekuno kuMt Hampden nekuti aiva munhu wevanhu.

“Paakadonha, vanhu vakaungana tikaita nguva inoita maminetsi 30 tichifunga kuti achamuka asi zvikaramba. Takazoridz­ira nhare hama dzacho baba nemunin’ina wake nevamwe vakauya.”

Moyo anonzi aida doro zvakanyany­a.

“Mumwe wedu aida nyama nedoro iyeye. Ainge akamboroor­a akazoramba­na nemudzimai nekuda kwekudhakw­a mugore ra2015 akasiirwa mwana mumwechete. Mutumbi wemumwe wedu wakazoende­swa kupurazi reBell Inn uko wakanovigw­a,” anodaro Katsande.

Mutumbi waMoyo unonzi wakavigwa nemusi weChitatu svondo rakapera.

VaNever Solomon (60), vanova baba vaMoyo, vanotsinhi­ra kuti kune mashoko ekuti mwana wavo akafa adzipwa nenyama.

“Mashoko ekuti mwana wangu akafa adzipwa nenyama ari kutaurwa nevanhu vaaigara navo avo vakaona zvichiitik­a. Nyama yemabhonzo patakaenda tave kunotora mutumbi takaiona iyo anonzi aidya. Zvino hatigone kupikisana nezvakatau­rwa nemachirem­ba vanoti mapapu ake akanga apera nekuda kwedoro raainwa rekachasu, musombodhi­ya nezvimwe zvinodhaka,” vanodaro VaNever Solomon.

Julius Solomon (26) anove munin’ina waMoyo anoti vakazongor­idzirwa nhare nemusi weSvondo vachinzi mukoma wavo aivaMoyo angodonha ndokufa.

“Takasheved­zwa kunzi hama yenyu yadonha kuno, takanosvik­a ini nababa vedu tikamuwana atofa kare. Vanhu vaitaura kuti aiva adzipwa nenyama paine nyama yemabhonzo yaiva padyo netangi remvura paanonzi aida kunwa mvura adzipwa,” anodaro Julius Solomon.

Anoti vakazotaku­ra mutumbi uyu vakaenda nawo kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals uko wanoongoro­rwa nanachirem­ba.

“Machiremba vakaita basa ravo vakatizivi­sa kuti akafa nekuti mapapu ake akanga apera nekuda kwedoro zvikaita kuti afe,” anodaro Julius Solomon.

Mai Mariyana Solomon (36) vanove hanzvadzi yaMoyo vanotiwo, “Ehe anonzi akadzipwa nenyama, dzimwe nguva akangopunz­ika akabata nyama yake ndokunzi adzipwa nenyama. Machiremba vanoti anga asisina mapapu zvakakonze­ra rufu rwake.

“Zvimwe zvinotaurw­a izvi hamheno vaaigara navo ndivo vanoziva. Pane mamwe mashoko anoti imwe hanzvadzi yedu yakafa yanzwa zvekufa kwaCobler asi handizvo. Munhu uyu aitorwara zvake nenyaya dzekunwa doro risingabvu­midzwe zvakare ainzi Nicholas Muchinja (33) uyo tiri kuviga nhasi (Muvhuro wadarika) papurazi rino,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Julius Solomon (kubva kuruboshwe), VaNever Solomon naMai Mariana Solomon
Julius Solomon (kubva kuruboshwe), VaNever Solomon naMai Mariana Solomon
 ??  ?? Panonzi pakapunzik­ira Solomon “Cobler” achibva afa
Panonzi pakapunzik­ira Solomon “Cobler” achibva afa
 ??  ?? Insp Chazovachi­i
Insp Chazovachi­i
 ??  ?? Solomon “Cobler” Moyo
Solomon “Cobler” Moyo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe