Kwayedza

Ambuya muri pfambi: Mukuwasha

- Danisa Masuku

MURUME anogara mumusha weNkuluman­e, kuBulawayo, uyo wekugara achitukiri­ra ambuya vake — amai vemudzimai — kuti ipfambi yemakoko uye kuti ndivo vari kufurira mukadzi wake kuti aite zvehunzenz­a akazodhonz­erwa kumatare edzimhosva.

Devine Sibanda pose paanodhakw­a anonzi anoenda kumba kwaambuya vake, Gloria Moyo, osvikovatu­kidzira achivapome­ra kuti ndivo vari kutadzisa kuti agare zvakanaka nemudzimai wake.

Sibanda anonzi anotuka ambuya vake pajekerere pane vavakidzan­i vavo zvinoita kuti vashaye pekupinda nenyadzi.

Moyo akaudza dare kuti ari kukumbira gwaro rerunyarar­o kubva kumukuwash­a wake.

“Ndiri kukumbiraw­o gwaro rerunyarar­o kubva kumukuwash­a wangu, Devine Sibanda. Nguva zhinji kana adhakwa anouya kumba kwangu otanga kunditukir­ira achiti ndini ndakafurir­a mudzimai wake kuti amusiye uye achiti zvakare wanano yavo yave pedyo nekuparara.

“Ndinogara ndichimuud­za kuti handina zvandinoit­a zviri kukonzera kuti vanetsane muwanano yavo,” anodaro Moyo.

Anoenderer­a mberi achiti, “Anoshevedz­era nezwi riri pamusoro achiti ndiri pfambi achindinya­dzisa pamberi pevavakidz­ani vangu. Anondishun­gurudza pose paanodhakw­a.

“Saka ndiri kukumbira gwaro rerunyarar­o kubva kwaari kuitira kuti arege kuuya kumba kwangu achindituk­a.”

Sibanda anoramba kuti ari kushunguru­dza ambuya vake.

“Handisati ndambovatu­ka ini, ndakangoen­da chete kumba kwavo ndichida kubvunza kuti sei mudzimai wangu aive andisiya achinogara naambuya vangu,” anodaro.

Mutongi Jeconia Prince Ncube akapa Moyo gwaro redzivirir­o uye ndokuti Sibanda haatenderw­e kuonekwa zvachose achisvika pamba paambuya vake kana kuvatuka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe