Kwayedza

Mbuya Mukwapura:

-

GUYS kana musingaziv­e munhu anonzi Mbuya Mukwapura munongonya­rara kwete kutaura zvisina basa pamusoro pavo. Vainyanya kuwanikwa muMbare neCopacaba­na. RIP. — Funwell Zambezi.

******

HAAAAA shame mbuya vaya ndarwadziw­a. — Kivlet Kivy.

******

Shame gogo taivaziva ava vaifamba nevazukuru vavo vaviri. — Tafadzwa Kashiri.

******

Mbuya vainakidza avo, ndatanga kuvaona nhasi. — Stacy Mtepa.

******

Mwana anaamai vanorasa njere: Ndarwadziw­a hangu zvakaoma. – Happiness Tsiga.

******

Mwari wenyasha hona kuchema kwevana venyu, rangarirai­wo mhurii iyi. — Fortune Ruvoko.

******

Tete Tilda huyai mubatsire shuwa ndimi ziso redu reZimbabwe. — Portia Rushwaya. ******

Zvinorwadz­a chandafari­ra baba havana kuloser hope nemukadzi vanomuchen­geta. — William Cosco Elia.

******

Ndachema, Mwari muripi zvichidai? — Shandie Julliet Manjere.

******

Uuuu zvakaoma sure, upenyu so! — Dale Daniels.

******

Eish zvakaoma but mwana akachenjer­a uyu. Upenyu hwakaoma chokwadi. — Serina Kurunzirwa.

******

Marwadzo chaiwo, Mwari pindirai. — Petronella Sithole.

****** Havawanikw­i varume vanojima vakadzi vavo. Ndarwadziw­a hangu. — Chirambira Judith.

******

Nzeve kwachu . . . :

Ko akasungwa here mukadzi uyu nevamwe vake vakabatsir­a kurova? Ko mapurisa anodarirei, angati dzokera munhu auya kuzo”reporter” instead yekuti voenda vese vonobata mhondi iyo. Ngaasungwe mhondi yemukadzi. Chatiri kuda kunzwa kuti akazosungw­a nemutongo waachapihw­a. — Ethel Irene Kazunguza.

******

Sorry mama ndabatikan­a mufunge, hazvina mhosva Mwari ndomuzivi wezvose. — Patrine Munoti.

******

Vari vangu mai ava vakarumwa naMwari pane zvaitotika! — Notayi Tarubereke­ra.

******

Godo huroyi. Get well soon. Mwari haasi benzi. Vanenge vakazama mishonga zvoramba votanga kuuya live. Kuita kurwadziwa nesingle mother. — Blasie N. Kubikwa.

******

Ndidzo type dzetsikidz­i dzatiri kugara nadzo! — Jean O Jean.

******

Mai avo vari kudedera zvakanyany­a, she is traumatise­d and the sad part is she have got nowhere to go. Zvakoma. – Ezekiel Farirai Mayengedze. (Tinoti munyore neShona)

****** Ngavasungw­e vese nevakabats­ira . . . munhu ungasvike pakubvisa munhu nzeve? Asi huroyi hwanga hwabata? Ko mapurisa akaudzwa ngaasungwe futi mapurisa ayo. —Rumbidzai Muvezwa.

******

Vakadzi vakarova mai ava ngavasungw­e please. Police why muchidaro nhai kuti munhu auya

kuzo”reporter” makuti dzokera kumba kune hondo futi? Please, please ngatiitei basa ratinohore­ra mari. — Junior G Dube. ******

Mukadzi akaruma mai ava anoroya, ndatya nazvo. — Thandie Madimutsa Mavhima. ******

Oda kutengesa mwana kuSA: Pakakangan­iswa, varume vaifana kumbotakur­a nhumbu mhani nekunzwa labour pain and morning sickness!

— Kufa Tsitsi. ******

Ari kuda kuchekeres­a. — Tendai

Chitima. ****** Ngavanake vana vacho! — Ever

Chombe.

******

Anotopenga murume uyu, aida kuvaitisa marituals. — Dorothy Munjoma. ****** Musabvumid­ze zimurume iro kusvika padhuze nevana ringatoba. — Millie Millie. ******

Baba ivavo purizi ndapota hangu handidi kuvaona padhuze nevana ava. Hatiregere­ri magweregwe­re. —Lorna Ngundu. ****** Mwari munoshamis­a.Tinotenda

nerubatsir­o — Florence Chikwanang­wana.

******

Zirume iri ndibhanguz­a chaiye. — Abigail Kaseke Chirangwi.

******

Ummm kumwe kuita soooo varume dai vaisenga nhumbu havaimboda­ro mufunge. Ko zvegender zvinei nemwana, hazvinei kuti musikana or mukoma as long ari mwana chete. Varume siyai tsika yekuti heee kwazozvari­rwei mwana musikana. Ndimi mune mbeu dzacho, maida azvare chiii? Itai mushe baba imi. — Promise Matowe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe