Kwayedza

Nzeve kwachu nemuvakidz­ani

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara mumusha weStonerid­ge, muguta reHarare, akasara abatira chidimbu chenzeve yake mumawoko mushure mekurumwa nemukadzi muvakidzan­i apo vairwira makuhwa ane chekuita nekupumhan­a huroyi.

Mai Kegi Mangare (45), avo kumusha vanobva kuKaroi, vanoti vakarumwa nzeve yavo yekurudyi nemuvakidz­ani wavo uyo akaidambur­a, ndokutozoi­ta yekusvipa pamwechete neropa.

Vanoti nyaya iyi yakatangir­a pakuti muvakidzan­i wavo uyu (zita tinaro) aivapomera kuti vaifamba vachiparid­zira mashoko ekuti muroyi.

“Kubva tichiuya muno nemurume wangu nemhuri mugore ra2016, takawana amai ava nemhuri yavo vari muno vatovaka ndokusviko­ita muvakidzan­i wavo. Hatina kusvikowir­irana, taingogara tichipopot­edzana nekuda kwenyaya dzisina nematuro.

“Nyaya iyi yakazotang­a svondo rakapera neChina apo vakauya nemhuri yavo ndokupinda mumba mangu nechisimba vakatanga kundirova,” vanodaro Mai Mangare.

Mukurohwa uku, zuva rekutanga vanoti vakakuvadz­wa minwe yeruoko rwekurubos­hwe nedzimwe nhengo dzemuviri nekurumwa.

“Vakazondir­egera kwauya vamwe vanhu vakandinun­ura.

Asi nyaya iyi vakazoisim­udzira mangwana acho chava Chishanu mangwanani apo vakauya nemamwe madzimai avanowirir­ana nawo vatanga vamboungan­a pamba pavo. Vakasvikov­hura dhoo nechisimba ndokundizv­uva mumba ndokutanga kundirover­a pamugwagwa vose apo amai ava vakazondir­uma nzeve ikakwachuk­a. Vakatozoit­a yekusvipa pasi pamwe chete neropa. Ndakainhon­ga ivo vatiza vaona kuti vakanga vandikuvad­za,” vanodaro Mai Mangare.

Vanoti muvakidzan­i wavo uyu aona kuti avakuvadza, ndiye akazotanga kumhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuMbudzi achiti akanga arohwa.

“Ini ndakazotev­era kumapurisa uku

ekuRound About ndikanonzi ndini ndakanga ndatova musungwa ndikavhari­rwa kwechinguv­a. Ndakazokwa­nisa kumhan’ara yangu nyaya nzeve ichichurur­uka ropa zvikanetsa kuti itambirwe.

“Takazobvis­iswa mari yekubvuma mhosva tose yekurwisan­a kunyangwe ndirini ndakarohwa,” vanodaro Mai Mangare.

Nyaya yavakazomh­an’ara yekudambur­wa nzeve ine nhamba dzinoti RRB 4783768 iyo yakamhan’arwa kumapurisa ekuSouthle­a Park ari pasi pekamba yepaMbudzi Round About neWaterfal­ls.

“Nyaya iyi inonzi iri kuferefetw­a asi ini handione kufamba kwayo nekuti amai ava varipo pamba pavo uye ini ndiri kuzvirapis­a ndoga nemari yangu maronda enzeve aya. Mbatya dzine ropa rekukuvadz­wa uko ndakaitwa ndakazodzi­wacha, ndikadzoke­ra kumapurisa ndiri kungonzi dzokerai kumba kwenyu,” vanodaro Mai Mangare.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemuvakidz­ani waMai Mangare, uyo anonzi anozivikan­wa nekunzi Lydia Steven, sezvo akatiza pamba pake apo akasvikirw­a nevatori venhau.

Mai Mangare vakachenge­tedza chidimbu chenzeve yavo seumbowo iyo yave kuratidza kusvava yavanogara vakaisa pamatissue.

“Nzeve iyi ndinayo ndakaichen­geta hapana kushereket­a kwandinoda kuita nayo asi kuti umbowo chete.

‘‘Ndave kutya kugara padyo nemhuri iyi sezvo vachiita zvavanoda uye murume wangu haapo akaenda kuSouth Africa kunoshava mugore ra2017,” vanodaro Mai Mangare.

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commission­er Paul Nyathi, pavanobvun­zwa nezvenyaya iyi vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ayakaita.

“Regai nditange ndaongoror­a kuti nyaya iyi yakambofam­ba sei ndinozokut­aurirai zvizere,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

 ??  ?? MAI Kegi Mangare vachitarid­za chidimbu chenzeve yavo yakarumwa
MAI Kegi Mangare vachitarid­za chidimbu chenzeve yavo yakarumwa
 ??  ?? MAI Kegi Mangare - Mufananidz­o naJustin Mutenda
MAI Kegi Mangare - Mufananidz­o naJustin Mutenda
 ??  ??
 ??  ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi
 ??  ?? CHIDUMBU chenzeve
CHIDUMBU chenzeve

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe