Kwayedza

Kwekwe ‘lockdown’ yorumbidzw­a

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kurumbidza Hurumende nedanho rayakatora svondo rapera rekuti vagari vekuKwekwe vambomira kufamba vachienda kune dzimwe nzvimbo (lockdown) zvichiteve­ra kunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 kunzvimbo iyi, iyo yakatangir­a kunyika yeIndia.

Hurumende svondo rapera yakazivisa kuti nzvimbo yeKwekwe ichange iri palockdown kwemasvond­o maviri zvichiteve­ra kunyuka kwemhando itsva yedenda iri inodaidzwa kuti variant B.1.617.

Kwayedza inoita hurukuro neveruzhin­ji avo vanoti danho iri rakakosha zvikuru sezvo richiita kuti mhando yeCovid-19 iyi isapararir­e nenyika sezvo zvichigona kuzopedzes­ira zvonzi Zimbabwe yose yave palockdown.

Muimbi wemusambo weSungura ari kusimukira wekuDombos­hava, Dennis Nyakudya, anoti lockdown chiwororo uye inorwadza asi ichibatsir­a.

“Tiri kungonamat­a kuti kudai chirwere cheCovid-19 chapfuura, kunyanya mhando itsva iyo yava muno yakabva nekunyika yeIndia. Tinoshuvir­a kuti kudai yangogumir­a kuKwekwe ikoko.

“Zvekare, izvi hazvizongo­gumiri mukufa kwevanhu chete, asi vanotomboe­nda kunogara kudzimba kureva kuti mikana yekuita twumabasa twedu twemaoko twunoraram­isa mhuri inoderera sesu vaimbi, kutodzoker­a pazero,” anodaro.

Mai Jaiden Takura vekuChitun­gwiza vanoti ivo munhu ari mubasa rekuhodha nekutenges­a, nekudaro kuuya kweimwe lockdown ironda guru mumwoyo mavo.

“Lockdown imwe hatichaida saka tinotenda Hurumende nekuona kuti vagari vekuKwekwe vambomira kupinda mune dzimwe nzvimbo nekuti mikana mizhinji yekuti vanhu vakauya nacho vanogona kunge vakafamba kwakasiyan­a vasati vaziva kuti vane utachiona uhwu.

“Ini ndinoenda kunohodha marasha kunyika yeMozambiq­ue saka lockdown inotishung­urudza zvikuru kana nyaya dzekushany­a kune dzimwe nyika dzichinge dzavharisw­a sezvakambo­itika kumashure,” vanodaro.

Mbuya Martha Reid, avo vanova murapi wechivanhu, vanoti havachambo­da kunzwa chinonzi lockdown sezvo vachiraram­a nekutenges­a.

“Ini ndinotenge­sa mishonga yechivanhu pamusika wepaMakoni saka lockdown hatichaida. Munguva yelockdown yekutanga iya takarwadzi­wa zvikuru kugara mumba kunge muzvere apa nzara ndipo payaisunga zvakasimba.

“Kumusika hakwaiende­ka, ndiko kusaka ndichiona zvakakosha kuti titevedze zvinodiwa neveutano sekupfeka mamasiki, kuregedza kuungana, kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra nekugeza maoko nesipo nguva nenguva. Covid-19 inouraya mabhizimus­i ose,” vanodaro.

Mbuya Simbisai Magora vanova murapi wechivanhu zvekare vanosimbar­adza nyaya yekubaiwa majekiseni.

“Kubaiwa majekiseni ndiwo mumwe musimboti wekupedza dambudziko iri. Lockdown yaikapa zvikuru nekuti kunyangwe mbavha dzinowanda,” vanodaro.

 ??  ?? DENNIS Nyakudya
DENNIS Nyakudya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe