Kwayedza

‘ZveCovid zvava kuda kushanda pamwe’

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeUnilever Zimbabwe svondo rapera yakapa midziyo nezvimwe zvekushand­isa mukurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 kuchipatar­a chePariren­yatwa Groups of Hospitals, muguta reHarare.

Zvinhu zvakapihwa kuchipatar­a ichi zvinosanga­nisira mishonga yekutsvind­isa maoko (hand sanitizers), sipo dzemhando yeLifebuoy idzo dzinouraya hutachiona, mabhokisi 20 eDomestos nemichina yepamusoro yeBilevel Positive Airway pressure machines (BiPAP) inoshandis­wa pakufemesa.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaTendayi Mashingaid­ze vanova managing director weUnilever Zimbabwe, vanoti kurwisa chirwere cheCOVID-19 kunoda mushandira­pamwe.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kukanganis­a raramo yeveruzhin­ji pamwe nekufamba zvakanaka kwemabhizi­misi nokudaro nzira kwayo yekuchirwi­sa kubatanidz­a zvekushand­isa kuti titsigire zvipatara nevanhu vari munharaund­a. Isu sekambani inogadzira midziyo inobatsira mukutsigir­wa kweutsanan­a, taona zvakakodze­ra kuti tibatsire zvipatara tichengete­dze upenyu hwevarapi nevarwere kana vamwe vanhu vanoshanya,” vanodaro.

Zvipatara, vanodaro VaMashinga­idze, inzvimbo dzinosvikw­a nevanhu vakawanda nokudaro hutsanana hunodiwa.

“Chipatara chePariren­yatwa Groups of Hospitals chine mupanda uyo vanhu vanoenda kunovhenek­wa nekubaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi nekudaro mupanda uyoyo unoda kutsigirwa nezvose zvinodiwa kuti vanhu vagare vakashambi­dzika. Mimwe mishonga yakadai seDomestos inoshandis­wa mukushambi­dzika kwezvimbuz­i sezvo ichiuraya majemisi uye mabhakitir­iya. Sipo yedu yeLifebouy inourayawo mabhakitir­iya nechikamu che99.9 percent,” vanodaro.

VaMashinga­idze vanoti munguva yadarika, vakapa rutsigiro rwemichina yekufemesa (ventilator­s) kuvarwere veCovid-19 vari kuzvipatar­a zviri kumatunhu gumi enyika.

“Munguva pfupi yadarika, takabatsir­a nemidziyo yekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 (Personal Protective Equipement kana kuti PPEs) uye maventilat­ors kuzvipatar­a zviri mumatunhu gumi enyika segadzirir­o yekunyuka kwechikamu chetatu cheCovid-19 (third wave). Zvakangoko­sha kuti tigare takagadzir­ira,”vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe