Kwayedza

‘Covid itsva injodzi huru’

- Munyori weKwayedza

NYANZVI yezveutano, Professor Solwayo Ngwenya, vanoti zvichiteve­ra kunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 muZimbabwe iyo inodaidzwa nekuti B.1. 617 uye inopararir­a nekukasika, zvakosha kuti pave nemushandi­rapamwe wekurwisa denda iri naizvozvo veruzhinji vanofanirw­a kutevedzer­a matanho ose akatarwa ekudziviri­ra kupararira kwaro.

Prof Ngwenya vanoti vanhu vose, kusanganis­ira vakabaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid19, vari panjodzi yekutapuri­rwa chirwere ichi nekudaro veruzhinji vanofanirw­a kugara vakapfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokots­oko.

“Takatarisa­na nenguva yakaona zvikuru senyika sezvo mhando itsva yechirwere ichi yapinda muZimbabwe,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoti njodzi huru iripo ndeyekuti chirwere ichi chasanduka kubva pane zvachakang­e chiri pakutanga zvinoreva kuti chinotapur­iranwa nekukasika.

“Iye zvino chave nenjodzi huru nekuti chasanduka zvachaive pakutanga uye chinotapur­iranwa chimbi-chimbi zvinoreva kuti tose tinofanirw­a kubatana senyika kuitira kuti chisaparar­ire,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoti vanhu vakawanda pari zvino vavarairwa panyaya yekusapfek­a mamasiki nekuita chitsokots­oko asi zvakakosha kuti veruzhinji vasandure maitiro avo zvichiteve­ra kunyuka kwemhando itsva yeCovid-19 iyi.

Vanokurudz­ira Hurumende kuti isimbaradz­e matanho ekurwisa kupararira kwedenda iri munzvimbo dzinoungan­a vanhu dzinosanga­nisira parufu, muzvikoro nekumachec­hi.

“Hatifanirw­e zvachose kutendera kuti tisvike panguva iyo tinokurirw­a nedambudzi­ko iri. Tinofanirw­a kusandura maitiro atange tichiita panyaya yekudzivir­ira Covid-19. Chirwere ichi ndechechok­wadi uye tinogona kupera nechakaped­za mbudzi kana tikaramba tichivarai­rwa,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoendere­ra mberi vachiti, “Vanhu havachapfe­ka mamasiki uye izvi zvine njodzi huru sezvo zvichipa mukana wekuti chirwere ichi chipararir­e.”

Mashoko avo anotsinhir­wa nesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe iro riri kukurudzir­a veruzhinji kuti vasavarair­we panyaya yekurwisa Covid-19.

“Ongororo yatinogara tichiita inoratidza kuti vanhu munharaund­a havasi kupfeka mamasiki nekutevedz­era mamwe matanho akatarwa ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi.

“Pane kuwanda kwevanhu mumisika yakasiyana nekuzvites­hi zvinokwiri­rwa zvekufambi­sa apo vanhu vari kuita chitsokots­oko, vasina kupfeka mamasiki zvakanaka mhuno dzakabuda kunze uye dzimwe nguva mamasiki aya akarambedz­wa pazvirebvu,” rinodaro sangano iri muchinyorw­a.

Hurumende yakazivisa nezvekunyu­ka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 kuKwekwe, iyo yakatangir­a kunyika yeIndia.

Mutevedzer­i wemutungam­iriri wenyika Vice President Constantin­o Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vanokurudz­ira veruzhinji kuti varambe vachiteved­zera matanho akatarwa ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

 ??  ?? Prof Ngwenya
Prof Ngwenya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe