Kwayedza

Kutorwa kwezvinodh­aka neCovid-19

- Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI vanoyambir­wa kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka sezvo zviri zvimwe zvinoita kuti vashaye hanya nekutevedz­era matanho ekudziviri­ra kupararira kweCovid-19 anosangani­sira kupfeka mamasiki nemazvo, kurega kuungana uye kushambidz­a maoko nguva nenguva.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera pachirongw­a chekusimud­zira vechidiki mumaguta, cheSafety Initiative­s Within The Public Spaces, icho chakarongw­a nesangano reYouth Alliance for Safe Cities vakabatana nePlan Internatio­nal, House Arts Associatio­n neZimbabwe Youth Council muguta reHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota reHurumend­e reHarare Metropolit­an Province — Cde Oliver Chidawu — mumashoko avo avakaveren­gerwa nadirector webazi rezvekuton­gwa kwematunhu, Mai Cathrine Kampila, vanoti vechidki vanoda chengetedz­o yakasimba munzvimbo dzeruzhinj­i idzo vanoswera.

“Tinotenda Hurumende nekutsigir­a kwayo ZUPCO kuti veruzhinji, kusanganis­ira vechidiki, vawane zvekufambi­sa nemitengo yakaderera. Mapurisa ari kuitawo basa guru rekuona kuti vanhu havakwire motokari dzemushika­shika idzo dzisina kunyoreswa zviri pamutemo, donzvo riri rekuona kuti vanhu vatevedzer­a nzira dzose dzekudzivi­rira chirwere cheCovid-19 uye mirawu yakatarwa,” vanodaro.

Zvisinei, vanoshora nyaya dzekuungan­a pamwe nekuzadzwa kuri kuitwa vanhu mumabhazi vachiti izvi ndizvo zvimwe zvinokonze­ra kutapurira­nwa kweCovid-19.

“Hurumende iri kubatsira vechidiki kuti vaite mabhindauk­o anoita kuti vawane chouviri uye pari zvino vanodarika 658 vakatobats­irikana kuburikidz­a nechirongw­a ichi apowo nhengo dzechirong­wa cheHouse of Arts dzakaburit­sa mavhidhiyo 26 ane donzvo rekurwisa Covid-19. Kutsigirwa kwevechidi­ki kunobatsir­a mukuzadzik­iswa kwezvinang­wa zvedu zvebudirir­o pasi pechirongw­a cheNationa­l Developmen­t Strategy 1 uye Vision 2030,” vanodaro Cde Chidawu.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Simon Chazovachi­i,

vanotiwo vechidiki vanoda chengetedz­o yakasimba kuti vasapinda munyaya dzemhirizh­onga uye kutora zvinodhaka.

“Kana vechidiki vakaswera vagere mumabhirij­i vachitora musombodhi­ya nezvimwe zvinodhaka, zvinoita kuti vasava nehanya nekupfeka mamasiki kana kugeza maoko. Nokudaro zvinopa mikana yakawanda yekutekesh­era kwechirwer­e cheCovid-19.

“Njodzi yekunyuka kechitatu kweCovid-19 inogona kuvapo kana vanhu vakasaita hanya yekutevedz­era mitemo yeWorld Health Organizati­on Guidelines. Vechidki ngavapfeke mamasiki nemazvo kunyangwe vari muzvikoro nepavanoen­da kudzimba nekuti kushaya hanya ikoko ndiko kunokonzer­a kuti nyaya idzi dziwande muzvikoro uye mapurisa acharamba achisunga vapari vemhosva,” vanodaro.

Kuchiti Mai Memory Kayati vanova Zimbabwe Youth Council provincial manager muHarare, vanoti vechidiki vanofanira kunge vaine nzvimbo dzavanokwi­rira mabhazi dzinoita kuti vasaungane kana kumbunyiki­dzwa.

Lucia Ruvarashe Chigiji, uyo anova Junior MP uye Ambassador weHarare Central, anoti vechidiki havafanire kufunga kuti chirwere cheCovid-19 hachivabat­e.

“Covid-19 inobata munhu wose, vakuru nevadiki, uye yakatowand­ira matiri isu vana vechikoro zvichiteve­ra nzvimbo dzatinoswe­ra takaungana. Mamasiki ngaapfekwe muzvikoro pasina tsvete uye hazvina kuipa kutsiura mumwe wako kana uchinge wamunona asina kupfeka masiki nekuti donzvo guru nderekuche­ngetedza upenyu,” anodaro.

Mashoko ake anotsigirw­a naLeeroy Ndambi anova Junior MP weSt Mary’s achiti vamwe vechidki vari kushaya zvekuita nokudaro vanoda vanovayamb­ira maringe nehuipi hwekutora zvinodhaka.

“Kana vechidiki vakawanisw­a mabasa nezvimwe zvekuita, zvinobatsi­ra kuti nyaya dzekutora zvinodhaka dziderere uye kushandisw­a kwemamasik­i kunofambir­a mberi nemazvo,” anodaro.

 ??  ?? Insp Chazovachi­i
Insp Chazovachi­i
 ??  ?? Leeroy Ndambi
Leeroy Ndambi
 ??  ?? Mai Memory Kanyati
Mai Memory Kanyati
 ??  ?? Lucia Ruvarashe Chigiji
Lucia Ruvarashe Chigiji

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe