Kwayedza

Vogadzirir­a kupanana zvematseng­anzungu

- Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vane chitsama votarisirw­a kubandana mumutambo wePound for pound Knockout Covid Boxing Series uchatambwa nemusi wa5 Chikumi kuHarare Showground­s.

Mutambo uyu uri kurongwa neDeltafor­ce Boxing iyo inotungami­rirwa naClyde Musonda uye uchaona vatambi 16 vachirwa mumitambo misere.

Mutambo mukuru pazuva iri uchange uri waFreeman Mabvongwe uyo acharwira bhande reZimbabwe Welteright naPeterson Machinjike.

Clyde Musonda, anove zvakare murairidzi wevatambi vetsiva vazhinji, anoti mutambo uyu uchabatsir­a zvakanyany­a sezvo vatambi vange vave nenguva ndefu vasingakwi­kwidze zvichiteve­ra kumiswa kwakaitwa mitambo yose munaKurume gora rapera senzira yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Anoti chishuvo chavo kuona vatambi vari kusimukira vachiwanis­wa mikana yekukwikwi­dza nekugadzir­a mazita avo kuitira kuti vagonorwir­a mabhande akasiyana kunze kwenyika.

“Isu chishuwo chedu kuona vatambi vetsiva vachisimuk­ira nekuwana mikana yekugadzir­a mazita avo. Nekuda kweCovid-19, mitambo yange yakamiswa uye vatambi hupenyu hwavo hwakakanga­niswa zvikuru. Saka isu taronga mutambo weKnockout Covid, tinoda kuirwisa kuti ngaiende Covid-19 itisiye tiite mabasa edu atange tajaira hupenyu hwedu hudzokere pahwainge huri kare,” anodaro.

Mutambo wePound for pound knockout Covid boxing series ndewechipi­ri wetsiva kurongwa muno kubva mitambo payakapihw­a mvumo yekunzi ichiitwa munyika.

“Tiri palockdown, taienda nevamwe vatambi kunze kunyika dzakaita seTanzania vachinokwi­kwidza ikoko, asi vange vari vashoma. Saka iye zvino vatambi vakawanda vave nemukana wekuzoenda kunorwira kunze kwenyika asi hunge vakatamba zvinonwisa mvura mitambo yatinovaro­ngera muno,” anodaro Musonda.

 ??  ?? CLYDE Musonda
CLYDE Musonda
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe