Kwayedza

NGOZI YODA RORI, CHIGAYO

‘Afenda ndinomutsa neweti’

- Tendai Gukutikwa

NGOZI yemurume wekuOdzi aiita mabasa echikoroko­za achichera dhaimondi uyo akaurayiwa neshamwari dzake mbiri makore 12 adarika yava kuda kuripwa nerori (two tonne truck) uye chigayo senzira yekuichenu­ra.

Ngozi iyi iri kuda zvimwe zvinhu zvakawanda zvinosanga­nisira mombe asi pakutanga inoda kuendeserw­a rori nechigayo kuhama dzemushaka­bvu.

Zvinonzi mweya wemufi, Welldone Mutangaben­de, aigara paMararira Farm, kwaOdzi uri kupomera John Muchinganw­a naWillard Kushanya uchiti ndivo vakamubira madhaimond­i ake masere (eight-carat diamond) mushure mezvo kwava kumuponda vachibva vanomukand­a mumuzinda wezvicherw­a izvi weChiadzwa uri kwaMutare.

Mhuri yekwaMutan­gabende, Muchinganw­a uye Kushanya vakamira pamberi pedare raMambo Marange svondo radarika apo mweya wemufi wakareva zvinhu izvi semuripo wengozi.

Munin’ina waWelldone anonzi Shingirayi anoti anofara zvikuru kuti mweya wemukoma wake wava kuvaratidz­a kugumbuka kwake kuvanhu vakamupond­a.

“Zvinofadza kuti mweya wemufi wataura zvaunoda vanhu vose varipo, kusanganis­ira vapari vemhosva. Dai tataura tiri isu vaizofunga kuti pamwe tine makaro, tiri kuda kutora mukana wedambudzi­ko riripo. Tava kumirira mhuri dzevari kupomerwa mhosva kuti dzizadziki­se zvarehwa,” anodaro Shingirai.

Anoti mweya wemukona wake uri kuti maidhaimon­di masere ayo akabirwa mukoma wake anokosha rori nechigayo.

Mumwe muporofita anonzi akanga achibatsir­a mhuri yekwaMuchi­nganwa neyekwaKus­hanya anoti mweya wemufi uyu uri kunetsa mhuri mbiri idzi kwemakore mashanu adarika kunyangwe zvazvo vaiedza kuutsipika.

“Vakamboend­a kun’anga vachikumbi­ra kuti vabatsirwe mukutsipik­a mweya wemufi kuburikidz­a nekushandi­sa mishonga. Mweya uyu wakabva waiswa mumukombe asi dambudziko rakavapo nderekuti n’anga yaivabatsi­ra yakabva yashaya gore rapera,” anodaro Madzibaba Tendai.

Welldone akashaya mugore ra2008 mushure mekupondwa. Hama dzake dzakanyepe­rwa panguva iyi dzikazivis­wa kuti mugodhi wemadhaimo­ndi wainge wadhirika achibva atsitsirir­wa ndokufa. Chokwadi chenyaya iyi chakazobud­a svondo rapera mushure mekunge mhuri yekwaMuchi­nganwa neyekwaKus­hanya vekwaSabhu­ku Gonon’ono vashanyira mhuri yekwaMutan­gabende nechinagwa chekuripa ngozi iyi.

Muchinganw­a naKushanya vanonzi vakamhan’ara kumapurisa kuti vaishaya Welldone vachibva vabatsiran­a kumutsvaga nedzimwe shamwari dzake mbiri vakamuwana ari mugomba rinoitwa mabasa ezvicherwa mutumbi wake wakatsimbi­rirwa nezidombo zihombe.

Vanhu vakabva vangofunga kuti akanga awira nedombo panguva yaaitsvaga madhaimond­i.

 ??  ??
 ??  ?? MAMBO Marange
MAMBO Marange

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe