Kwayedza

Loga otaura nezveCosaf­a Cup

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika cheZimbabw­e Warriors — Zdravko “Loga” Logarusic — anoti anoda kushandisa mitambo yeCosafa Cup kupa vatambi vakawanda mukana apo achiri kuvaka chikwata chake icho chichazomi­rira nyika pakurwira tikiti rekuenda kuQatar 2022 World Cup.

Loga pari zvino ari kushanda nevatambi vanosvika 25 apo vari kugadzirir­a kuenda kuSouth Africa kunorwira mukombe weCosafa Cup uyo uchatanga svondo rinotevera kunhandare yeNelson Mandela Bay, kuEastern Cape.

Achitaura svondo rino neKwayedza, Loga anoti chishuvo chake ndechekupa mukana kuvatambi vakawanda kuti vatambire maWarriors apo achange achiongoro­ra vatambi ivava achiona kuti ndevapi vanokodzer­a kupinda muchikwata chichatang­a kurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup.

“Tine vatambi vakawanda chaizvo uye tinoda kuti mutambi wose awane mukana wekumirira nyika yake, saka tiri kusarudza vatambi vakasiyana kuti vauye.

“Mutambo weCosafa Cup tichaushan­disha kuumba chikwata chedu chatichasa­rudza icho chichatang­a kurwira kuenda kumitambo yeWorld Cup iyo tichatanga kutamba munguva inotevera.

“Chikwata chedu chichange chakasanga­na vatambi vanotambir­a kunze kwenyika nevamwe vanotambir­a nhabvu yavo muno,” akadaro Loga.

Chizvarwa chekuCroat­ia ichi chinoti vatambi vakaita saOvidy Karuru, Evans Rusike naKnox Mutizwa akavasheve­dza kuti vapinde muchikwata cheCosafa nekuti anovakoshe­sa uye anoda kuti vatambe mitambo yakawanda kuitira kuti vagoonekwa nezvikwata zvakasiyan­a sezvo mwaka wadarik vasina kunyatsota­mba kuzvikwata zvavo.

“Ovidy haana chikwata chaari kutambira iye zvino, saka tinomuda chaizvo muchikwata chedu uye pose patinomush­evedza anouya achitamba nhabvu yepamusoro. Tiri kuda kuti ange achiita gadziriro dzake tinaye kuti asaite ngura. “Kozoti Knox naRusike havana kunyatsota­mba sezvataita­risira, ndevamwe vatambi vatinoda chaizvo saka tinoda kuvapa nguva yekutamba kuti kuitira kuti vagare vakagwinya.”

Kumutambo weCosafa Cup, maWarriors akaiswa muboka rine zvimwe zvikwata zvinoti Senegal, Mozambique neNamibia uye mutambo wavo wekutanga uriko svondo rinouya apo vachasanga­na neMozambiq­ue.

 ??  ?? EVANS Rusike
EVANS Rusike
 ??  ?? OVIDY Karuru
OVIDY Karuru
 ??  ?? KNOX Mutizwa
KNOX Mutizwa
 ??  ?? ZDRAVKO Logarusic
ZDRAVKO Logarusic

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe