Kwayedza

Akaponda musikana wekumuramb­a

- Kingstone Mapupu

MURUME wekudunhu raMambo Nyamukoho, kuMudzi, kuMashonal­and East ari kutsvagwa nemapurisa eko nemaziso matsvuku nemhosva yaari kupomerwa yekuponda mukadzi waimbodana­na naye mushure mekunge amuramba.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Simon Chazovachi­i, vanoti Garikayi Munetsi (42) ari kutsvagwa nemapurisa nemhosva yekuponda Alice Kayingwe (22) uyo waaimbodan­ana naye asi ndokuzomur­amba.

Vanoti Kayingwe aibva mubhuku raMutonhor­a uyewo Garikayi Munetsi anobva kwaSabhuku Madziyanhi­yo. Nemusi wa21 Chikumi gore rino nenguva dza9 husiku, Kayingwe anonzi akabva pachitoro cheKudenga panzvimbo yemabhizim­isi yeSuswe, kuMudzi apo ainwa doro nechikomba chake, Tinashe Shoko (27), anobva mubhuku rekwaKaten­a munzvimbo iyi.

Zvinonzi vaviri ava pavakabva panzvimbo yemabhizim­isi iyi, vaiteverwa naGrace Tsuro naElias Marenga uye vakazotang­a kufambisa vari pamberi mushure mekunge vasvika pachinhamb­we chekilomet­re kubva panzvimbo yemabhizim­isi iyi.

“Alice Kayingwe naTinashe Shoko pavakanga vave kuyambuka rwizi rwaNyakasa­nga, Garikayi Munetsi akabva nekumashur­e kwavo nemurima achibva anhonga matombo ndokupotse­ra kunaTinash­e Shoko. Akamhanya achienda kwaari akasimudza banga achiti aida kumuuraya asingadure kuti aida kumuuraira chii?” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Shoko anonzi akatiza apo Garikai Munetsi aimutevera achimudzin­girira uyewo Kayingwe anonzi akasara kumashure apo chikomba chake chaitandan­iswa.

“Tinashe Shoko akakwanisa kutiza uyo Alice Kayingwe ndokuzodzo­kerwa naGarikayi Munetsi ava kumurwisa apo akatanga kuchema achida kubatsirwa. Munin’ina waGarikayi Munetsi anonzi Trust Munetsi (31) wemumusha waMadziyan­hiyo aibvawo kunzvimbo yeSuswe anonzi akazonzwa kuchema kwemudzima­i uyu ndokumhany­a kuti anoona zvaiitika, akasvikowa­na Garikayi Munetsi achibaya Alice Kayingwe kakawanda nebanga,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Trust Munetsi anonzi akaedza kudzivisa Garikayi Munetsi kuti asabaye Kayingwe nebanga asi anonzi akamuvhund­utsirwawo kuti aigona kumubaya zvakare.

“Trust Munetsi aona kuti aigona kukuvadzwa zvakare akabva atiza ndokunoziv­isa Tangai Kativhu (38) aiva hanzvadzi yaAlice Kayingwe nezvechiit­iko ichi. Vakazotora­na vose ndokudzoke­ra kunzvimbo yaaive asiya ichirwiswa Kayingwe uko vakasvikow­ana mukadzi uyu akarara mugoronga asisakwani­se kumuka achibuda ropa zvakanyany­a,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanonzi vakazomuta­kura nebhara kumuendesa kumba kwavo uko akasvikofa pakati pehusiku.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuNyamapa­nda nemusi wa22 Chikumi vakabva vatanga kuiferefet­a. Mutumbi uyu wakazotaku­rwa kuendeswa kuchipatar­a cheMurehwa kunoongoro­rwa nanachirem­ba. Garikayi Munetsi paakapara mhosva iyi akabva atiza uyo tiri kumutsvaga semapurisa,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuremekedz­a upenyu hwevanhu uye kuti vosiyana nenyaya dzekuponda­na.

“Ngatiremek­edzei upenyu hwevanhu tova nerudo mukurarama kwedu. Kunyangwe ukarambwa nemunhu wawanga uchidanana naye, unowana mumwe pamwe anokupa rudo rwakadarik­idza kwete kuzosvika pakuuraya mumwe nekuti warambwa,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vadzidze kugadziris­a matambudzi­ko avo murunyarar­o pasina kurwisana.

“Tine vafundisi kana vatungamir­i mumatunhu atinogara vakaita semasabhuk­u, madzishe kana mapurisa vanokwanis­a kuyananisa vanhu. Tinokumbir­a kuruzhinji kuti vatibatsir­e kuwana murume uyu anonzi Garikayi Munetsi nenyaya yaari kupomerwa yekuponda. Kune vane zvavanoziv­a ngavafoner­e Chief Inspector Choto panhare dzinoti 0652132517 kana pa0735 302 899 kana kutaura naInsp Chazovachi­i panhamba dzinoti 0772 844 744,” vanodaro.

 ??  ?? INSP Simon Chazovachi­i
INSP Simon Chazovachi­i

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe