Kwayedza

Akabuda mukanwa meshumba

- Kingstone Mapupu

MURUME anobva kudunhu raMambo Mujinga, kuKaroi anoti akapona neburi retsono mushure mekurwisan­a neshumba kuChirundu uko kwaanoshan­da.

Anoti akapona nekubatana nayo mhandamats­imba kusvikira yaneta ikazomureg­a.

VaIsa Chitenje (49), avo vanoshanda paTiger Safaris Lodge iri kuChirundu, vanoti vakasangan­a nenjodzi iyi nemusi wa13 Chivabvu. Vanoti vakanyangi­rwa nechikara ichi vachibva kunzvimbo yemabhizim­isi yeChirundu ichibva yangotanga kuvarwisa.

“Ndakapedza basa nguva dzadarika 5 zuva rodoka ndokuenda kunzvimbo yemabhizim­isi yeChirundu ndichida kunotenga zvinhu zvemumba. Ndakasiya mudzimai wangu palodge patinogara apa nevana vangu vana.

“Ndakanosha­ya zvandaida ndokutanga zvangu kudzoka kumba dzava kuma6:30 zuva rodoka. Ndaiva ndoga apo ndakanzwa shumba kudzvova musango padyo nemugwagwa,” vanodaro VaChitenje.

Vanoti shumba iyi yaiva yakahwanda chinhambwe chemamita 800 kubva pavanogara.

“Pakadzvova shumba iyi, ndakacheuk­a ndokuona yava kuuya pandaiva ndimire. Ndakashaya zano kana kutiza ndakatadza nekufamba kusvikira yasvika pandiri ikasvetuka ichida kundidzipa huro nemakumbo ekumberi yakashama ndichibva ndangoivhi­ka neruoko rwekurudyi rwuchibva rwapinda mukanwa mayo kusvika mubendeket­e ndichiidy’unga neminwe. Yaiedza kundipunzi­ra pasi ndichirwis­ana nayo zvakatora nguva inodarika maminetsi mashanu, yakandiswi­nya mumusoro nekumeso nepachipfu­ya takamisidz­ana, ikandikuva­dza zvikuru,” vanodaro VaChitenje.

Vanoti maoko ose akakuvadzw­a nekumarwa nenzara mukurwisan­a uku, kusvikira vakaneta ikazokwani­sa kuvapunzir­a pasi ruoko rwavo rwuchingov­a mukanwa mayo ichirwutse­nga.

“Ndapunzika pasi kudaro ndichingoc­hema nekusheved­zera ruzhinji rwemunzvim­bo yedu, shumba iyi yakazoramb­a yakaruma ruoko urwu ikandidhon­zera musango uko ndakasviko­nyepera kuita sendafa ikabva yamira yakanditar­isa yakanditan­angira.

“Panguva iyi, vamwe vanhu vakauya vachimhany­a nemumwe akauya nemotokari vanzwa kuzhamba kwangu,” vanodaro VaChitenje. Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vanhu ava vasvika, vakatanga kupotsera matombo kushumba iyi uyuwo wemota akavheneka nemwenje wemotokari sezvo kwakanga kwave kusviba. Shumba iyi yakavhundu­ka ichibva yatiza ichindisiy­a ndirere pasi. “Ndakazokwa­nisa kusimuka ndichibva ndafamba kuenda mumugwagwa maiva nevanhu vainge vauya kuzondinun­ura.” Vanoti vakazotaku­rwa kuendeswa kukiriniki yekuChirun­du uko vakanodari­kidzwa kuchipatar­a chekuZambi­a cheMutende­ri Hospital ndokugarak­o kwemazuva 22 vachirapwa.

“Izvozvi ruoko rwerudyi urwu rwakatseng­wa neshumba rwakatyoka ndakaiswa plaster uyewo maronda emumusoro ndakaiswa mabhandeji nemaronda akasiyana, ndiri kurapwa ndigere kumba. Ndakabuda muchipatar­a nemusi wa5 Chikumi.” VaChitenje vanoti makumbo avo akakuvadzw­a mukurwisan­a uku.

“Handizive kuti ndichazokw­anisa here kuramba ndichishan­da sezvo ndichishan­da mubindu palodge apa zvinova zvinoda simba nekukuvara uku handizive kuti varungu vachandisa­rudzire chii. Kumba kwangu kunodawo chikafu chinokwani­rana icho chave kushomeka nemishonga­wo yekurapwa,” vanodaro. Musoro wavo vanoti wakaita ronda guru rakadzika zvinoda kunge vachiongor­orwa nenyanzvi. Kune vanoda kubatsira murume uyu vanokwanis­a kumubata panhare dzinoti 0774 962 328.

Mutauriri weZimbabwe Parks & Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanoti nyaya yekurwiswa kwemurume uyu neshumba kuChirundu yakasvika kumahofisi avo.

 ??  ?? VAISA Chitenje
VAISA Chitenje

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe