Kwayedza

Unoudzwa neakakwira churu here?

-

KUBVA kutanga kwegore rapera, Zimbabwe — sezviri kungoitwa nedzimwe nyika dzepasi rose — iri kushingair­a kurwisa chirwere cheCovid-19.

Hurumende, yakabatana nemapoka akasiyana, iri kuita zvirongwa zvakawanda izvo zvakananga kumisa kupararira kwehutachi­wana hwecoronav­irus uhwo hunokonzer­a Covid-19.

Matanha ari kutorwa nekusimbar­adzwa aya anosangani­sira kuti vanhu vose vanofanirw­a kupfeka mamasiki nguva dzose kana vari panzvimbo yeruzhinji, kukoshesa hutsanana nekugeza maoko nesipo nemvura inochururu­ka kana kuzora mushonga unodaidzwa kuti sanitiser uye kusaungana kana kusaita chitsokots­oko nguva dzose.

Pamusoro peizvi, Hurumende yashandisa mari yakawanda zvikuru mukuona kuti mishonga yemajekise­ni kana kuti nhomba iyo inodziviri­ra munhu kubatwa neCovid-19 yatengwa kunze kwenyika sekuChina.

Zvinofanir­wa kuzivikanw­a kuti majekiseni aya haarape Covid-19 asi anobatsira kuderedza huturu hwechirwer­e ichi kana chikazobat­a munhu.

Chinangwa chematanho ose aya ndekucheng­etedza utano neupenyu hweruzhinj­i. Naizvozvo zvingatosh­amisa kuona kana kunzwa munhu anoti haazive nezvematan­ho ose aya uye kuti Covid-19 tinayo munyika muno zvekare iri kuuraya vanhu.

Asi variko vamwe vasingango­da kuterera – nhinhi dzinoda kutamba neupenyu.

Unotoona munhu akapfeka masiki pachirebvu kana kuirembedz­a sezvinonzi itayi.

Vanhu vachiri kungoungan­a kunyanya vemachechi echiposito­ri nevamwewo. Utsanana chaihwo hahusi kutevedzwa nevamwe, vamwewo vachiti vari kuiswa parumananz­ombe nemakanzur­u asingavawa­nise mvura yakachena.

Asi hakuna asiri kuziva kuti Covid-19 yapedza kuuraya vanhu – zvisinei nekuti vakamira sei muupenyu.

Wozvishair­wa pazvo kuti vamwe vanhu vanoda kuudzwa neakakwira churu here kuti chirwere ichi chakaipisi­sa uye chapedza vanhu pasi rose? Kana kuti vanototere­ra kana zvataurwa neakaisa demo pafudzi? Vanhu ngatidzidz­e kukoshesa upenyu nekuti hahutengwi kunge mbatya kana chikafu muchitoro.

Masiki haipfekwe zvakanaka nekuti waona mupurisa, asi kuti ndeyekuche­ngetedza upenyu neutano hwako neruzhinji.

Ko inga hairwadze kupfeka wani.

Ukaona asina kupfeka masiki iwe usabatwe nedhimoni rekutevedz­era. Mubatsire nekumuudza chokwadi – kana kumusiya akadaro nekuti upenyu ndehwake.

Iwe pachako ingoona kuti waita zvinodiwa kwete kutevedzer­a zvakashata zvinoitwa nanhingi.

Zviya zvekumirir­a kuti Hurumende ichati yati hazvina zvazvinoba­tsira. Iwewe ndiwe hurumende pachako.

Iva hurumende mumba mako, kubasa kwako nekwose kwauri pane kumirira kuti utomanikid­za kana kuisirwa mutemo neHurumend­e. Zvimwe zvinoda kuti ungozvifun­gira wega pasina kumanikidz­wa. Upenyu ndehwako iwewe pachako saka hukoshese.

Pfekai mamasiki vanhu veZimbabwe!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe