Unoudzwa neakakwira churu here?
KUBVA kutanga kwegore rapera, Zimbabwe — sezviri kungoitwa nedzimwe nyika dzepasi rose — iri kushingaira kurwisa chirwere cheCovid-19.
Hurumende, yakabatana nemapoka akasiyana, iri kuita zvirongwa zvakawanda izvo zvakananga kumisa kupararira kwehutachiwana hwecoronavirus uhwo hunokonzera Covid-19.
Matanha ari kutorwa nekusimbaradzwa aya anosanganisira kuti vanhu vose vanofanirwa kupfeka mamasiki nguva dzose kana vari panzvimbo yeruzhinji, kukoshesa hutsanana nekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka kana kuzora mushonga unodaidzwa kuti sanitiser uye kusaungana kana kusaita chitsokotsoko nguva dzose.
Pamusoro peizvi, Hurumende yashandisa mari yakawanda zvikuru mukuona kuti mishonga yemajekiseni kana kuti nhomba iyo inodzivirira munhu kubatwa neCovid-19 yatengwa kunze kwenyika sekuChina.
Zvinofanirwa kuzivikanwa kuti majekiseni aya haarape Covid-19 asi anobatsira kuderedza huturu hwechirwere ichi kana chikazobata munhu.
Chinangwa chematanho ose aya ndekuchengetedza utano neupenyu hweruzhinji. Naizvozvo zvingatoshamisa kuona kana kunzwa munhu anoti haazive nezvematanho ose aya uye kuti Covid-19 tinayo munyika muno zvekare iri kuuraya vanhu.
Asi variko vamwe vasingangoda kuterera – nhinhi dzinoda kutamba neupenyu.
Unotoona munhu akapfeka masiki pachirebvu kana kuirembedza sezvinonzi itayi.
Vanhu vachiri kungoungana kunyanya vemachechi echipositori nevamwewo. Utsanana chaihwo hahusi kutevedzwa nevamwe, vamwewo vachiti vari kuiswa parumananzombe nemakanzuru asingavawanise mvura yakachena.
Asi hakuna asiri kuziva kuti Covid-19 yapedza kuuraya vanhu – zvisinei nekuti vakamira sei muupenyu.
Wozvishairwa pazvo kuti vamwe vanhu vanoda kuudzwa neakakwira churu here kuti chirwere ichi chakaipisisa uye chapedza vanhu pasi rose? Kana kuti vanototerera kana zvataurwa neakaisa demo pafudzi? Vanhu ngatidzidze kukoshesa upenyu nekuti hahutengwi kunge mbatya kana chikafu muchitoro.
Masiki haipfekwe zvakanaka nekuti waona mupurisa, asi kuti ndeyekuchengetedza upenyu neutano hwako neruzhinji.
Ko inga hairwadze kupfeka wani.
Ukaona asina kupfeka masiki iwe usabatwe nedhimoni rekutevedzera. Mubatsire nekumuudza chokwadi – kana kumusiya akadaro nekuti upenyu ndehwake.
Iwe pachako ingoona kuti waita zvinodiwa kwete kutevedzera zvakashata zvinoitwa nanhingi.
Zviya zvekumirira kuti Hurumende ichati yati hazvina zvazvinobatsira. Iwewe ndiwe hurumende pachako.
Iva hurumende mumba mako, kubasa kwako nekwose kwauri pane kumirira kuti utomanikidza kana kuisirwa mutemo neHurumende. Zvimwe zvinoda kuti ungozvifungira wega pasina kumanikidzwa. Upenyu ndehwako iwewe pachako saka hukoshese.
Pfekai mamasiki vanhu veZimbabwe!