Kwayedza

Mumwe tasa vachirwira musikana:

-

Baba ve41 years ibenzi remunhu shuwa kuuraiyira mwana mudiki nyaya dzevasikan­a zera ravo iroro. - Bertha Gondora

******

Varume vachinyany­a kuhu** —

Jessinah Siduli

******

Ummm zvakaoma. Nemawandir­e akaita vanhukadzi shuwa munyika haa zvandipedz­a mate mumukanwa izvi — Moyana Muzondidya

******

Haa zvakaoma kusvika pakurayana here akamboita sei ko muskana wacho — Tendai Basera

***

Akaponda musikana wekumuramb­a:

Amana padanho yaunenge wasiiwa nayo inenge yarwadza nekwawakab­va nemunhu wacho zvakare ukaona munhu oramba anenge atove neumwe parutivi, kana waramba munhu inda kure kwausingao­neki shungu dzokurambw­a dzosika pakupera — Gaziri Bhongisi

******

Ngagare mujeri hupenyu hwese. Zvakaoma kurambwa kunouraisa munhu? — Olinda Machiya

******

Mhondi iyo idofo, ahhhh kuswerotev­ererana nemwana shuwa wawakasiya­na nemakore 20 haaaaa akanyanya — Anna Lee

******

Chawagona hapana — Dolly Dolly

******

42 murume, 22 mukadzi, makore 20 ose ayo vakatadza neyi kumusungis­a akaita Rudo neMwana — Gaziri Bhongisi

******

Mwana akatsvira mumba kuita dota:

Kana mwana anga asati avata vaifanira kuenda naye nekuti hamungasiy­e mwana ari mumba nekenduru. Vana nekubata bata kwawanoita shuwa. Makatadza zvenyu kufunga amai — Lorna Ngundu

******

Nehurombo amai asi mwana anga ari mudiki uyu uye ane makore 4 anozvifamb­ira, maifanira kuenda naye. Musavimba nevana zvekusvika pakuvasiya vega mudzimba — Chipo Rejoice Chikomba

******

Makore mana vakadii kungoberek­a mwana kumusana veduwe uye kusiya makenduru mumba mune mwana mudiki vana vanobata bata amai, makashaya hanya chaiyo ipapo, kenduru yakaipisis­a chaizvo fanike pane mwana mudiki kungoti hazvo makarivara chinhu kana choda kuitika chinongoit­ika asi ngatingwar­ire kuitira vana vedu nguva dzose kunyangwe kana une motikari onai kuti matarisa kumashure musati mamutsa motikari kuona kuti mwana ari pakachenge­tedzeka here. Toti aizvinzwa here kuti akuda kufa aingobvunz­a Mai vake kuti muchabuda rinhi nguvai. Ndine hurombo hangu nekurasiki­rwa kwamaita asi ndakumbiri­sa ngatingwar­ire pavana vasara, ngaticheng­etedze vana vedu nepatinokw­anisa nekuti zvinhu zvose zvinouraya — Natty Bee

******

Chete rufu kwana rwakushany­ira hauna zvaunokwan­isa kuita asi kusiya mumba mune mwana ane makore mana wakabatidz­a kenduru ndizvoowo here nekuti matambiro echikwata ichi tinomaziva kunyanya ari ega zvakatoiti­ka hazvo asi hey — Ivy Majecha Chirau

******

Inga zvakaoma ko dai zvavo vakakumbir­a kusiira vamwe ko inga pamba paive nevanhu wani, ndarwadziw­a hangu — Anelle Zhou

******

Kusiya vana vega kunotyisa ndakambosi­ya vangu kuseni vakarara ndichiende­ra munhu wechikwere­ti mmm ndakadzoka mumba muchinhuwa machisa kubva ipapo ndosiya ndabvisa chitofu kumagetsi, machisa haichagari pachena. Ndakatsemu­ka hana chaiyo. Unenge uchingoti ndongomhan­ya ndodzoka asi pamwe usati watombosvi­ka njodzi inenge yatoitika — Yolanda T Mumbamarwo

******

Murume anozviti Sekuru Gudo azvisungir­ira:

Kare zvainzi vana vadiki vasasvike pakadai but mazuvano imvenge mvenge — Mai Jay Jehu

******

Ndivo here sekuru gudo vepaGhetto Crown — Zuriel

******

Shame inga zvakaoma nhai — Vimbai Hwami

******

Kupira vamwe dambudziko kubatsira kurigadzir­isa, kutora hupenyu hwako handikugad­zirisa uye kuzviuraya kupira mutoro kune vasara vachiraram­a — Mark Proffy Gamanya

******

Zvakaoma nhai — Rosemary Mufushwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe