Mumwe tasa vachirwira musikana:
Baba ve41 years ibenzi remunhu shuwa kuuraiyira mwana mudiki nyaya dzevasikana zera ravo iroro. - Bertha Gondora
******
Varume vachinyanya kuhu** —
Jessinah Siduli
******
Ummm zvakaoma. Nemawandire akaita vanhukadzi shuwa munyika haa zvandipedza mate mumukanwa izvi — Moyana Muzondidya
******
Haa zvakaoma kusvika pakurayana here akamboita sei ko muskana wacho — Tendai Basera
***
Akaponda musikana wekumuramba:
Amana padanho yaunenge wasiiwa nayo inenge yarwadza nekwawakabva nemunhu wacho zvakare ukaona munhu oramba anenge atove neumwe parutivi, kana waramba munhu inda kure kwausingaoneki shungu dzokurambwa dzosika pakupera — Gaziri Bhongisi
******
Ngagare mujeri hupenyu hwese. Zvakaoma kurambwa kunouraisa munhu? — Olinda Machiya
******
Mhondi iyo idofo, ahhhh kuswerotevererana nemwana shuwa wawakasiyana nemakore 20 haaaaa akanyanya — Anna Lee
******
Chawagona hapana — Dolly Dolly
******
42 murume, 22 mukadzi, makore 20 ose ayo vakatadza neyi kumusungisa akaita Rudo neMwana — Gaziri Bhongisi
******
Mwana akatsvira mumba kuita dota:
Kana mwana anga asati avata vaifanira kuenda naye nekuti hamungasiye mwana ari mumba nekenduru. Vana nekubata bata kwawanoita shuwa. Makatadza zvenyu kufunga amai — Lorna Ngundu
******
Nehurombo amai asi mwana anga ari mudiki uyu uye ane makore 4 anozvifambira, maifanira kuenda naye. Musavimba nevana zvekusvika pakuvasiya vega mudzimba — Chipo Rejoice Chikomba
******
Makore mana vakadii kungobereka mwana kumusana veduwe uye kusiya makenduru mumba mune mwana mudiki vana vanobata bata amai, makashaya hanya chaiyo ipapo, kenduru yakaipisisa chaizvo fanike pane mwana mudiki kungoti hazvo makarivara chinhu kana choda kuitika chinongoitika asi ngatingwarire kuitira vana vedu nguva dzose kunyangwe kana une motikari onai kuti matarisa kumashure musati mamutsa motikari kuona kuti mwana ari pakachengetedzeka here. Toti aizvinzwa here kuti akuda kufa aingobvunza Mai vake kuti muchabuda rinhi nguvai. Ndine hurombo hangu nekurasikirwa kwamaita asi ndakumbirisa ngatingwarire pavana vasara, ngatichengetedze vana vedu nepatinokwanisa nekuti zvinhu zvose zvinouraya — Natty Bee
******
Chete rufu kwana rwakushanyira hauna zvaunokwanisa kuita asi kusiya mumba mune mwana ane makore mana wakabatidza kenduru ndizvoowo here nekuti matambiro echikwata ichi tinomaziva kunyanya ari ega zvakatoitika hazvo asi hey — Ivy Majecha Chirau
******
Inga zvakaoma ko dai zvavo vakakumbira kusiira vamwe ko inga pamba paive nevanhu wani, ndarwadziwa hangu — Anelle Zhou
******
Kusiya vana vega kunotyisa ndakambosiya vangu kuseni vakarara ndichiendera munhu wechikwereti mmm ndakadzoka mumba muchinhuwa machisa kubva ipapo ndosiya ndabvisa chitofu kumagetsi, machisa haichagari pachena. Ndakatsemuka hana chaiyo. Unenge uchingoti ndongomhanya ndodzoka asi pamwe usati watombosvika njodzi inenge yatoitika — Yolanda T Mumbamarwo
******
Murume anozviti Sekuru Gudo azvisungirira:
Kare zvainzi vana vadiki vasasvike pakadai but mazuvano imvenge mvenge — Mai Jay Jehu
******
Ndivo here sekuru gudo vepaGhetto Crown — Zuriel
******
Shame inga zvakaoma nhai — Vimbai Hwami
******
Kupira vamwe dambudziko kubatsira kurigadzirisa, kutora hupenyu hwako handikugadzirisa uye kuzviuraya kupira mutoro kune vasara vachirarama — Mark Proffy Gamanya
******
Zvakaoma nhai — Rosemary Mufushwa