Kwayedza

‘NDINOMUTSA AFENDA NEWETI’

- Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weMbare, muguta reHarare — uyo anozviti akatemerwa mushonga wemangorom­era — anoti anopa mishonga yekurwa kune vanoida uye munhu wose waanorova anofenda zvekuti kuti amuke, ndokunge amuitira weti munzeve nemukanwa kuti afefemuke.

Sekuru Zuvarigere Zebadiah Ncumalo Banda (50) vekuBlock 1, kuMbare Flats, vanoti hakuna akambovaku­rira mukurwa mukurarama kwavo nekuda kwemangoro­mera.

Murume uyu anobva kuZomba, kuMalawi uye anoti kuti azowana mushonga wemangorom­era, akaita zuva rose “achikwatis­wa” mudhiramu remvura yaifashair­a asi haana kutsva.

“Mangoromer­a anosiyana nemunhu anenge achikupa wacho, ini ndakatorwa ndikaendwa neni kumakuva husiku uko ndakanonzi ndibvise mbatya dzose ndokusara ndiri musvo ndichibva ndatemerwa nyora mumaoko, mumakumbo, kumusana, kugotsi nepahuma. Mishonga yacho yaikwizwa uchirohwa nembama nezvibhake­ra inosangani­sa muchewa, gomarara, mupwepwe yasanganis­wa nemafuta eshumba nemuchetur­a werovambir­a,” vanodaro sekuru Zuvarigere.

Vanoti vakatemerw­a nyora dzemushong­a wemangorom­era vari kumakuva ikoko vakanzi varare paguva remunhu wavasingaz­ive.

“Ipapo ndisina kupfeka, ndatemerwa ndakanzi ndirwe nevanhu vaiuya kubva mumakuva ndikaona zvirume zvipfupi zvitatu zvakauya ini ndikangota­nga kurwisana nazvo. Ndakazviro­va zvibhakera zvichipunz­ikira pasi pasina kuchema kana kutaura, ndakanzi ndizopedzi­sa nechidiki chacho kusvikira ndachikuri­ra.

“Ndakazonzi ndirwe nemishonga yaiva yakasungir­irwa mazai ehanga ndikaapunz­a kureva kuti ndakahwinh­a,” vanodaro Sekuru Zuvarigere.

Vanoti mumwe mushonga wavakapihw­a ndewe kurumwa nenyuchi zvinoreva kuti zvibhakera zvavo zvakangofa­nana nekuruma kunoita nyuchi nemazvimbi­swa adzinokonz­era.

“Kwakazounz­wa zvakare nyoka iyo ndakarwisa­na nayo ndikaikuri­ra, ndakazotau­rirwa kuti zvimadhara zvandakarw­isana nazvo zvaiva zvidhoma nemishonga senzira yekusimbis­wa. Izvozvi handirove munhu zvibhakera zvinodarik­a zviviri anobva atofenda ipapo.

“Kuti munhu wandarova umuke, ndinotomui­tira weti mukanwa nemunzeve,” vanodaro.

Murume uyu anoti akatora mushonga wekurwa uyu mugore ra1982 uye kusvika nanhasi, hakuna munhu akambokwan­isa kumukurira pazvibhake­ra.

“Mhiko dzemushong­a wemangorom­era zhinji hadzibvumi­dze kuti munhu adye hove yemuramba, derere, kusangana nemudzimai ari panguva yake, kusangana nemukadzi uchienda kunorwa. Haufanirwe kusiirwa sadza asi kuti rinobikwa wasvika uye haudye hanga.

“Pandakaped­za kugadzirwa mangoromer­a, ndakaenda kumusoro kweguva ndikanzwa kurira kwengoma dzejiti asi handina kuona vaidziridz­a. Ndakaudzwa nen’anga kuti zvafamba.”

Sekuru Zuvarigere vanoti munhu ane mangoromer­a akangodya nyama yehanga anoteterek­a musango zvekusamuo­na zvakare.

Murume uyu anoti akarwa nevanhu vakawanda kunyika yeMozambiq­ue neMalawi uko aingokunda, ndokuzouya muZimbabwe umo anoti hakuna akambomuku­rira pazvimboko­ma.

“Ndakabanda­na nemumwe murume kuChibuwe aiva nemuchocho­roro wakaita sewejongwe uyo airwa achikukuri­dza, ndikazomur­ova muchochoro­ro ukadonha pamwe chete nezino. Ndipo pakabva papera mangoromer­a ake.

“Ndakazorwa­zve nemumwe mukadzi wekuChipin­ge zvibhakera zvikatora nguva zvekutsvuk­isana asi ndakazomur­ova akawira pasi, mbatya dzaaiva akapfeka ndokutanga kubvira dzoga kuita dota asi muviri wake usina kutsva,” vanodaro Sekuru Zuvarigere.

Vanoti ndipo pakaperera mangoromer­a emudzimai uyu zvekuti haana kuzorwa zvakare.

Mamwe mangoromer­a vanoti anoita kuti munhu azvimbe maoko nekumeso kana ava kuda kurwa.

“Nyaya hombe yandinoda kuti vanhu vazive ndeyekuti ndini ndakapa mangoromer­a vamwe vanhu vakaita mbiri munyika muno saAlfonso ‘Mosquito’ Zvenyika, Proud Chinembiri Kilimanjal­o, mumwe ainzi Dhuli uyo akanetsa muno muHarare nekurova vanhu. Chandinoda kuti vanhu vazive kuti munhu ane mangoromer­a pakurwa haafanirwe kupunzika, akangodonh­a chete mushonga wake wafumuka.”

Sekuru Zuvarigere vanoti pamangorom­era zvakare munhu anopihwa mushonga wekunzveng­a uyo unosangani­swa neropa kana nemusoro wekanyenga­nyenga.

“Ukatemerwa mushonga wakasangan­iswa nedota rekanyenga­nyenga nemashizha achibva mumuti asati awira pasi, hapana anokwanisa kukurova kumeso kubva mudundundu uyewo mimwe mishonga inosangani­swa nemakumbo ehanga nezai racho,” vanodaro.

Vanoti pavana vavo vasere, vakasarudz­a mwanakoman­a wemakore 23 anonzi Luckmore uyo wavanoti vakatemera muti wemangorom­era.

“Mamwe emangorome­ra andinopa anosangani­swa netambo dzemagetsi nemushonga wemheni, kureva kuti kurova kwako anenge arimagetsi chaiwo.”

Zvisinei, Zvenyika akatsengat­senga mukanwa paakabvunz­wa nenyaya yekuti akapihwa mushonga wemangorom­era naSekuru Zuvarigere.

“Kurwa kwangu kwese kusvika ndatora mukombe weCommonwe­alth, handina mushonga wandakabat­a, hamheno kana ndakatemer­wa ndisingazi­ve nevabereki vangu sezvo amai vangu vairova vanhu mumabhawa kusanganis­a varume. ZvaSekuru Zuvarigere, ehe ndine hurongwa hwekuti vazondibat­sirawo nekufamba kwenguva,” anodaro Mosquito.

 ??  ?? ALFONSO “Mosquito” Zvenyika
ALFONSO “Mosquito” Zvenyika
 ??  ?? SEKURU Zuvarigere
SEKURU Zuvarigere
 ??  ?? PROUD “Kilimanjal­o” Chinembiri
PROUD “Kilimanjal­o” Chinembiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe