Kwayedza

Chimwe chikomba tasa

- Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vainwa doro mune rimwe bhawa riri pakomboni yepamugodh­i kuKadoma, kunharaund­a yeMashonal­and West, vanonzi vakakakava­dzana nekuda kweshamwar­ikadzi zvekusvika pakusara mumwe wavo afa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Inspector Magarate Chitove, vanoti izvi zvakaitika pakomboni yepaJiki Mine iri papurazi reMayflowe­r, kuKadoma munguva pfupi yakadarika.

“Tine murume wemakore makumi maviri ekuzvarwa uyo akapondwa nekurohwa netsvimbo nemurume ane makore 41 apo vaviri ava vairwira musikana,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti ari kupomerwa kuponda mumwe ndiWillard Sikweleti (41) uyo anozivikan­wa kunzvimbo iyi saWidzo uye nyakufa anonzi Tinashe Jonasi (20).

Vaviri ava vanonzi vakatanga kunetsana nekuda kwemusikan­a uyo vanonzi vaidanana naye vose, Sikweleti achinzi ndiye akatanga kurova Jonasi uyo akaedza kutiza ndokubva amumhanyis­a netsvimbo iyo akamurova nayo mumusoro katatu.

“Jonasi nekuda kwekurohwa uku, akazopunzi­kira pasi ndokukuvar­a maronda akadzika mana achibva abuda ropa zvakanyany­a. Wayne Masanje (35) wekuRimuka, ikoko kuKadoma akazobatsi­ra kutakura mufi uyu kuti vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Willard Sikweleti asungwe,” vanodaro Insp Chitove.

Tsvimbo yakashandi­swa mukupondwa kwemufi uyu nechitupa chemuchaka­bvu zvakawanik­wa panzvimbo yakaponder­wa Jonasi.

“Mapurisa edu akachenget­a murume uyu Willard Sikweleti vachifambi­ra mberi nekufeya nyaya iyi, mutumbi wemufi uchibvawo wazoendesw­a kuchipatar­a cheKadoma kunoongoro­rwa uye wakawanikw­a uine maronda mana mumusoro,” vanodaro Insp Chitove.

Vanokurudz­ira vanhu kuti varemekedz­e upenyu vosiyana netsika yekurovana nekupondan­a.

 ??  ?? INSP Magarate Chitove
INSP Magarate Chitove

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe