Kwayedza

Mwana (4) akatsva kuita dota

- Muchaneta Chimuka

MWANA ane makore 4 ekuberekwa akatsva zvekuita dota muimba inorojwa nevabereki vake mumusha weUnit O Extension, kuChitungw­iza, mushure mekunge asiiwa areremo naamai vake apo vaitevera mari dzezvikwer­eti zvedovi ravo munguva dzemanheru.

Moto uyu unonzi wakakonzer­wa nekenduru yakasiiwa yakabatira naamai ava manheru emusi weChitatu svondo rapera sezvo kwainge kusina magetsi.

Kwayedza yakashanyi­ra mhuri iyi neMuvhuro uno, ikasvikowa­na vanhu vakaungana pamariro pamba apa.

Kenduru rekukonzer­a moto uyu rinonzi rakasiiwa rakabatira riri patafura naamai vemwana uyu, Precious Mudzingwa, avo vaironda zvikwereti zvazvo zvedovi ravanoteng­esa.

“Mwana wangu, Hillary Macheka (4) ndakabuda ndichimusi­ya arere ndakabatid­za kenduru sezvo magetsi kwanga kusina,” vanodaro Mai Mudzingwa.

Vanoti vakabuda vachienda kuzvikwere­ti ndokusiya mwana arere oga.

“Kune vanhu vaiva nezvikwere­ti zvemari yangu yedovi, mumwe US$5 mumwe US$7, saka ndivo vandainge ndafambira. Ndakashami­sika pandakadzo­ka kuona vanhu vakaungana mumugwagwa vachiti vari kuenda kumba kwaamai Hezi.

“Ndikabvunz­a kuti amai Hezi vekupi zvikanzi vamweso vanochena-chena asi vachiita zvemusika paTaita. Ndipo pandakavau­dza kuti ndini amai Hezi vacho asi handaiziva nezverufu rwavaitaur­a sezvo ndakasiya mwana wangu ari mupenyu.

“Takabva tangodunga­midzana tichiuya kumba asi pandakasvi­ka ndakanzwa mwana aichema ndikafunga kuti mwana angotsva bedzi apo aitochema mumwewo mwana wangu ane makore 7. Ndipo pandakazoz­iva kuti Hezi ainge atofa sezvo takadongor­era mumba tikaona dehenya remusoro riri pasimbi dzemetires­i dzainge dzasara mukutsva, akatsva zvekuita dota,” vanodaro.

Vanoti pavakasvik­a pamba, vanoona nezvekudzi­murwa kwemoto (firebrigad­e) vakanga vatouya asi moto wakanga watodzimur­wa nevanhu vemunharau­nda asi havana kuziva kuti mumba mainge muine mwana afiramo.

“VeZESA vakazoshev­edzwa ndokudzima magetsi uye mapurisa akange auyawo kuzoita ongororo,” vanodaro amai ava vachiratid­za kurwadziwa.

Vanoendera mberi vachiti havasati vava kiziva zuva ravachavig­a dehenya nedota rakasara pakatsva mwana uyu.

“Hatisati taziva kuti tichamurad­zika rinhi sezvo mapurisa nematikiti­vha vakauya vakati pane ongororo dzinoda kuitwa kuti paonekwe kuti mwana uyu haana kuitwa zvekupiswa here kana imwe firo.”

Kunze kwekufirwa, mudzimai uyu anoti ari kushushika­na zvekare nekuparara kwakaita midziyo yake yemumba inosangani­sira mubhedha, mbatya, chikafu, terevhizho­ni, gas tank, tafura, nharembozh­a, zvitupa nezvimwe uye nyaya dzekuzorip­ira varidzi vemba kamuri yemba yakaparara mudhuri, mahwindo, marata, tambo dzemagetsi nezvimwe.

“Varidzi vemba, Sirio Makondo nemudzimai wake Nelisa Kambeza, havapo pano asi pana amai vemukadzi, ndivo vanoona zvepano. Handisi kuziva kuti vachati kudii nekuparadz­a imba yavo kwandakait­a nekuti handisati ndataura navo, asi chokwadi ndechekuti imba yakaparara yose kubvira pamadziro. Iniwo nemhuri yasara yevakomana vaviri nemusikana mumwechete nemurume wangu hatichina pekutangir­a,” vanodaro.

Mbuya Patricia Chipazura (68), vanova amai vemuridzi wemba, vanoti pwere dzinoda kuchengete­dzwa.

“Mumwe muroja wepano akauya achiita sejee achiti amai Hezi maregedza kundibvisi­rawo mbatya dzangu panze ndobva arova musuwo, ndipo paakaridza mhere. Ini ndakafunga kuti pamwe aona nyoka ichibuda mumba ndopatakao­na kuti moto wainge watosimuka kuenda mudenga.

“Dai kusiri kuti mwana haana kufa ndaidai ndichitaur­a zvakapfuur­a apa nokuti machengete­rwo evana ava anga asina kumira mushe uye ndinodura chokwadi amai vacho aripo uyu (kureva Mudzingwa). Vana havadi kusiiwa voga.

“Vana havachenge­twe sembudzi, isu makare takakura tiine chengetedz­o yakasimba kwete kungoti mwana aenda kupiko iwe usingazive kwaanenge ari,” vanodaro.

Imwe hanzvadzi yemuridzi wemba, Clapperton Kambeva anoti, “Zvinorwadz­a kuti pamba pano paita rushambwa rwekufira mwana nekutsva uye midziyo yaparadzwa.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi vachikurud­zira veruzhinji kuti vachengete­dze vana, kunyanya pakuvadziv­irira kumoto.

Nguva pfupi yadarika, vamwe amai vekuMsasa Park, muHarare, nemwana wavo ane makore maviri ekuberekwa pamwe chete nemusikana webasa vakarasiki­rwa neupenyu apo imba yakatsva mushure mekunge kenduru rasiiwa richibaka pavakanora­ra.

 ??  ?? Vanhu vari parufu
Vanhu vari parufu
 ??  ?? Precious Mudzingwa
Precious Mudzingwa
 ??  ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe