Kwayedza

‘Vaimbi tava panguva yakaoma’

- Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitend­ero — Roe Makawa — anoti chirwere cheCovid-19 chakadzose­ra basa rake kumashure sezvo aive nehurongwa hwekutende­rera kunze kwenyika achinoridz­a mashoo pamwe nekushamba­dza nziyo dzake.

Kubva denda reCovid-19 rakatanga kuuraya vanhu vakawanda izvo zvakazotum­a kuti mashoo emagitare amiswe munyika ino pamwe nekune dzimwe nyika, vaimbi vazhinji kunyanya vemuno upenyu hwavo hwakasandu­ka sezvo vange vachiraram­iswa nemari dzavanosiw­ana kubva kumashoo.

Achitaura neKwayedza, Makawa anoti, “Sevaimbi, basa redu rakanganis­wa zvikuru nekuda kwekuuya kwakaita Covid-19 sezvo vazhinji kusanganis­ira ini, kuridza kunze kwenyika zvinhu zvatinotar­isira zvikuru. Asi zvose zvakakanga­niswa sezvo tange tisisatend­erwe kuenda kune dzimwe nyika.

“Sevanhu vanorarami­swa nemimhanzi, vamwe vedu vasvika pakuita mamwe mabasa asinei nezvemimha­nzi nekuti vari kutsvaga kuraramisa mhuri dzavo. Asi semunhu anenge apedza makore achishanda achinyora nziyo dzake uye achironga, unenge uchida chaizvo kuti ugowana pundutso kubva mubasa iri.

“Zvino zvose izvi zvakakanga­niswa nekuuya kweCovid-19.”

Makawa anoimba nziyo dzechitend­ero achisandis­a misambo yeMbaqana, House neSungura uye akatanga kubura rwiyo rwake mugore ra2015 urwo rwunonzi Bayethe ndokuzouya dambarefu Bayethe mugore ra2016.

Mamwe madambaref­u ake anosangani­sira Ulerato (2017), Sebawothe (2017), Kuphelele (2018), Mvumele (2019) neNgiyabon­ga (2020).

Nziyo dzaMakawa dzakaita mukurumbir­a dzinosanga­nisira So sweet, Reboka Jesu, Jaivha, Ngizohamba nawe naEemelela.

Akakwanisa kushanda nevamwe vaimbi vanosangan­isira Thembalami, Sebastain Magacha, Wellington Kwenda uye anoti anoyemura zvikuru vaimbi vanoti Mai Olivia Charamba naRebecca Malope wekuSouth Africa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe