Kwayedza

Kurwisa moto wesango munguva yeCovid-19

- Muchaneta Chimuka

ENVIRONMEN­TAL Management Agency (EMA) inoti iri kufadzwa zvikuru nebudiriro iri kuitwa pakurwisa moto wesango zvisinei nezvimwe zvimhingam­ipinyi zvairi kusangana nazvo mubasa iri nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Mwaka wemoto wesango muZimbabwe unotanga musi wa31 Chikunguru nekudaro varimi neveruzhin­ji vanokurudz­irwa kuti vatore matanho akasimba ekudziviri­ra moto uyu.

Mai Amkela Sidange, avo vanova environmen­tal education and publicity manager kuEMA, vanoti kuuya kwechirwer­e cheCovid-19 munyika muno pakutanga kwegore ra2020 kwakakanga­nisa mamwe ematanho aitarisirw­a kutorwa mukurwisa moto wesango mwaka uno.

“Gore rino, dingindira redu rinoti ‘Moto Yesango Nekuchenge­tedzwa Kwechikafu uye Goho’. Takaedza kuita zvirongwa zvekufundi­sa vanhu munharaund­a dzakatsauk­ana maringe nekurwisa moto wesango uye tichiri kuenderera mberi kunyangwe zvazvo tisingacha­kwanisa kuunganidz­a vanhu tichivapa mashoko nekuda kwekuti munyika mune chirwere cheCovid-19. Kuti vanhu vazive, pamwe pacho panenge pachida kuti vange vachiratid­zwa maitirwo azvo asi nekuda kweCovid-19 tiri kungoita zvakakodze­ra tichikoshe­sa utano hweveruzhi­nji,” vanodaro.

Mai Sidange vanoti nzvimbo dzavari kunyanya kutarisa mukurwisa moto wesango dzinosanga­nisira matunhu emaMashona­land neManicala­nd.

“Senzira yekurwisa Covid19, tiri kushandisa­wo dzimwe nzira dziri nyore dzinodered­za kusangana kwevanhu semasaisai eindaneti apo tinofundis­a vanhu nezvekuipa kwemoto wesango kuburikidz­a neFacebook, Twitter, WhatsApp, YouTube uye Instagram. Tine zvekare maWebsite nezvinyorw­a zvatinosha­ndisa mukukusha ruzivo rwekurwisa moto wemhando iyi,” vanodaro Mai Sidange.

Vanoti vari kushanda zvekare nemamwe mapoka anosangani­sira Forestry Commission, ZimParks, AGRITEX, Zimbabwe Republic Police (ZRP), Carbon Green, Firefight Trust,Troutbeck Hotel, Seed Co, NetOne, makanzuru ekumaruwa, vatungamir­iri vematunhu semadzishe nevechidik­i.

“Zvisinei nematambud­ziko atiri kusangana nawo, tiri kuona shanduko huru mukurwiswa kwemoto wesango mwaka uno kupinda zvatakanga tiri kufungira. Takapa magwaro ekuchenget­edzwa kwenharaun­da kumakamban­i anosvika 900 (Environmen­tal Protection Orders), kuvarimi, vanoroja, varidzi veminda nevanhu vari munharaund­a dzakatsauk­ana.

“Mumagwaro aya tinenge tichivaudz­a zvavanofan­ira kunge vachiteved­za mukuchenge­tedzwa kwenharaun­da musi wa30 Chikumi usati wasvika. Takaita zvekare misangano inosvika 2 800 munharaund­a dzakasiyan­a pamwe nekufundis­a vanhu kushandisw­a kwemarara kunopa pundutso sekugadzir­a manyowa emupfudze, kubika marara achigadzir­a mimwe midziyo semarara epurasiti ayo asingaori (biomass reduction), kucheka huswa vachipfiri­ra dzimba kana kuchengeta sechikafu chemombe,” vanodaro.

Mai Sidange vanokurudz­ira veruzhinji kuti vagadzire hwaro hwekuganhu­ra moto (fire guards) sezvo hwakakosha zvikuru kuti moto wesango usaenderer­e.

“Pazvirongw­a zvose zvatanga tichiita, takanga tichiteved­za mitemo yakatarwa neHurumend­e mukurwisa chirwere cheCovid-19 nekuona kuti nyika yagadzirir­a kurwisa moto wesango mumwaka wekupisa uyo watadongor­era. Vose vachawanik­wa vasingatev­edzeri zvatakavaf­undisa vane mikana yakakura yekusungwa zvichifamb­irana nemitemo iripo,” vanodaro Mai Sidange.

Kudzivirir­wa kwemoto wesango kwakakosha zvikuru zvichifamb­irana nezvirongw­a zveNationa­l Developmen­t Strategy 1 zviri maringe nekuchenge­tedzwa kwenharaun­da uye kuzadzikis­wa kwezvinang­wa zveVision 2030.

Gore rino, Zimbabwe ine donzvo rekuderedz­a moto yesango nechikamu che25 percent.

 ??  ?? Mai Amkela Sidange
Mai Amkela Sidange

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe