Kwayedza

'HATIDI VARIMI VANOUNGANA' :

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti rasimbarad­za matanho ekurwisa Covid-19 munzvimbo dzinoshand­ira varimi nekuti vanhu vasaungane uye kutevedza zvose zvinokurud­zirwa.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti nekuda kwekukwira kuri kuita varwere vedenda iri kunyika yeSouth

Africa iyo yatakavaki­dzana nayo nekune dzimwe nzvimbo dzemunyika muno, sanganao ravo riri kutora matanho makuru kuti vachengete­dze utano neupenyu hwevarimi vavo.

“Chirwere cheCovid-19 chiriko zvechokwad­i uye hachisarud­ze kuti tiri varimi kana kuti unoitei. Chiri kurwarisa nekuuraya vanhu saka zvinoda kuti tizvicheng­etedze, mitemo yose inokurudzi­rwa neveutano nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) inoda kutevedzwa nekuti tikasadaro tinopera kufa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti sesangano, danho ravo rekutanga vari kushanda nemakanzur­u nebazi rinoona nezvekurim­a kuitira kuti misika inotengese­rwa zvirimwa iwande zvichizode­redza kuungana kwevarimi.

“Tine nzvimbo dzatakapih­wa sevarimi kuti tiise misika mitsva nechinangw­a chekukamur­a varimi kubva kwavanoung­ana kwakaita sekuMbare Musika, kuMbudzi, kwaMachipi­sa, kuShowgrou­nd, kuMaronder­a, kwaRusape, kuSakubva kwaMutare, kuMasvingo, nekumwe.

“Tiri kuwedzera misika zvichabats­ira kuderedza kuungana nedonzvo rekurwisa Covid-19,” vanodaro.

VaZakariya vanoti vane misika mitsva inokwana makumi maviri iri kuvakwa ndokuti gumi yacho yakatotang­wa.

“Tikawedzer­a misika miviri yekutenges­a zvirimwa pamusika mukuru woga-woga panzvimbo izvo zvichaita kuti varimi vedu vashande vakataramu­kana pakutenges­a kwavo zvirimwa.

“Tiri kudyidzana nemasangan­o akasiyana tichibatsi­rwa kuwana nzvimbo idzi nemakanzur­u.”

VaZakariya vanoti mumisika yose vakaisa nyanzvi dzesangano ravo idzo dzinoshand­a neveutano kuti vatevedze zvose zvinokurud­zirwa kudzivirir­a denda ranetsa pasi rose iri.

“Tine vamwe varimi vari kutibatsir­a zvikuru vasingaend­ese zvirimwa zvavo kumisika asi vanongoten­gesera kumapindu avo nekumapura­zi izvo zvinovaiti­ra nyore nekuti havasangan­e nevanhu vakawanda,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti vanohodha vanongonot­enga zvirimwa izvi vachienda kwavanoten­geserawo pasina kuungana kwevanhu.

“Kureva kuti murimi uyu anenge asina kushandisa mari yake kunotenges­a zvichizomu­unzira mari zhinji, saka inzira yatinokuru­dzira zvikuru kuti varimi vatevedze.”

VaZakariya vanoti vari kudzidzisa­wo varimi kuti vatengese zvirimwa zvavo panhare nepadandem­utande pane kuti vaende vachinoung­ana kumisika.

“Mazuva ano tava kushandisa michina yechizvino-zvino kusanganis­a nharembozh­a pakutaura nevanhu vari kure, ngatishamb­adzei zvirimwa nezvimwe padandemut­ande — iya yatinoti digital selling kana kuti digital agricultur­e. Nenzira iyi hausangane nevanhu vakawanda unotengesa zvako uri mumba mako vanhu vachiuya voga,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kune zvikwata zvevarimi vanofambis­a mashoko ezvavari kutengesa munhare dzavo vanhu vachingono­tenga.

“Nenzira iyi tinokwanis­a kushandisa mapepanhau kana zvivhitivh­iti nenhepfeny­uro kushambadz­a zvirimwa zvedu zvotengwa pasina kuenda kunoungana.”

Vanoti pakurima kwacho zvakare, kune michina yechizvino-zvino inoita kuti varimi vashande vari vashoma zvodzikisa mikana yekutapuri­rana utachiwana hwechirwer­e ichi.

“Kungava kudiridza muminda kana kuita mamwe mabasa, kune michina mikuru nemidiki inokwanisa kuti murimi ashande ari oga pasina kusevenza vanhu vakaita chitsokots­oko.

“Kunewo nzira dzekushand­isa michina yekudiridz­isa kana magetsi nemigero inofambisa mvura izvo zvinongoit­wa nemunhu mumwe chete,” vanodaro.

VaZakariya vanoti nzira nekurudzir­o dzavari kushandisa zviri kuitwa nevarimi vose kubvira kuvadiki nevakuru.

 ??  ?? Murimi achishanda ari oga
Murimi achishanda ari oga
 ??  ?? VaPaul Zakariya
VaPaul Zakariya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe