Kwayedza

MaChevrons ogadzirira Bangladesh

- Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevr­ons chiri pakati pekuita gadziriro dzacho dzekuzosan­gana necheBangl­adesh mwedzi unotevera mumitambo mitatu yeOne-Day Internatio­nal (ODI), mumwechete weTest nemitatu yeTwenty20 Internatio­nal.

Mitambo yezvikwata zviviri izvi ichatanga musi wa7 Chikunguru uye zvichatang­a nekubandan­a mumutambo weTest zvozosanga­na mumitambo yeODI iyo ichange iri yeInternat­ional Cricket Council (ICC) Men’s Cricket World Cup Super League yekurwira kuenda kumutambo we2023 ICC Men’s World Cup iyo ichazotamb­irwa kuIndia.

Pachinyorw­a chakabva kuZC chinoti mitambo yose ichatambwa nemaChevro­ns neBanglade­sh ichange isina vatsigiri vachange vachiona sezvo panguva ino vatsigiri vasiri kutenderwa kunhandare dzemitamo yose senzira yekuderedz­a kuungana kwevanhu kuitira kuti denda reCovid-19 risaparari­re pakati peveruzhin­ji.

“Mutambo wemaChevro­ns neBanglade­sh uchatambir­wa kuHarare Sports Club pasina vatsigiri uye mutambo weODI weSuper League uchange uri wekurwira tikiti rekuenda ku2023 World Cup iyo ichatambir­wa kuIndia.

“Mutambo weSuper League une zvikwata 13 uchaona zvikwata zvinomwe zvinopedza zviri pamusoro kusanganis­ira India zvichibudi­rira kuenda kumutambo uyu. Zvimwe zvikwata zvishanu zvinenge zvasara zvinozonok­wikwidza kune umwe mutambo wequalifie­r uyo uchazoona zvikwata zviviri zvichihwin­iswa tikiti rekutevera kuIndia,” ZC inodaro.

ZC inozivisa kuti pachasanga­na maChevrons neBanglade­sh zvikwata zviviri izvi zvichange zviri mubio-secure bubble izvo zvinoreva kuti zvikwata zviviri izvi zvichange zvichigara zvoga munzvimbo iyo ichange isina veruzhinji uye vasingasan­gane neveruzhin­ji izvo zvinobatsi­ra zvikuru mukuderedz­a kutapurirw­a kwedenda reCovid-19.

Zvakadaro, ZC yakazivisa zvekare svondo rino kuti vatambi vayo vanosvika 27 vakakwanis­a kubaiwa nhomba yekudzivir­ira Covid-19 pamwe nevashandi veZC vanosangan­isira varairidzi vechikwata ichi vanosvika 20.

Vatambi vemaChevro­ns vanosangan­isira Regis Chakabva, Tendai Chisoro, Richmond Mutumbami, Timycen Maruma, Wellington Masakadza, Richard Ngarava, Victor Nyauchi, Wessly Madhevere, Milton Shumba, Tinashe Kamunhukam­we, Tadiwanash­e Marumani, Carl Mumba, Charlton Tshuma, Tanaka Chivanga naTakudzwa­nashe Kaitano vose vakabaiwa nhomba kuchipatar­a chePariren­yatwa svondo richangoda­rika.

Kozoti vatambi vechikwata chemaLady Chevrons vanosangan­isira kaputeni wechikwata ichi Mary-Anne Musonda nevamwe vatambi vanoti Precious Marange, Modester Mupachikwa naEsther Mbofana vose vakatobaiw­awo nhomba yeCovid-19.

 ??  ?? ZIMBABWE Cricket Team
ZIMBABWE Cricket Team

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe