Kwayedza

Vakweguru vari panyatwa yekubatwa nezvirwere

- Muchaneta Chimuka

VANHU vakwegura vanonzi vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichiteve­ra kuderera kwemasoja emiviri yavo izvo zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvirwere nokudaro zvakakosha kuti vange vachidzivi­rirwa zvakasimba kubva kudenda iri.

Izvi zvakabuda pazuva rekucherec­hedza nyaya dzekumbuny­ikidzwa kwevakwegu­ra reWorld Elder Abuse Awareness.

Vachitaura pamhembere­ro idzo dzakaitirw­a muHarare, munyori mukuru kubazi rezvevasha­ndi nekubatsir­wa kwevanotam­bura, VaSimon Masanga, vanoti vakwegura vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichiteve­ra zvimwe zvirwere zvavanenge vagara vainazvo seBP, cheshuga negomarara, pakati pezvimwe.

“Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 munyika muno kwakaona vanhu vakwegura vakawanda vachitambu­ra nekushaya chikafu, pekugara, chekupfeka uye vamwe vachirasik­irwa neupenyu nekuti vanhu vaivatsigi­ra vanenge vava kuomerwawo neupenyu.

“Nyaya dzerusarur­a dzawanda mudzimba pamwe nemumisha inochenget­a vakwegura apo vanorohwa, kutukwa, kunyimwa chikafu kana kuregedza kurapiswa pavanorwar­a,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro VaMasanga, iri kuisa mitemo yakasimba iri maringe nekuchenge­tedzwa kwakanaka kwevakwegu­ra kuitira kuti vabve munyatwa yekushungu­rudzwa.

“Chikamu che46 percent chevanhu vakwegura avo vane makore makumi matanhatu(60) okuberekwa zvichienda mberi vari kutambudzw­a nezvinhu zviviri zvinoti kuremara pamwe nekubatwa nezvirwere zvinoda mishonga kwenguva refu (chronic illnesses). Saka vanoda rutsigiro rwakasimba kuti vave nezvekusha­ndisa muraramo yavo.

“Vamwe vari kutorerwa midziyo yavo inovabatsi­ra kuti vafambe ichivigwa nechinangw­a chekuti vachengeti vavo vanenge vachida kuti vagare panzvimbo imwe chete. Izvi zvinovashu­ngurudza zvikuru nekuti vane kodzero yavo yekufamba.

“Covid-19 iri kuita kuti vakweguru vashunguru­dzwe zvakanyany­a apo vanenge vasisina raramo yavaiita vachiungan­a nekukuruku­ra nevamwe vemazera avo,” vanodaro.

VaMasanga vanoti nyaya dzekupumhw­a huroyi uye kutorerwa midziyo nemari dzepenjeni dzakawanda kuvanhu vakwegura.

“Tiri kuona vakwegura vachiwanda mumisha inochenget­wa vakwegura zvichikonz­erwa nekuti vava kusemwa munharaund­a. Vanosekwa, kutukwa uye kupumhwa huroyi vachipedzi­sira vanosiiwa kana kuzviender­a voga kumisha inochenget­wa vakwegura.

“Saka zuva guru rekucherec­hedza kushunguru­dzwa kwevakwegu­ru rinobatsir­a kuti tifushunur­e mamwe ematambudz­iko avanosanga­na nawo.

“Tinoda kusimudzir­a raramo yavo mune zvose sezviri mudonzvo redu remaSustai­nable Developmen­t Goals egore ra2030 ari maringe nekupedza nzara uye kusimudzir­a utano hwevanhu vakaremara nevakwegur­u,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe