Kwayedza

Mutumbi wakawanikw­a mumugodhi

- Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemunhurum­e uyo wakawanikw­a uri pamusoro pemvura mutsime paimwe imba iri kuSouthlea Park, muguta eHarare, nemusi weChishanu svondo rapera.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi.

“Muyambiri panyaya iyi ndiViolet Mumvuri (21) anova mwanasikan­a wemufi, Tawedzerwa Mumvuri (45), anoti akabva pamba apa achisiya baba vake vari voga. Zvinonzi paakazodzo­ka kubva kubasa kumanheru, haana kuona baba vake.

“Ava mangwana acho mangwanani, vakatanga kuvatsvaka asi vakavashay­a. Mwana uyu akazotaris­a mutsime ndokuona rata rinoshandi­swa kuvhara rakawira mukati zvikaita kuti akahadzike nekuva nefungidzi­ro,” vanodaro mapurisa.

Insp Mwanza vanoti mwana uyu akazodongo­rera mumugodhi ndokuona mutumbi wababa vake wakayangar­ara pamusoro pemvura.

“Akabva azivisa vamwe vavakidzan­i vake, mushure ndokunomha­n’ara kumapurisa ekuSouthle­a Park vanova vakanyurur­a mutumbi uchibva waendeswa kumochari yechipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals.

‘‘Pane fungidziro yekuti murume uyu anogona kudaro akapondwa nokudaro pari kuitwa ongororo,” vanodaro.

Insp Mwanza vanokurudz­ira veruzhinji kuti kana vakachera matsime, vapote vachiavhar­a zvakanaka kuitira kudzivirir­a tsaona dzekuwira kwevanhu.

Munyaya inodyidzan­a neiyi, mumwe mwana ane makore maviri ekuberekwa svondo rapera akawira mumugodhi wevavakidz­ani uyo wainge uzere mvura uye usina kuvharwa kuUnit P, Chitungwiz­a.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzakasiyan­a kusanganis­ira Chitungwiz­a yakaona kuti migodhi mizhinji iri kungosiiwa isina kuvharwa izvo zvine njodzi kupwere nevanhu vakuru.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe