Kwayedza

Kusimudzir­a dzidzo munguva yeCovid

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinotsigir­a dzidzo, reEducatio­n Coalition of Zimbabwe (ECOZI), rakaita musangano pamasaisai svondo rapera apo rainzvera nyaya dzemari yebhajeti redzidzo kunyanya munguva ino apo nyika iri pakati pekurwisa chirwere cheCovid-19.

Donzvo remusangan­o uyu raive rekuti kudai nyaya dzedzidzo dzakwanisa kutsigirwa nemari inokwana mukufambis­a zvirongwa zvose zvinodiwa, kunyanya zvidzidzo zvepamasai­sai (e-learning) izvo zvinobatsi­ra kuti zvidzidzo zvisamira nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Pari zvino zvikoro zvakambono­noka kuvhurwa nechinangw­a chekumisa kupararira kweCovid-19.

VaPepukai Chivore, avo vanoona nyanzvi inoona nezvebhaje­ti (macro-economic analyst) kudare reParamend­e yeZimbabwe, vanoti zvakakosha kuti bhajeti riri maringe nenyaya dzedzidzo ringe riine kuenzanisw­a kwemikana pakati pevarume nemadzimai kuitira kuti munhu wose awane dzidzo yakakodzer­a.

“Kana bhajeti rikasaitwa nemazvo, rine mikana yekuwedzer­a kutambura kuvanhu avo vanenge vachifanir­wa kuwaniswa rubatsiro rwedzidzo senherera, vanasikana avo vanowanzos­arira kumashure munyaya dzedzidzo nekuda kwedzimwe tsika nemagariro izvo zvinosarur­a.

“Kunyuka kwechirwer­e cheCovid-19 kwaderedza upfumi hwenyika apo vashandi vava nenguva shoma yekushanda mumakamban­i kusanganis­ira vanoita mabasa vakazvimir­irira, izvi zvinokakan­ganisawo kusimukira kwebhajeti redzidzo mumakore anotevera kubvira 2021 kusvika 2025,” vanodaro. Vanoti vana vakawanda vari kurasikirw­a nedzidzo zvikuru vekumaruwa uko kusina ruzivo rwechizvin­o-zvino rweindanet­i kuti vange vachifambi­rana nevamwe vavo vanofunda mumaguta umo mune magetsi nezvekusha­ndisa — tisingakan­ganwi vadzidzi vakaremara.

“Tinoda bhajeti rinotarisa nyaya dzezvivakw­a zvakakwana muzvikoro kuitira kuti vana vakwanise kufunda vose zuva nezuva, asi vakapatsan­urana kwemamita akatarwa mukurwisa denda reCovid-19 uye pari zvino kune zvichemo zviri kubva kuvabereki pamusoro pekupanana zvijana zvekudzidz­a muzvikoro nekuda kwekuti zvikoro zvinenge zvisina zvivakwa zvakakwana.

“Zvikoro zvinoda zvimbuzi zvakana uye zvisingazo­ve jodzi kuvana zvichifamb­irana nebumbiro remutembo panyaya yedzidzo. Vanasinaka vazhinji vari kusiira chikoro panzira panguva iyo vanotanga kutevera nekuda kwekuti vanenge vasina zvekushand­isa zvakakwana,” vanodaro.

Vanowedzer­a vachiti varairidzi vanofanira kufundiswa nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana kuitira kuti vana vafarire chikoro.

“Tinodawo vadzidzisi vesayinzi nemasvomhu vari vechidzima­i kuitira kuti vanasikana vavewo neshungu dzekuita zvidzidzo izvo zvinowanzo­tariswa sezvinorem­a kana kuti zvinoitwa nevadzidzi vechirume. Nyaya dzemitambo dzinodawo rutsigiro pamwe nezvirongw­a zveBasic Education Assistance Module (BEAM),” vanodaro.

VaWillard Nengomasha, vanova technical lead education kusangano rePlan Internatio­nal, vanoti dzidzo inoda kutsigirwa zvikuru munguva yeCovid-19 kuitira kuti vanasikana kunyanya vanova vari panyatwa yekumbunyi­kidzwa nenzira yepabonde vaenderere mberi nedzidzo pasina nyaya dzekuroodz­wa kana kumitiswa.

ECOZI isangano rakazvimir­irira iro rinoshanda nemapoka edzidzo ari muZimbabwe kusanganis­ira anomiririr­a varairdzi, vadzidzi, vemakereke nemamwe akazvimiri­rira nedonzvo rekusimudz­ira dzidzo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe