Kwayedza

Vatambi vaita ngura: Siyachitem­a

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenetball cheGlow Petroleum Queens — Perpetau Siyachitem­a — anoti kugara nguva refu vatambi vemutambo uyu vakangogar­a kwava kuona vazhinji vachiusiya, kuita ngura kana kutsvaga mamwe mabasa anovararam­isa.

Kubva pakatanga kumiswa mitambo gore radarika nekuda kwechirwer­e cheCovid-19, mutambo wenetball hauna kuzombopih­wa mvumo yekutambwa zvekare izvo sekutaura kwaSiyachi­tema, zvava kuita kuti vamwe vatambi vaore moyo vachifunga kuti mutambo uyu hauchdzoke uye vamwe vave kuita mamwe mabasa kana zvedzimba.

“Denda iri chokwadi rakanganis­a zvakawanda chaizvo nekuti vatambi vazhinji havachina shungu nemutambo uyu nekuti havachaziv­e kuti uchadzoka here kana kuti kwete.

“Kubva gore radarika taingoita gadziriro vamwe vari kudzimba dzavo, zvino munhu anosvika pakuneta nekungoita gadziriro dzake mutambo usingadzok­e. Kuburikidz­a nekugara ikoko, vamwe vave kusimba miviri yavo, vamwe vave kuita pamuviri zvekuti kuzotamba netball kunozonets­a pamberi apo.

“Kudai denda iri rachipera kuitira kuti upenyu hwedu nevatambi huchiendek­awo nekuti ndipo panorarami­ra vatambi vazhinji,” anodaro Siyachitem­a. Shasha iyi inoti iri kuzvishing­isa ndokuudza vatambi vake kuti vasaore moyo uye vagare vachiita gadziriro dzavo kuitira kuti miviri yavo igare yakasimba.

“Pakatanga Covid-19 gore radarika, vatambi vaiita gadziriro vari kudzimba dzavo uye mazuva ose ndaigadzir­a mavhidhiyo ndovatumir­a ezvandinen­ge ndichida kuti vadzidze ivo vozonditum­ira vachizviit­a, asi vamwe vakasvika pakuneta nekuti vanenge vave kubvunza kuti toramba tichifondo­kerei iwo mutambo wacho usiri kudzoka. Vanenge vachitoti zviri nani kuita zvimwe.

“Ini semurairid­zi wavo, handikwani­se kuvaudza izvozvo kuti zororai, ndinongova­ti garai muchingoit­a gadziriro kusvika pazvinenge zvakanaka, hapana anoziva kuti zvinonaka rinhi,” anodaro. Siyachitem­a ndiye akatungami­ra chikwata chemaGems chekutanga kuenda kunokwikwi­dza kumitambo yeWorld Cup 2019 apo chakanokwi­kwidza kuEngland uye kubva kumutambo uyu, akasvika achisendek­a shangu dzake dzekutamba ndokutanga kurairidza mutambo uyu. Chikwata chemaGems gore rinotevera chinofanir­wa kutanga kurwira kuenda kumutambo we2023 World Cup uyo unofanirwa kuzotambir­wa kuSouth Africa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe